1 Vatesaronika 1 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

1Ndini Pauro naSirivhanusi naTimoti tinokunyorerai imi sangano rokuTesaronika muna Mwari Baba naTenzi Jesu Kristu.

Nyasha norugare ngazvive nemi.

Upenyu nechitendero chokuTesaronika

2Tinotenda Mwari nguva dzose pamusana penyu mose. Tinogara takakudomai muminamato yedu

3tichiyeuka pana Mwari naBaba vedu basa renyu rechitenderano, nebasa renyu rorudo uye kutirira kwenyu muchitarisiro chamuinacho muna Tenzi wedu Jesu Kristu.

4Tinoziva, hama dzangu, imi vadiwa vaMwari kuti Mwari akakusarudzai

5nokuti Shoko redu Rakanaka rakauya kwamuri, kwete zvepamuromo chete asi nesimba naMweya Mutsvene uye nechivimbo chizere. Imi munoziva kuti takaratidza kuti tiri vanhuyi zvataiva pakati penyu tichizviitira imimi.

6Imi makatitevedzera mukatevedzerawo Tenzi nokuti makagamuchira shoko irori muri munhamo huru asi makarigamuchira norufaro muchifemerwa naMweya Mutsvene,

7zvokuti makava muenzaniso kuvatendi vose vokuMasedhonia nokuAkaya.

8Shoko raTenzi richibva kwamuri harina kungonzwika kuMasedhonia nokuAkaya koga asi chitendero chenyu muna Mwari chakasvika kose kose zvokuti hapana chatingataure.

9Chiripo ndechokuti ivowo pachavo vanotaura kuti makatigamuchira zvakadii pakati penyu uye kuti makasiya zvokunamata mifananidzo muchipindukira kuna Mwari kuti munamate Mwari mupenyu wechokwadi,

10uye kumirira kwamunoita Mwanakomana wake kubva kudenga iye waakamutsa kuvakafa, Jesu anotinunura kuhasha dzaMwari dziri kuuya.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help