Nehemiya 6 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Bangano rakaitirwa Nehemiya

1Zvino pazvakasvitswa munzeve dzaSanibharati naTobhiya naGeshemu muArabhu nomunzeve dzavamwe vavengi vedu vose kuti ndakavaka rusvingo, uye kuti pakanga pasisina kana gwanza zvaro (kunyange zvazvo ndakanga ndisati ndasungirira makonhi pamisuo mikuru yeguta),

2Sanibharati naGeshemu, vakanditumira shoko rokuti, “Uya tisangane kune mumwe musha uri mubani reOno.” Asi zvavakanga vafunga ndezvokundikuvadza.

3Asi ini ndakavatumira nhume ndichiti, “Ndiri mukuita basa guru. Handikwanise kudzika ikoko. Basa ringamirireiko? Ndosiya zvangu basa ndichiuya kwamuri here?”

4Vakatumira shoko kwandiri nomutoo mumwechetewo kanosvika kana, ini ndikavapindurawo zvimwechetezvo.

5Nenzira imwecheteyo Sanibharati akanditumira kechishanu muranda wake netsamba muruoko yakanga yakazaruka.

6Mairi makanga makanyorwa kunzi “Pane runyerekupe ruri kufamba muvanhu kana Geshemu ari kuzvitaurawo kuti iwe nevaJudha munoda kupanduka, ndokusaka muri kuvaka rusvingo. Zvinonzi norunyerekupe irworwo, iwe unoda kuva mambo wavo. Uyewo wakatosarudza vaporofita.

7Iwe wakagadza vaporofita vokuparidza nezvako muJerusaremu vachiti, ‘Munyika yaJudha mave namambo.’ Zvino shoko irori rakaita saizvozvi rava kundosvitswa kuna mambo. Saka iwe uya titaurirane.”

8Ini ndakatumira shoko kwaari ndichiti, “Zvauri kutaura izvo, hapana zvakamboitika zvakadaro, ndezvomusoro wako zvauri kutoita zvako iyewe.”

9Nokuti vose zvavo vaida kutityisidzira vachifunga kuti pabasa irori maoko edu anobva arengwendeka, richibva raregwa kuitwa, asi imi Mwari simbisai maoko angu, ini ndokubva ndagwinyisa maoko.

10Zvino pandakaenda kumba kwaShemaya mwanakomana waDheraya aberekwa naMehetabhieri akanga akapfigirwa akati,

“Ngatisanganei mumba yaMwari

mukati chaimo meTemberi

tizarire magonhi eTemberi

nokuti vari kuuya kuzokuuraya

vari kuuya usiku kuzokuuraya.”

11Asi ini ndakati, “Murume akaita seni kudai, kutiza here chaizvo? Pangu pano ndingapindewo muTemberi nhai ndikatorarama? Handipindemo ini.”

12Ndakazvinzwisisa ndikaona kuti Mwari haana kunge amutuma, asi shoko raandiporofitira iri pamusana paTobhiya naSanibharati, vakanga vamutenga.

13Ndozvavakamutengera izvozvo kuti ini nditye, ndiite saizvozvo, ndiparamure chitadzo, vagondipa zita rakaipa vachindifumura.

14“Mwari wangu rangarirai Tobhiya naSanibharati nezvinhu zvavakaita izvi murangarirewo mukadzi uyu muporofita Noadiya navamwe vaporifita vose vanoda kundipa mweya wokutya.”

Kupera kuvakwa kworusvingo

15Saizvozvo rusvingo rwakapera kuvakwa mumazuva anoita makumi mashanu namaviri, pazuva ramakumi maviri nechishanu remwedzi waEruru.

16Vavengi vedu vose pavakazvinzwa marudzi ose omunharaunda yedu, akatya, akaona kuti zvokutiwo tinzi vanhu hapasisina chaizvo, nokuti vakanga vaonawo kuti basa irori rakanga raitwa norubatsiro rwaMwari wedu.

17Pamazuva iwayo pakavawo nokunyorerana matsamba mazhinji. Vekumba huru kwaJudha vakanyorera Tobhiya, iye Tobhiya achivanyorerawo

18nokuti vazhinji maJudha imomo vakanga vakabatana naye nemhiko pamusana pokuti iye aiva mukuwasha waShekaniya mwanakomana wokwaAra. Mwanakomana wake Jehohanani akanga aroorawo mukadzi wake aiva mwanasikana waMeshuramu mwanakomana waBherekiya.

19Vaiita huyakwose yokuti ndiripo kudai vainditaurira zvakanaka zvaainge aita vachindomuudzawo zvandainge ndareva. Tobhiya akanditumirawo matsamba okuti nditye.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help