Esita g 10 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

4Modhekai akati, “Zvinhu izvi zvabva kuna Mwari

5nokuti ndinoyeuka kuti ndakambozvirota. Hapana zvandakarota zvisina kuitika.

6Panoti kasipiti kadikidiki kaye kakazova rwizi rukuru, kwouya chiedza nezuva nemvura zhinji.

“Rwizi ndiEsita akaroorwa namambo akava vahosi vake.

7Magaranyanya maviri, ndini naHamani.

8Ndudzi dzavanhu, ndivo vaya vokukokorodza kuzouraya vaJudha.

9Rudzi rwovokwangu, ndovaIsiraeri vakachema kuna Mwari

vakabva vanunurwa,

Tenzi akanunura vanhu vake.

Tenzi akavatakanura munyatwa dzose idzodzo,

Mwari akaita zviratidzo zvikuru nezvishamiso

zvisati zvamboitika mukati memarudzi.

10Izvozvi akazviitira migove miviri

mumwe uri wevechirudzi vose zvavo.

11Migove miviri iyoyi yakasvika panhambo,

pakanguva chaikoiko, pamusi chaiwo wedare

rokutonga pana Mwari uye pakati

pamarudzi ose avanhu.

12Mwari akarangarira vanhu vake akati

ivava, nhaka yake, havana mhosva.

13Nokudaro vachachengeta mazuva iwaya

mumwedzi waAdhari pamusi

wegumi nechina nomusi we gumi nechishanu

womwedzi iwoyo vachiita musangano

vachipembera nokufarira Mwari

pachizvarwa nechizvarwa pakati

pavanhu veIsiraeri nokusingaperi.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help