2 Madzimambo 19 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Mambo Hezekiya anotsvaka zano kumuporofita Isaya(Isa 37:1–7)

1Pazvakasvika munzeve dzamambo, Hezekiya akabvarura hanzu dzake akapfeka masaga akapinda mumba yaTenzi.

2Akabva atuma Eriakimu mukuru mukuru womumuzinda wake naShebhuna samunyori mukuru navakuru vakuru vavapristi kumuporofita Isaya mwanakomana waAmozi vakapfeka masaga.

3Vakandomuti, “Zvanzi naHezekiya, ‘Nhasi uno izuva rokusuruvara, zuva rokutsiurwa, zuva rokufumurwa, nokuti nguva yokuti vana vachiberekwa yasvika, asi simba rokuvasununguka hapasisina.

4Zvingangoitika kuti Tenzi, Mwari wenyu anzwa zvataurwa nomutariri mukuru wezvomumuzinda uya atumwa natenzi wake mambo weAsiria kuzonyomba Mwari mupenyu; iye Tenzi, Mwari wenyu angadaro akatsiudza zvaanzwa izvi. Naizvozvo dai mukanamatirawo chitsama chavanhu ichi chasara.’ ”

5Pakasvika makurukota amambo Hezekiya kuna Isaya,

6Isaya akavati, “Endai mundotaurira tenzi wenyu kuti, zvanzi naTenzi, ‘Usatye zvako pamusana pomuromo wataurwa namakurukota amambo weAsiria wokundinyomba.

7Chiripo ndechichi ichi, ndichapinza mweya maari wokuti achangonzwa runyerekupe rwamarehwarehwa agopishinuka kudzokera kunyika kwake kwandichandomupinza murufu rwokuurayiwa nebakatwa munyika make imomo.’ ”

VaAsiria vanotumira vanhu kundotyisidzira kechipiri(Isa 37:8–20)

8Mutariri mukuru wezvomumuzinda uye akadzokera nokuti akanga anzwa kuti mambo weAsiria abva kuRakishi akatomuwana achirwisana neRibhuna.

9Mambo weAsiria paakanzwa nezvaTirihaka mambo weItiopia akanga ari munzira kuuya kuzomurwisa, akatumazve nhume kuna Hezekiya achiti:

Tsamba yaSenakeribhu kuna mambo Hezekiya

10“Endai mundoti kuna Hezekiya mambo wokwaJudha zvanzi, ‘Usanyengedzwe naMwari wako waunovimba naye achiti, Jerusaremu haichaiswa mumaoko amambo weAsiriya.

11Iwe wakangozvinzwirawo woga zvakaitwa namadzimambo eAsiria kunyika dzose zvokunyatsodziparadza chaizvo. Ko iwe ndopaunganunurwe nhai?

12Ko vedzimwe ndudzi dzakaparadzwa namadzibaba angu idzi dzinoti: dzokuGozani nokuHarani neRezevhu navanhu vokuEdheni vaiva kuTeresari, vamwari vadzo vakadzinunura here?

13Ko mambo weHamati aripi zvino? Ko mambo weAripadhi? Ko mambo weguta reSefarivhaimu? Ko mambo weHena namambo weIvha varipi?’ ”

14Hezekiya akagamuchira tsamba iya mumaoko enhumwa akaiverenga akaenda nayo kumba yaTenzi ndokundoti ware ware pana Tenzi.

15Hezekiya akanamata kuna Tenzi achiti,

“Tenzi, Mwari weIsiraeri, imi mugere

pamusoro pamakerubhu.

Imi moga ndimi Mwari wenyika dzose

dzapasi pano pose.

Ndimi makasika denga napasi.

16Rerekai nzeve yenyu Tenzi munzwe.

Zarurai meso enyu Tenzi muone, munzwe

mashoko aSenakeribhu aatumira

kuzonyomba nawo Mwari mupenyu.

17Ichokwadi Tenzi kuti madzimambo eAsiria

akaparadza marudzi nenyika dzawo.

18Akapisa vamwari vavo nomoto.

Akadaro hongu nokuti vakanga vasiri Mwari

asi kuti zvaingova zvinhu zvakagadzirwa

namaoko avanhu, miti zvayo namatombo.

Ndokusakaka akazviparadza.

19Zvino Tenzi,

Mwari wedu ndateterera tinunureiwo

mumaoko ake, nyika dzose dzepasi pano

dzizive kuti imi Tenzi ndimi moga Mwari.”

