Joeri 1 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Kuchema nhamo yakauyiswa nemhashu

1Shoko raTENZI iri rakauya kuna Joeri mwanakomana waPetueri richiti;

A: NJODZI YEGURUSVUSVU REHWIZA

2Inzwai munzwe izvi,

imi vechikuru chikuru,

rerekerai nzeve mose,

imi vagari venyika iyi!

Ko zvakadai izvi

zvakamboitikawo here

mumazuva enyu,

kana mumazuva

amadzibaba enyu?

3Zvirondedzerei kuvana venyu,

vana venyu vaudzewo vana vavo,

vataurirewo chimwewo chizvarwa,

4kuti zvakasiiwa nomuteteni,

vana vemhashu,

zvadyiwawo nehwiza dzegwatakwata;

uye zvakasiyiwamo zvasiyiwawo

nemhashu dzegute,

zvadyiwawo nehwiza dzegwatakwata;

uye zvakasiyiwa nehwiza dzegwatakwata

zvadyiwa nemhashu dzinorozva.

5Pepukai imi zvidhakwa

muhwihwidze kuchema

muridze mhere imi mose vanwi vewaini

pamusana pewaini itsva

nokuti maibvutirwa iri pamuromo.

6Nokuti kwaita rudzi rwavanhu

vauya kuzorwisa nyika yangu,

rudzi rune simba rusingaverengeki.

Mazino arwo, mazino eshumba chaiwo,

mbangura dzamazino arwo

anenge mazino eshumba hadzi.

7Rwaparadza migirepisi yangu

rukatsemura-tsemura mikuyu yangu.

Rwakayikwatura ganda rayo

rukarikanda pasi,

matavi ayo akati ngwerewere kuchena.

8Ungudzai semhandara

yakapfeka masaga iri kuchema

chikomba chayo chousikana.

9Zvomupiro wembesanwa

nomupiro wokuteura,

pamba yaTENZI zvamiswa,

vapristi vari kuchema,

ivo vashandiri vaTENZI.

10Minda yaparara,

ivhu riri kuchema

nokuti mbesanwa dzaparadzwa.

Waini yavakupera

mafuta eorivhi avakupwa.

11Ngazvikudumbirei

imi varimi veminda.

Ridzai mhere vachengeti vemigirepisi,

chemai koroni nebhari

nokuti zvokukohwa mumunda zvaparara.

12Mugirepisi wasvava,

muonde warezuka.

Mupomegiraneti nomurara nomuapuru

nemiti yesango yose zvayo yauna.

Rufaro muvanhu rwapera.

Pindukai munamate

13Pfekai masaga muungudze imi vapristi,

hwihwidzai kuchema,

imi vashandi vepaatari.

Pindai murare makapfeka masaga

imi vashandiri vaMwari wangu

nokuti zvomupiro wembesanwa

nomupiro wokuteura zvamiswa

mumba yaMwari wenyu.

14Tsaurai zuva rokutsanya

kokerai musangano wezvokunamata

muunganidze vakuru vakuru

navagari vose zvavo venyika iyi

kumba yaTENZI, Mwari wenyu

mucheme kuna TENZI.

15Hameno zvenyu nezuva iroro

nokuti zuva racho raTENZI rava kusvika

rinouya sezuva rokuparadza kwaSamasimbaose.

16Handiti chokudya chatiperera takatarisa

uye mhururu norufaro

zvakatiperera mumba yaMwari wedu?

17Mbeu dzakauna mumavhinga akaoma,

mokuchengetera mbesa maparara

matura angova matongo zvawo

nokuti mbesa dzashayikwa.

18Idzo mhuka rangove jemedzanwa!

Matanga emombe azvishayira pazvo

nokuti mafuro hapachisina

kunyange namatangawo ehwai

zvavakukangaidzikawo.

19Ndochema kwamuri TENZI

nokuti moto waririmisa

mafuro erenje

rimi romoto rapisa

miti yose zvayo yesango.

20Kana nemhukawo dzesango

dziri kuchema kwamuri

nokuti hova dzemvura dzaoma

motowo wakarorormesa

mafuro erenje.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help