Ungwaru 14 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Ngarava yomuti inoenzaniswa nezvifananidzo zvezvimiti

1Uyezve munhu anenge oda kufamba nengarava

inofamba napamusoro pamasaisai anotyisa,

anokumbira kuchengetwa nechimuti,

chisina simba serengarava inomutakura.

2Kuda upfumi ndiko kwakaita kuti ngarava,

iyoyo ivakwe sezvairi.

Ungwaru ndihwo hwaiva mhizha yacho yokuvaka.

3Asi kuchengetedza kwenyu imi Baba

kunoifambisa nenzira yayo

nokuti ndimi makaipa gwara rayo munyanza,

uye nzira inofambika mumasaisai,

4nokudaro munoratidza kuti munogona

kutinunura kune zvose,

zvokuti kunyange munhu asina ruzivo,

anogona kufamba nomunyanza.

5Hamudi kuti mabasa oungwaru hwenyu

angogara chete asingashandiswe,

ndokusaka vanhu vachiisa upenyu hwavo

parumanonzombe rwokutakurwa nechimuti chiduku,

vachiyambuka nacho nyanza

nokusvika zvakanaka kwavanoenda.

6Ndizvowo zvakaitwa kare kare zviya zvaiparadzwa

zvikakarara zvaizvikudza zvavanhu.

Vanhu vakatozoisa

chitarisiro chokuponeswa kwavo muhwato

yakatungamirirwa nemi ikachengetera nyika chitarisiro

chezvizvarwa zvakange zvichazoberekwa.

7Chakomborerwa zvacho chimuti

chinoita kuti zvakarurama zviitike,

8asi chivezwa chokunamata

chakaitwa namaoko uye muvezi wacho,

zvinobva zvava zvakarengererwa rushambwa.

Iye pasina pokuti ndiye akachiveza

ichowo pamusana pokuti,

kunyange chiri chinhu chakafa

chinonzi ndiMwari.

9Mwari anovenga munyangadzi

nounyangadzi hwake zvimwechetezvo;

10chakaitwa chacho neakachiita, zvose zvinorangwa.

11Naizvozvo zvifananidzo

zvinonamatwa nevasinganamati Mwari wechokwadi

zvicharangwa, nokuti kunyange zvazvo

zviri zvimwe zvezvisikwa zvake

zvakarunzira mweya yavanhu,

nokuteya makumbo amapenzi.

Mviromviro dzokunamata zvifananidzo

12Kugadzira zvifananidzo ndiko kwakava

kutangisa kwounzenza;

kuzvivamba ndikowo kwakava

kutanga kuora kwoupenyu

13nokuti zvifananidzo hazvina kumbenge zviripo

zvakanga zvisipo pakutanga,

uyezve, hazvicharamba zviripo narini.

14Upenzi hwavanhu ndihwo hwakauyisa zvifananidzo

ndiko kusaka zvakatemerwa kuti

zvibve zvapera vashushikane.

15Baba vanenge vashushikana nokufa

kwomwana wavo achiri muduku,

ngatitii vanoita chifananidzo chomwana wavo uya

akaerekana afa.

Asi zvino vochinamata samwari,

chinhu chiya changa chiri chitunha zvacho

chava chinhu chokutosiirana

neveimba yake vachitochiitira

zvidzidziso zvakadzama

nezvake uye nezvamapindiro angaite vanhu mubato rake.

16Kubvezvo zvakaramba zvichiitwa kudai

kwenguva refu

zvozodzamara zvoitwa somurau,

17zvozotemwa namadzimambo kuti

zvifananidzo zvakavezwa

zvinofanira kuti zvinamatwe.

Vanhu vaigara kure namambo,

zvokuti havaikwanisa kumuombera

uso nouso, vaitoita zvokufungidzira

chimiro chamambo wavo

aiva kure vaizvigadzirira mufananidzo

wamambo wavairemekedza.

Neshungu dzavo idzodzo vaikwanisa kuremekedza

mambo asipo sokunge aripo.

18Asi kuda kurumbidza kwomuiti wezvifananidzo

kwaisakisa kuti

kana vakanga vasingazivi mambo vade kumunamata,

19nokuti uyu, zvichida nokuda kufadza mambo wake,

aiita kuti noruzivo rwake mufananidzo unyanyonaka,

20zvokuti kuyevedza kwechifananidzo

kunoita kuti vazhinji

vanamate mambo, wavakanga

vachimboremekedza somunhu.

21Uyu wakava musungo wakavandika kuvanhu

pamusana perombo raakatipa

kana pamusana poukuru hwamambo

zvokuti vape kudombo kana kuchimuti,

zita risingafaniri kungopihwa zvaro

kuchinhu chose chose.

Nhamo dzinosakiswa nokunamata zvifananidzo

22Mushure macho havana kurasika

pane zvokuziva Mwari chete,

asi kuti pamusana pokusaziva,

dzinogara dziri hondo dzoga dzoga

zvinhu zvakaipisisa kudaro vachizviti rugare.

23Vanouraya vacheche vachivaita chibayiro

chokupinzisa vanhu mubato ravo

vachiita, mabira akavandika vachitamba zvakazhangarika

nomunamatiro usingazivikanwi.

24Havachachengeti upenyu hwavo

kana michato yavo yakachena;

asi kuti vanotourayana zvinosiririsa

kana kutadzirana nokuita upombwe.

25Kwose kwose kunongova ropa nokuurayana,

umbavha nounyengedzi,

netsika dzakaora nokusavimbika,

nenyonganyonga, nokutsidzidzirana zvenhema.

26Kupazanisana musoro nezvekuti chakanaka ndechipi,

kukanganwa zvakanaka zvavakaitirwa

nokusvipiswa kwomweya,

uye ufeve hunonyadzisa kwazvo,

kuparara kwemichato nomurau,

noumhombwe nounzenza.

27Kunamata zvifananidzo

zvisingafaniri kudomwa mazita azvo,

ndiyo mviromviro, nehonzeri nomugumo

wounyangadzi hwose,

28nokuti vanamati vazvo vanozhambatata

zvisina mwero wokufara

vachiporofita zvenhema,

kana kugara upenyu hwakaipa,

hokusambozeza kutyora zvitsidzo zvavo

29sezvavanovimba nezvifananidzo

zvisina upenyu, havatyi kurangwa pamusana pokupika

nhando kwavanoita.

30Asi vacharangwa zvakakodzerawo pamusana pemhosva

mbiri dzokuti:

nechikonzero chokunamata zvifananidzo

mafungiro avo nezvaMwari akaipa,

uyezve, vakapika nhando, vachishora

zvose zvinoera.

31Chinoteverana navatadzi vasina kururama

haasiri masimba ezvavanopika nazvo asi chirango

chavanokodzera chinoramba chichitevera kutadza kwavakaipa.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help