Isaya anozivisa Hezekiya kuti munamato wadavirwa naTenzi

20Isaya mwanakomana waAmozi akatuma shoko kuna Hezekiya rokuti, “Zvanzi naTenzi, Mwari weIsiraeri, ‘Munamato wako kwandiri nezvaSenakeribhu mambo weAsiria ndaunzwa.’ ”

21Zvataurwa naTenzi nezvake ndezvizvi:

Iri kukushora inokuzvidza

mhandara yeZioni.

Ari kutozunguza zvake musoro shure kwako

mukunda weJerusaremu.

22Wawanyomba ukatuka ipapa ndiani?

Wauri kuzhambira ipapa ndiani chaizvo?

Waunodzvondorera maziso

uchizvikudza kudaro ndiani?

Wauri kudaro ndiye Mutsvene weIsiraeri

23nenhumwa dzako uchitonyombaka Tenzi iwe.

Uchitoti zvako:

Negurusvusvu rangu rengoro dzehondo,

ndakakaramata makomo ini kusvika pamusoro,

nadzo ndikasvika kwakaperera Rebhanoni,

miti yeko yakarebesesa

yemisidhari ndikairizhanisa,

miti yeko yemisaipurasi

yakanakisisa ndikaitema,

ndikapinda ini chaimo mukatikati mayo,

chaimo mumasango ayo matema;

24ndikatocheramo matsime

ndikanwa ini mvura imwewo.

Ndakatsika ini netsoka yangu

tukova twose tweIjipiti twukaoma kuti gwa.

25Zvaive mumwoyo mangu kwenguva ndefu

hazvisati zvakusvika munzeve nhai,

zvandakaronga kare kare pasichigare

zvandava kutozoita zvangu iye nhasi

zvokuti maguta ane tsvingo

uaite mirwi yamatongo.

26Vagari vemo vachiti rukutu kupera simba,

vakangaidzwa vazvishaira pazvo

vaita sezvinhu zvinomera musango soruswiswi,

souswa hunomera padenga remba

hunoshwauruka kuoma husati hwambokura.

27Asi mugariro wako ndinouziva

kwaunofamba ndinokuziva

twaunobata ndinotuziva

kunyange kundipunyairira kwako nehasha ndinokuziva

28nokuti uri kundipunyairira nehasha iwe

kuzvitutumadza kwako

kwasvika munzeve dzangu.

Ndichaisa chikochekero changu pamhuno dzako

ndichakuisa zvako matomu mukanwa

ndikupishunutsire nokwakare

kunzira kwawakauya nako kuno.

Chiratidzo kuna Hezekiya

29“Ichi ndicho chichava chiratidzo chako,

mwaka uno zvamuchadya zvichamera zvoga,

gore ramakei zvichava zvamahoko,

mugore rechitatu muchadyara mukatokohwa,

muchatosima zvenyu minda yemigirepisi,

mukatodyawo zvenyu michero yayo.

30Chitsama chavanhu vokwaJudha chichasara

chichadzika midzi pasi,

mudenga chichibereka michero

31nokuti chitsama chinosara

chichabuda muJerusaremu

chikwata chevanopunyuka rufu

chichabuda muGomo reZioni.

Shungu dzina Tenzi ndidzo dzichaita izvozvi.

32“Naizvozvo panyaya yamambo

weAsiria uyu zvanzi naTenzi:

‘Haambopinda muguta rino

kana museve, haamboukanda.

Hapana nhoo yaanomborivheyesera,

kana kuriumbira nevhu kurusvingo

chimusana chenzou kuita pokupindamo napo.

33Nzira yaakauya nayo yacho

ndiyo yaachadzokera nayo.

Kupinda muguta rino haambomupinda

ndiTenzi anodaro kutaura.

34Ndichadzivirira guta rino ndigoriponesa.

Izvozvo ndichiitira iyeni pachangu

pamusana pomuranda wangu Dhavhidhi.’ ”

35Usiku ihwohwo mutumwa waTenzi akaenda akauraya vanhu zana rezviuru rine zviuru makumi masere nezvishanu. Pakafumomuka vanhu mangwanani, onei ivava vose zvangova zvitunha.

36Senakeribhu mambo weAsiria ndokusimuka oenda kumusha akandogara muNinevhe.

37Zvino akati achinamata ari mumba maNisiroki mwari wake, vanakomana vake Adhiramereki naSharezeru vakamuuraya nemapakatwa vakatizira kunyika yeArarati. Mwanakomana wake Esarihadhoni ndiye akazotonga panzvimbo pake.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help