Jeremiya 8 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

1“Tenzi anoti, panguva iyoyo, mapfupa amadzimambo okwaJudha namapfupa amachinda acho uye mapfupa avapristi mapfupa avaporofita namapfupa avagari veJerusaremu achaburitswa mumakuva avo.

2Achanzi yacha kuyanikwa muzuva nemwedzi uye napamberi pegurusvusvu rezvose zvedenga izvo zvakavatora mwoyo uye zvavaishandira, izvozvo zvavaiteveredza uye zvavaitsvaka vachinamata. Mapfupa iwayo haasiri kuzounganidzwa kana kuzovigwa achangoti warara sendove pasi pavhu.

3Chitsama chakasara chavanhu vose ivava vemhuri yevaipi vachange vari kunzvimbo dzose kwandakavadzingira chichakungura kuti kufa kuri nani pane kurarama. Ndozviri kutaura Tenzi wehondo nehondo.”

Chitadzo nechirango chacho

4Unofanira kuvataurira kuti,

zvanzi naTenzi,

“Vanhu pavanoputsika, havasumukezve here?

Ko kana munhu atsauka mugwara haadzokezve here?

5Ko vanhu ava vadarirei kubva varamba vakatsauka

zvokupanduka kudai?

Vanobatisisa kune zvounyengedzi vachiramba kudzoka.

6Ndakarerekera nzeve ndichiteerera,

asi hapana chakanaka chakabuda mumuromo mavo.

Hakuna anopfidza uipi hwake

achidemba achiti,

‘Ndicho chii ichochi chandakaita.’

Munhu wose yangova njakenjake

sezvinongoita bhiza kumhanya kwazvo

richipinda muhondo.

7“Inga wani kunyange shuramurove zvaro

mudenga umu, rinoziva nguva yaro

uye njiva kana mherepere

kunyange nhapata dzinochengetedza

nguva yadzo yokuuya wani.

Asi vanhu vangu

havamboziva zvavo murao waTenzi.

8Pakadai apa ndopamungataure here kuti,

‘Tiri vangwaru vevanhu isu

uye tinawoka mutemo waTenzi isu?’

Asi chionai kuti,

penzura yemanyepo yenyanzvi dzomutemo

yakauita kuti muve manyepo.

9“Vangwaru vachanyadziswa,

vachapazamiswa musoro nazvo

vachibva vabatwa.

Hezvika, vakaramba shoko raTenzi;

zvino ungwaru hwavanahwo ndohupi?

10Naizvozvo vakadzi vavo

ndichavapa kuna vamwe;

minda yavo ndichipa kune vamwe

vokuva varidzi vayo,

nokuti kubvira kumudiki

kusvikira kumukuru chaiye

munhu wose ane makaro

okuwana zvinhu nenzira isina kururama.

Kubvira kumuporofita kusvikira kumupristi

munhu wose ari kungoita zvounyengedzi.

11“Kurapa ronda ravanhu vangu,

vanorapa zvavo, asi zvechipameso

vachiti, ‘Rugare, rugare,’

ipo pasina rugare rwacho.

12Havaifanira kunyara here

pavakaita zvakaipa zvisingadiwe naTenzi?

Kwete havana kana kumbonyara.

Havazivi kuti kunonyarwa sei.

Naizvozvo vachafawo panofira vamwe

panguva yandichavaranga

ndipo pazvichavaperera,

ndizvo zviri kutaura Tenzi.

13“Zvanzi naTenzi,

pandinenge ndada kuvaunganidza,

ndinoona vari somugirepisi

usina magirepisi,

kana kuti muonde usina maonde,

kunyange namashizhawo awo asvava

kana zvandakanga ndavapa

zvakatopfuura kare kare.

14“Torambirei takati teshe kugara?

Ngatiunganei pamwechete

tindopinda mumaguta etsvingo

tindopararira imomo zvedu

nokuti Tenzi, Mwari wedu atitemera kuparara

uye atipa mvura ine chepfu kuti tinwe

nokuti isu takatadzira Tenzi.

15“Taitarisira kuwana rugare

asi hapana chakanaka chakauya,

tikatarisira nguva yokurapwa,

asi zvinotyisa ndozvotoona.

16Kufemuruka kwamabhiza avo,

kunonzwika nokwaDhani.

Pamusana poruzha rwokuhwihwidza

kwamabhiza avo makono,

nyika yose inondengandenga.

Vanouya vachisvikoparadza nyika ino

nezvose zvizere mairi,

guta navanhu vageremo.

17Ndinodaro nokuti

ndava kutuma nyoka mukati menyu,

zviva chaizvo zvisina kana mapipi angazvidzivise

izvozvo ndizvo zvichakukoborai.”

Ndizvo zviri kutaura Tenzi.

Shungu dzaJeremiya nevanhu vokwake

18Kurwadziwa mwoyo kwangu hakuna angakunyaradze

mukati mangu, mwoyo wangu warwadza.

19Inzwai kuchema kwemwanasikana wangu,

kuchema kwavanhu vangu;

kuchibva kose kose munyika ino

vachiti, “Ko Tenzi haasi

muguta reZioni here?

Mambo weZioni haasisimo here muguta imomu?

Vakandishatirisirei nezvifananidzo zvavo

zvokunamata zvemabwe zvakavezwa

nezvimwe zvifananidzo zvokunamata

zvevechirudzi zvisina maturo?

20“Kukohwa kwakapfuura,

mwaka wezhizha wakatopfuura

asi hatina kuponeswa.”

21Chiripo ndechokuti ronda remwanasikana wangu,

ronda raivo vanhu vangu ava randirwadza mwoyo.

Ndiri kuchema nhamo ini,

zvandishayisa chokuita!

22Ko imo muGireadhi

hamunawo pfuta here?

Hamuna here murapi imomo?

Zvino seiko urwere,

hwavanhu vangu ava husina kurapwa?

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help