Judha Zviri mutsamba yaJudha - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)
Zviri mutsamba yaJudha Tsamba yaJudha yakanyorerwa kuyambira vateveri vaJesu kuti kuna vadzidzisi vechitendero venhema vanoita savanamati ivo vasiri. Vanhu ivava, vanhu vakapinda musangano zvechiverevere (4). Vanonyangadza kunyange ruwadzano rwenyu (12), vanopararadzanisa vanhu (19) ivo vachigara upenyu hwakaipa (4,11–12; 16). Judha anoti, rwirai chitendero chenyu (3), tendeukirai kuna Tenzi wenyu (4) mununure vanenge varasika asi muzviite makazvichenjererawo (22–23), uye imi rambai muchingokurakura muchitendero chenyu muchinamata nesimba raMweya Mutsvene (20–21).Aya ndiwo mamiriro akaita bhuku raJudhaKusuma (1:1–2)Vadzidzi venhema (1:3–7)Kuipa komukanwa mavo (1:8–10)Kuipa kwezviito zvavo (1:11–16)Yambiro (1:17–23)Munamato wokurumbidza (1:24–25)