Mika 2 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

1Zvichavawana, avo

vanorangarira kuita zvakaipa

vachironga kuita zvouipi

vari pamibhedha yavo!

Kukangochena chete

vobva vatozviita

nokuti simba rokuzviita vanaro.

2Vanochiva minda

voitora nechisimba,

vanochiva dzimba

vachidzibvuta.

Vanokukucha munhu

pamwechete nemhuri yake,

munhu nezvinhu zvake zvenhaka.

3Naizvozvo Tenzi anoti,

“Chinzwai

ini ndava kurongera mhuri

iyoyi zvinhu zvakaipa

zvamusingagoni kuzvitakanura pamutsipa.

Zvokufamba muchizvikudza zvichakupererai

nokuti inenge yava nguva yakaipa.

4Munguva iyoyo

kuchaimbwa rumbo rwokukusekai

imi muchihwihwidza kuchema

muchiungudza zvinosiririsa muchiti:

‘Tanyatsoparara isu,

nhaka yevokwangu,

yasandurwa, ndikaitorerwa.

Minda yokwedu yagoverwa zvayo

kuvanhu vakatipamba.’ ”

5Saka ipapo mugungano raTenzi,

munenge musisina munhu

anokupimirai migove

yenyu netambo.

6Vanoparidza vachiti,

“Musaparidze.

Rega kuparidza zvinhu zvakadaro.

Hapana chinotinyadzisa chichatiwira.”

7Imba yokwaJakobho

ingapinde rushambwa nhai?

Tenzi haasisina mwoyo murefu here?

Ndiwo maitiro ake here?

Handiti ndinototaura zvakanaka

kune vanotevedza ururami?

8Imi ndimi matova mhandu

yacho kuvanhu vangu

munobvutira munhu asina

mhaka batye rake,

munhu anenge avarairwa

achiti hapana chinouya kwaari

momupa nhamo

yokunge ari muhondo.

9Munodzinga imi

madzimai avanhu vangu

mudzimba dzavo dzavanoda kwazvo,

vana vavo munovabvutira nokusingaperi

chikomborero chandakavapa.

10Simukai muende

nokuti pano hapasisiri pokugara

pamusana pokun'ora kunoparadzwa zvikuru kwazvo

kuchaita kuti iparadzwe zvachose.

11“Kana munhu akafamba zvake

achitaura mwando zvawo enhema

achiti, ‘Regai ndikutaurirei

kuti waini nedoro zvichabooka,’

iyeyo ndiye angatova zvake ava muporofita

wavanhu ava.

Mwari anovimbisa kununura vanhu vake

12“Imi vokwaJakobho

ndichanyatsokukokorodzai

mose zvenyu,

ndichinyatsounganidza chitsama

chakasara chevokwaIsiraeri.

Ndichavaisa pamwechete

sedanga rehwai,

sedanga rezvipfuwo zviri mumafuro azvo,

vari mhomho chaiyo yavanhu.

13Iye achavavhurira nzira,

ndiye achavatungamirira

vachityora napasuo guru

vobuda napo.

Mambo wavo, Tenzi

ndiye achavatungamirira ari mberi.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help