4Modhekai akati, “Zvinhu izvi zvabva kuna Mwari
5nokuti ndinoyeuka kuti ndakambozvirota. Hapana zvandakarota zvisina kuitika.
6Panoti kasipiti kadikidiki kaye kakazova rwizi rukuru, kwouya chiedza nezuva nemvura zhinji.
“Rwizi ndiEsita akaroorwa namambo akava vahosi vake.
7Magaranyanya maviri, ndini naHamani.
8Ndudzi dzavanhu, ndivo vaya vokukokorodza kuzouraya vaJudha.
9Rudzi rwovokwangu, ndovaIsiraeri vakachema kuna Mwari
vakabva vanunurwa,
Tenzi akanunura vanhu vake.
Tenzi akavatakanura munyatwa dzose idzodzo,
Mwari akaita zviratidzo zvikuru nezvishamiso
zvisati zvamboitika mukati memarudzi.
10Izvozvi akazviitira migove miviri
mumwe uri wevechirudzi vose zvavo.
11Migove miviri iyoyi yakasvika panhambo,
pakanguva chaikoiko, pamusi chaiwo wedare
rokutonga pana Mwari uye pakati
pamarudzi ose avanhu.
12Mwari akarangarira vanhu vake akati
ivava, nhaka yake, havana mhosva.
13Nokudaro vachachengeta mazuva iwaya
mumwedzi waAdhari pamusi
wegumi nechina nomusi we gumi nechishanu
womwedzi iwoyo vachiita musangano
vachipembera nokufarira Mwari
pachizvarwa nechizvarwa pakati
pavanhu veIsiraeri nokusingaperi.”
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.