Tsumo 31 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

VIII: TSUMO DZARIMUERI

1Mashoko aRimueri mambo wokuMasa

aakadzidziswa naamai vake.

2“Chii ichocho mwanangu,

ndochii ichocho mwana wokubereka

nhai mwana wangu wechitsidzo changu.

3Usazviise mumaoko avakadzi

uchizvipa kuna vanoparadza madzimambo.

4Hachisi chinhu chamadzimambo Rimueri,

kunwa waini kana vatongi kuda hwahwa,

5nokuti vangadaro vanwa vakakanganwa

zvakatemwa vachizokanganisa zvinofanira

kuitirwa varombo.

6Doro rinopiwa munhu avakuparara

wainiwo vakasuruvara zvokufa.

7Ndivo vanganwe zvavo

kuti vakanganwe urombo hwavo

kuti vasayeukezve nhamo dzavo.

8Taura wakamiririra mbeveve

umiririre zvinofanira kuitirwa vatamburi.

9Zarura muromo wako utonge zvakarurama

umiririre varombo navashaiwi.”

IX: MUDZIMAI WAKANAKA

10Ndiani zvake akawana mukadzi wakanaka

anokosha zvikuru kupinda zvishongo.

11Mwoyo womurume wake unovimba naye.

Haashaye chaanowana.

12Anomuitira zvakanaka kwete zvakaipa

mazuva ose oupenyu hwake.

13Anotsvaka wuru netseta

achishanda nomwoyo unoda.

14Akaita sengarava dzomushambadzi

anobva nechokudya chake kure.

15Anomuka huchiri usiku achipa mhuri yake zvokudya

uye basa kuvasikana vake vebasa.

16Anotsvaka munda wokutenga,

anosima munda wemigirepisi nesimba remaoko ake

17anogwinyisa chiuno nokusimbisa maoko,

18anoona kuti zvinhu zvake zvinofamba zvakanaka

rambi rake haridzimi usiku hwose.

19Anotambanudzira maoko ake kuchivhimbo chewuru

achibata chokurukisa neminwe yake.

20Anozarura ruoko rwake kupa varombo

achitambanudzira maoko ake kune vasina chavanacho.

21Haatyiri imba yake chando

nokuti mhuri yake yose inenge yakapfeka zvitsvuku.

22Anozvigadzirira oga zvokufukidza nazvo mubhedha wake,

hanzu dzake ndedzerineni yakanakisisa

dzeruvara rwohute.

23Murume wake munhu anozivikanwa padare

kana agere pakati pavakuru-vakuru venyika

24anoita machira erineni achiatengesa

achiwanisa vashambadzi mabhande.

25Simba nechiremera ndozvipfeko zvake,

anotosekerera mazuva ari kuuya.

26Anozarura muromo wake noungwaru

uye zvokudzidzisa tsitsi ndozviri pamuromo pake.

27Anoongorora kuti mhuri yake yakagara sei,

haadyi chokudya chounyope.

28Vana vake vanosimuka vachimuti, “Makakomborerwa,”

uyewo murumwe wake anomurumbidza achiti,

29“Vakadzi vazhinji vakaita zvakanakisisa

asi iwe unovakunda vose.”

30Kuyevedza kunonyengedza, runako haruna maturo

asi mudzimai anotya Tenzi anofanira kurumbidzwa.

31Anofanira kurumbidzwa pamusana pezvaakaita namaoko ake

ngaarumbidzwe namabasa ake padare.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help