1Uyezve munhu anenge oda kufamba nengarava
inofamba napamusoro pamasaisai anotyisa,
anokumbira kuchengetwa nechimuti,
chisina simba serengarava inomutakura.
2Kuda upfumi ndiko kwakaita kuti ngarava,
iyoyo ivakwe sezvairi.
Ungwaru ndihwo hwaiva mhizha yacho yokuvaka.
3Asi kuchengetedza kwenyu imi Baba
kunoifambisa nenzira yayo
nokuti ndimi makaipa gwara rayo munyanza,
uye nzira inofambika mumasaisai,
4nokudaro munoratidza kuti munogona
kutinunura kune zvose,
zvokuti kunyange munhu asina ruzivo,
anogona kufamba nomunyanza.
5Hamudi kuti mabasa oungwaru hwenyu
angogara chete asingashandiswe,
ndokusaka vanhu vachiisa upenyu hwavo
parumanonzombe rwokutakurwa nechimuti chiduku,
vachiyambuka nacho nyanza
nokusvika zvakanaka kwavanoenda.
6Ndizvowo zvakaitwa kare kare zviya zvaiparadzwa
zvikakarara zvaizvikudza zvavanhu.
Vanhu vakatozoisa
chitarisiro chokuponeswa kwavo muhwato
yakatungamirirwa nemi ikachengetera nyika chitarisiro
chezvizvarwa zvakange zvichazoberekwa.
7Chakomborerwa zvacho chimuti
chinoita kuti zvakarurama zviitike,
8asi chivezwa chokunamata
chakaitwa namaoko uye muvezi wacho,
zvinobva zvava zvakarengererwa rushambwa.
Iye pasina pokuti ndiye akachiveza
ichowo pamusana pokuti,
kunyange chiri chinhu chakafa
chinonzi ndiMwari.
9Mwari anovenga munyangadzi
nounyangadzi hwake zvimwechetezvo;
10chakaitwa chacho neakachiita, zvose zvinorangwa.
11Naizvozvo zvifananidzo
zvinonamatwa nevasinganamati Mwari wechokwadi
zvicharangwa, nokuti kunyange zvazvo
zviri zvimwe zvezvisikwa zvake
zvakarunzira mweya yavanhu,
nokuteya makumbo amapenzi.
Mviromviro dzokunamata zvifananidzo12Kugadzira zvifananidzo ndiko kwakava
kutangisa kwounzenza;
kuzvivamba ndikowo kwakava
kutanga kuora kwoupenyu
13nokuti zvifananidzo hazvina kumbenge zviripo
zvakanga zvisipo pakutanga,
uyezve, hazvicharamba zviripo narini.
14Upenzi hwavanhu ndihwo hwakauyisa zvifananidzo
ndiko kusaka zvakatemerwa kuti
zvibve zvapera vashushikane.
15Baba vanenge vashushikana nokufa
kwomwana wavo achiri muduku,
ngatitii vanoita chifananidzo chomwana wavo uya
akaerekana afa.
Asi zvino vochinamata samwari,
chinhu chiya changa chiri chitunha zvacho
chava chinhu chokutosiirana
neveimba yake vachitochiitira
zvidzidziso zvakadzama
nezvake uye nezvamapindiro angaite vanhu mubato rake.
16Kubvezvo zvakaramba zvichiitwa kudai
kwenguva refu
zvozodzamara zvoitwa somurau,
17zvozotemwa namadzimambo kuti
zvifananidzo zvakavezwa
zvinofanira kuti zvinamatwe.
Vanhu vaigara kure namambo,
zvokuti havaikwanisa kumuombera
uso nouso, vaitoita zvokufungidzira
chimiro chamambo wavo
aiva kure vaizvigadzirira mufananidzo
wamambo wavairemekedza.
Neshungu dzavo idzodzo vaikwanisa kuremekedza
mambo asipo sokunge aripo.
18Asi kuda kurumbidza kwomuiti wezvifananidzo
kwaisakisa kuti
kana vakanga vasingazivi mambo vade kumunamata,
19nokuti uyu, zvichida nokuda kufadza mambo wake,
aiita kuti noruzivo rwake mufananidzo unyanyonaka,
20zvokuti kuyevedza kwechifananidzo
kunoita kuti vazhinji
vanamate mambo, wavakanga
vachimboremekedza somunhu.
21Uyu wakava musungo wakavandika kuvanhu
pamusana perombo raakatipa
kana pamusana poukuru hwamambo
zvokuti vape kudombo kana kuchimuti,
zita risingafaniri kungopihwa zvaro
kuchinhu chose chose.
Nhamo dzinosakiswa nokunamata zvifananidzo22Mushure macho havana kurasika
pane zvokuziva Mwari chete,
asi kuti pamusana pokusaziva,
dzinogara dziri hondo dzoga dzoga
zvinhu zvakaipisisa kudaro vachizviti rugare.
23Vanouraya vacheche vachivaita chibayiro
chokupinzisa vanhu mubato ravo
vachiita, mabira akavandika vachitamba zvakazhangarika
nomunamatiro usingazivikanwi.
24Havachachengeti upenyu hwavo
kana michato yavo yakachena;
asi kuti vanotourayana zvinosiririsa
kana kutadzirana nokuita upombwe.
25Kwose kwose kunongova ropa nokuurayana,
umbavha nounyengedzi,
netsika dzakaora nokusavimbika,
nenyonganyonga, nokutsidzidzirana zvenhema.
26Kupazanisana musoro nezvekuti chakanaka ndechipi,
kukanganwa zvakanaka zvavakaitirwa
nokusvipiswa kwomweya,
uye ufeve hunonyadzisa kwazvo,
kuparara kwemichato nomurau,
noumhombwe nounzenza.
27Kunamata zvifananidzo
zvisingafaniri kudomwa mazita azvo,
ndiyo mviromviro, nehonzeri nomugumo
wounyangadzi hwose,
28nokuti vanamati vazvo vanozhambatata
zvisina mwero wokufara
vachiporofita zvenhema,
kana kugara upenyu hwakaipa,
hokusambozeza kutyora zvitsidzo zvavo
29sezvavanovimba nezvifananidzo
zvisina upenyu, havatyi kurangwa pamusana pokupika
nhando kwavanoita.
30Asi vacharangwa zvakakodzerawo pamusana pemhosva
mbiri dzokuti:
nechikonzero chokunamata zvifananidzo
mafungiro avo nezvaMwari akaipa,
uyezve, vakapika nhando, vachishora
zvose zvinoera.
31Chinoteverana navatadzi vasina kururama
haasiri masimba ezvavanopika nazvo asi chirango
chavanokodzera chinoramba chichitevera kutadza kwavakaipa.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.