1Ndipembedzei Mwari
mundidzivirirewo pamhosva yangu
kuvanhu vakaipa mwoyo.
Ndinunureiwo kuvanyengedzi
navanhu vakaipa.
2Nokuti imi Mwari ndimi diziro rangu,
mandirasireiko?
Ndinofambirei ndichichema
nokushushwa kwandinoitwa nemhandu?
3Tumai mwenje wenyu nechokwadi chenyu
zvinditungamirire
zvinditsvitse kugomo renyu rinoera
nokwamunogara.
4Ndinobva ndaenda kuatari yaMwari,
kuna Mwari
anondipa rufaro rusingatauriki.
Ndichakurumbidzai nechipendani Mwari,
Mwari wangu.
5Ko ndasuruvara neiko kudai iyeni
ko ndadzongodzwa mwoyo mukati mangu seiko kudai?
Ndinotarisira muna Mwari
nokuti ndichamurumbidzazve
iye rubatsiro rwangu naMwari wangu.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.