Zvakaratidzwa 21 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

D: GUTA REJERUSAREMU RAMANGWANAGuta reJerusaremu idzva

1Ipapo ndipo pandakazoona

denga idzva nenyika itsva

nokuti denga rakare nenyika yakare

zvakanga zvapfuura uye gungwa pakanga pasisina.

2Ndakazoona guta dzvene

Jerusaremu idzva richiburuka mudenga richibva kuna Mwari

rakagadzirirwa semwenga,

mwenga akashongedzerwa murume wake.

3Ndakanzwa izwi guru

richibva pachigaro choumambo richiti,

“Tarisai muone kuti

Mwari ava kuzoita musha wake pakati pavanhu.

Achagara navo; ivo vachava vanhu vake

iyewo Mwari pachake achava navo.

4Achapukuta misodzi yose pamaziso avo.

Rufu haruchazovapozve,

hapachazova nokuungudza kana kuchema

kana kurwadziwazve,

nokuti zvinhu zvakare zvinenge zvapfuura.”

5Uya akanga agere pachigaro choumambo akati,

“Tarisai muone ndava kuita

kuti zvinhu zvose zvive zvitsva.”

Akatizve, “Nyora izvi nokuti mazwi aya

mazwi anovimbika uye ndeechokwadi.”

6Uya akanditi, “Zvaitika.

Ndini Arifa naOmega

ndini mavambo namagumo ezvinhu

kune vane nyota ndichavapa mvura

pasina muripo ichibva mukasipiti kemvura youpenyu.

7Uyo anokunda achawana mugove wenhaka yezvinhu izvi

ini ndichava Mwari wake

iye achivawo mwana wangu.

8Asi mbwende, navanohedhuka navakapara zvitadzo

nemhondi nemhombwe navaroyi,

navanamati vezvinhu zvisiri Mwari, navarevi venhema,

chavo ivo zidziva riya rinobvira moto nesarufa.

Ndirwo rufu rwechipiri.”

9Ndipo pakazouya mumwe wavatumwa vanomwe vaya

vakanga vane ndiro nomwe

dzakanga dzizere pfumvu nomwe dzokupedzisira.

Akati kwandiri,

“Uya ndikuratidze mwenga,

mudzimai weHwayana.”

10Ndiina Mweya, akanditakura

akaenda neni kuGomo refurefu

akandiratidza guta dzvene reJerusaremu

richiburuka richibva mudenga, richibva kuna Mwari

11riine kupenya kokuvapo kwaMwari.

Rain'aima sechishongo chinokosha kwazvo

uye seemeradhi

rakachena sezvimedu zvedombo romusarasara.

12Rakanga riine rusvingo rukuru

rwakareba kuenda mudenga

ruine misuo mikuru gumi nemiviri.

Pamisuo mikuru iyoyo paiva navatumwa gumi navaviri.

Pamisuo mikuru iyoyo pakanga pakanyorwa mazita

amadzinza gumi namaviri avaIsiraeri.

13Kumabvazuva kwaiva nemisuo mikuru mitatu;

kuchamhembe kuine misuo mikuru mitatu;

kumaodzanyemba kuine misuo mikuru mitatu

kumadokerowo kuine misuo mikuru mitatu.

14Rusvingo rweguta iroro

rwakanga ruina matombo ohugaro gumi namaviri.

Paugaro ipapo pakanga pakanyorwa mazita

gumi namaviri avapositori veHwayana.

15Uyo aitaura neni akanga aino rutanda rwendarama

rwokueresa guta iroro

nemisuo mikuru yaro namasvingo arwo.

16Guta iroro raiva namativi mana akaenzana.

Urefu hwaro hwakanga hwakaenzana noupamhi hwaro.

Akaera urefu hweguta norutanda rwake

hukaita makiromita zviuru zviviri zvina mazana maviri

urefu hwaro noupamhi hwaro nokukwira kwaro mudenga

zvakanga zvakaenzana.

17Akaerawo rusvingo rwaro

rukaita mamita makumi matanhatu ana mashanu

namaerero anoita vanhu

asi iye ari mutumwa aiera.

18Rusvingo irworwo rwakanga rwakavakwa

namatombo ejasipa.

Iro guta riri rendarama yoga yoga rakachena segirazi.

19Ugaro hwerusvingo rweguta iroro

hwakanga hwakashongedzwa

nezvishongo zvemhando nemhando.

Chishongo chokutanga chakanga chiri chejasipa

chechipiri chiri chesafaya

chechitatu chiri cheagati

chechina chiri cheemeradhi

20chechishanu chiri cheonikisi

chechitanhatu chiri chekaneriani

chechinomwe chiri chekirisoriti

chechisere chiri cheberi

chechipfumbamwe chiri chetopazi

chegumi chiri chekirisopurasi

chegumi nechimwe chiri chejasindi

chegumi nechipiri chiri cheemetisiti.

21Misuo mikuru gumi nemiviri iya

yakanga iri yamapera gumi namaviri.

Suo guru rimwe nerimwe

rakaitwa nePera rimwechete.

Migwagwa yeguta iroro

yakanga iri yendarama yakanakisisa inoonekera segirazi.

22Asi handina kuona Temberi muguta iroro

nokuti Temberi yaro ndiTenzi Mwari, Samasimbaose neHwayana.

23Guta iroro haridi zuva

kana mwedzi zvokurivhenekera nazvo

nokuti kupenya kokuvapo kwaMwari ndicho chiedza charo,

Hwayana iri iyo rambi rayo.

24Marudzi ose achafamba achivhenekerwa nechiedza charo

uye madzimambo apasi achauisa

mariri zvinovapa mbiri.

25Misuo yaro mikuru haichazombopfigwa masikati

uye hakuzombovi nousiku ikoko.

26Vachaunzamo mariri zvinhu

zvinopa marudzi mbiri nomukurumbira.

27Hakuna chakan'ora chichapinda mariri

kana ani zvake anoita zvisingadiwi naMwari

kana anonyengedza kusiya chete vakanyorwa

mubhuku roupenyu reHwayana.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help