Tsumo 8 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Kukokera kwoungwaru

1Inga ungwaru hunodanidzira wani,

runzwisiso rwunoshevedzera wani

2huri pachiturunhuru chiri pedyo nenzira,

hunomira pamharadzano dzenzira

3Uye parutivi pesuo guru

mberi kweguta, kokupinda nako,

hunodaidzira pamusuo.

4“Ndinodaidzira kwamuri, imi vanhu,

wandinoshevedzera ndimi vanhu.

5Imi voruzhinji dzidzai uchenjeri,

imi mapenzi ivai nemwoyo unonzwisisa.

6Teererai nokuti ndichataura

zvinhu zvakakosha,

mumuromo mangu

muchabva zvakarurama.

7Muromo wangu uchataura chokwadi

uipi chinhu chinosemesa kumuromo wangu.

8Mazwi angu ose akarurama,

maari hamuna chakakombama

kana chakaminama.

9Ose akati twasa kuna anonzwisisa

uye akarurama kune vanowana ruzivo.

10Torai chidzidziso changu

pano kutora sirivha

uye ruzivo pane kutora ndarama yakanakisisa

11nokuti ungwaru huri nani pane zvishongo,

chose chaungade hapana chingaenzane nahwo.

Vane ungwaru vane makomborero

12“Ini ungwaru ndinogara nouchenjeri,

ndine ruzivo uye ndinoziva kusarudza.

13Kutya Tenzi kunoreva kuvenga uipi,

ndinovenga kuzvikudza nokuzvitutumadza

nokutaura kusina kururama.

14Ndine mazano noungwaru kwahwo

ndinoziva chinonzi kusarudza

uye ndine simba.

15Madzimambo ndini chavanotongesa nacho

uye vatongi vanotema zvakarurama,

chavanotema nacho ndini.

16Machinda chavanotonga nacho ndini

uyewo vakuru vakuru, vose vanotonga pasi.

17Ndinoda vanondida

uye vose vanonditsvaka nomwoyo wose vanondiwana.

18Upfumi norukudzo ndinazvo

uye upfumi hunogara uye hunokubudirira.

19Muchero wangu uri nani pane ndarama

kunyange ndarama yakanakisa

uye mukoho wangu unokunda

sirivha yakanakisisa.

20Ndinofamba nenzira yoururami

namakwara oruenzaniso.

21Ndinopfumisa vanondida

ndichivazadzira matura avo.

Mwari akasika zvinhu noungwaru

22“Tenzi aiva neni

pakutanga kwamaitiro ake chaiwo,

ndini ndaiva chokutanga chezviito zvake zvakare.

23Ndakaitwa pasichigare

pakutanga chaipo

nyika isati yatangiswa.

24Ndakaberekwa

hwenje husati hwavapo

pasi pasati pava nezvisipiti zvizere nemvura.

25Ndakaberekwa makomo asati aumbwa,

zvikomo zvisati zvavapo,

26asati aita pasi neminda yapo

kana huruva yokutanga yapasi.

27Paakasika matenga ndaivepo,

paakaita denderedzwa,

pamusoro pehwenje.

28Paakasimbisa matenga kumusoro

paakaita zvisipiti zvomuhwenje,

29paakaisira gungwa miganhu yaro

kuitira kuti mvura irege kutyora mitemo yake

paakatara ugaro hwenyika,

30ipapo ndaiva parutivi pake,

ndiri nyakumupa mazano.

Ndaiva varaidzo yake zuva nezuva

ndichifara zvangu pamberi pake nguva dzose,

31ndichifara munyika yake igere vanhu

uye ndichifara muvanhu.

32“Zvino vanangu nditeererei,

vakakomborerwa zvavo

vanotevera nzira dzangu.

33Teererai chidzidziso mungware,

musachikande pasi.

34Akakomborerwa zvake

munhu anonditeerera,

anondigaririra zuva nezuva

pamisuo yangu mikuru,

akamirira pedyo nemisuo yangu.

35Nokuti anondiwana,

anowana upenyu

uye anofarirwa naTenzi.

36Asi munhu anondipotsa

anozvikuvadza

vose vanondivenga

vanoda rufu.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help