Jona Zviri mubhuku rino - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Zviri mubhuku rino Bhuku raJona rinotaura rungano rwomuporofita anonzi Jona airamba kuteerera Mwari. Jona akatumwa naMwari kundoparidza kuvanhu vokuNinivhe shoko raMwari kuti vatendeuke kuti Mwari agorega kuvaparadza. Ninivhe raiva guta ravanhu vaivengana zvikuru navaJudha. Jona aitoda kuti Ninivhe iparadzwe. Panze pokuenda kuNinivhe kwaanga atumwa akatokwira chikepe otizira kuTashishi. Jona akazokandwa mugungwa navachairi vechikepe nokuti zvakaonekwa kuti ndiye aikonzera dutu mugungwa. Akamedzwa nehove yakaenda naye ikasvikomurutsa kumahombekombe eNinivhe. Jona akazofamba achitaurira vanhu veNinivhe zvaakanga atumwa naMwari. Ivo vakabva vapinduka vakatsanya, Mwari akavaregerera. Izvozvi ndizvo zvakanga zvisingadiwi naJona. Iye aitoda kuti dai Ninivhe yaparadzwa.Aya ndiwo mamiriro akaita bhuku raJonaKutumwa kwaJona nokuramba kwake (1:1–17)Jona anonamata ari mudumbu rehove anunurwa naMwari (2:1–10)Shoko raJona kuNinivhe (3:1–10)Mwari anonzwira Ninivhe tsitsi (4:1–11)
Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help