Zvakaratidzwa 7 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Varanda vaMwari vachararamiswa

1Mushure mezvo ndakazoona vatumwa vana

vakamira pamativi mana enyika

vakadzivirira mhepo ina dzapasi

kuti pasave nemhepo inovhuvhuta

panyika kana pagungwa

kana kuvhuvhuta muti zvawo.

2Ndipo pandakazoona mumwe mutumwa

achikwira mudenga kumabvazuva

aine chidhindo chaMwari mupenyu.

Akadaidzira nezwi guru kuvatumwa vana vaya

vakanga vapiwa simba rokuondonga nyika negungwa

3achiti, “Musaondonge nyika kana gungwa kana miti,

kusvikira taisa mucherechedzo pahuma

dzavaranda vaMwari wedu.”

4Ndakanzwa uwandu hwavakaiswa mucherechedzo

vaiva zviuru zana namakumi mana ane zvina

ndivo vakaiswa mucherechedzo

mudzinza roga roga ravana vaIsiraeri.

5Mudzinza rokwaJudha zviuru gumi nezviviri

mudzinza rokwaRubheni zviuru gumi nezviviri

mudzinza rokwaGadhi zviuru gumi nezviviri.

6Mudzinza rokwaAsheri zviuru gumi nezviviri

mudzinza rokwaNafutari zviuru gumi nezviviri

mudzinza rokwaManase zviuru gumi nezviviri.

7Mudzinza rokwaSimioni zviuru gumi nezviviri

mudzinza rokwaRevhi zviuru gumi nezviviri

mudzinza rokwaIsakari zviuru gumi nezviviri.

8Mudzinza rokwaZebhuroni zviuru gumi nezviviri

mudzinza rokwaJosefi zviuru gumi nezviviri

mudzinza rokwaBhenjamini zviuru gumi nezviviri.

9Mushure mezvi ndakatarisa

ndikaona manyoremanyore avanhu vasingaverengeki,

vamarudzi ose, namadzinza ose

navanhu vose nendimi dzose

vamire pamberi pechigaro choumambo

napamberi peHwayana

vakapfeka magemenzi machena vaine mirara mumaoko

vachidaidzira nezwi guru vachiti,

10“Ruponeso runobva kuna Mwari wedu

agere pachigaro choumambo

uye runobva kuHwayana.”

11Vatumwa vose vakanga vamire

vakatenderedza chigaro choumambo

vakatenderedzawo vakuru vakuru vaya

vakatenderedzawo zvisikwa zvipenyu zvina zviya.

Vatumwa vakati kotakota nouso

pamberi pechigaro choumambo vachinamata Mwari

12vachiti, “Ameni.

Kurumbidzwa nembiri noungwaru

nokutendwa norukudzo noukuru nesimba

ngazvive kuna Mwari wedu narini narini Ameni.”

13Mumwe wavakuru vakuru vaya akanditi,

“Ko ava vakapfeka magemenzi machena ndivanani?

Uye vabva kupi?”

14Ndakati kwaari, “Changamire inga ndimi munoziva wani.”

Iye akati kwandiri,

“Ava ndivo vakabuda mupfumvu huru

vakasuka magemenzi avo

vakaachenesa muropa reHwayana.

15Ndokusaka vari pamberi pechigaro choumambo chaMwari

vachimushandira siku nesikati muTemberi yake.

Iye anogara pachigaro choumambo

achavafukidza netendhe rake.

16Havazonzwi nzara kana kunzwazve nyota

zuva harichazovapisizve

kana kunzwa kupisa kunobvuraudza

17nokuti Hwayana iya iri pakati pechigaro choumambo

ndiyo ichava mufudzi wavo.

Iyo ichavatungamirira kuzvisipiti zvemvura mhenyu.

Mwari achapukuta misodzi yose pamaziso avo.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help