Nziyo 143 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Rumbo rwaDhavhidhi.Kukumbira rubatsiro

1Inzwai munamato wangu TENZI;

teererai chichemo changu.

Ndipindureiwo nokutendeka kwenyu

noururami hwenyu.

2Musapinze ini muranda wenyu dare

nokuti hapana mupenyu akarurama

pamberi penyu,

3nokuti muvengi ari kundironda;

andibvumburudza muvhu.

Akaita kuti ndigare murima savakafa kare kare.

4Ndokusaka ndapererwa nesimba,

ndadzongodzwa mwoyo ini.

5Ndinoyeuka mazuva akare,

ndinorangarira zvose zvamakaita

ndinofungisisa zvakaitwa namaoko enyu.

6Ndinosimudzira maoko angu kwamuri

mweya wangu une nyota nemi

sapasi pakaoma.

Dzepfunde.

7Kasikai kundipindura TENZI

ndapererwa ini,

musavanze uso hwenyu

ndingadaro ndikaita

savaya vanoenda kuguva.

8Regai ndinzwe

nezvemwoyochena wenyu mangwanani

nokuti ndinovimba nemi.

Ndidzidziseiwo nzira yandingafambe nayo,

nokuti ndinosimudzira

pfungwa nemwoyo wangu kunemi.

9Ndinunureiwo kuvavengi vangu TENZI

ndinopotera kwamuri.

10Ndidzidziseiwo kuita kuda kwenyu

nokuti ndimi Mwari wangu;

mweya wenyu wakanaka

ngaunditungamirire

nomunzira yakati sandara.

11Ndichengetedzeiwo ndiri mupenyu

nokuda kwezita renyu,

pamusana poururami hwenyu,

ndiburitseiwo mumatambudziko.

12Pamusana pomwoyochena wenyu,

paradzai vavengi vangu,

muparadze mhandu dzangu dzose

nokuti ndiri muranda wenyu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help