Jeremiya 29 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Tsamba yaJeremiya kunhapwa dzeBhabhironi

1Haanoi mashoko etsamba yakatumirwa naJeremiya ichibva kuJerusaremu ichienda kuvakuru vakuru vose vevakatapwa vaya, nokuvapristi nokuvaporofita nokuvanhu vose vakanga vatapwa naNebhukadhineza muJerusaremu vachiendwa navo kuutapwa kuBhabhironi.

2Izvozvo maiva mushure mokunge mambo Jekoniya naamai vamambo uyu navayuniki namachinda okwaJudha neveJerusaremu nenyanzvi dzamabasa amaoko nemhizha dzezvoutare dzabva muJerusaremu.

3Tsamba iyi yakatumidzirwa namaoko aErasa mwanakomana waShafani aina Gemariya mwanakomana waHirikiya akatumwa naZedhekiya mambo wokwaJudha kuBhabhironi kuna Nebhukadhineza mambo weBhabhironi ichiti:

4“Zvanzi naTenzi wehondo nehondo,

Mwari weIsiraeri kunemi nhapwa dzose

dzandakaendesa kuBhabhironi kuutapwa

dzichibva kuJerusaremu:

5“Vakai dzimba mugaremo zvenyu,

simai mapindu mudye zvinobudamo.

6Roorai vakadzi

muve navana vakomana navasikana.

Roorerai vakadzi vanakomana venyu

muroodzewo vanasikana venyu kuti vabereke vana

vakomana navasikana muwande ikoko murege kushomeka.

7Vavarirai kuti guta randinenge

ndakuendesai muutapwa rive norugare murinamatire kuna

Tenzi nokuti kugarika kwaro ndiko kugarikawo kwenyu.

8Chandinodariro ndechokuti, zvanzi

naTenzi, Mwari wehondo nehondo

Mwari weIsiraeri, Musanyengedzwe

navaporofita venyu vari mukati menyu.

Musanzwe zviroto zvavanorotomoka

9nokuti inhema dzavanoprofita

kwamuri muzita rangu.

Handina kumbovatuma, ndizvo zviri kutaura Tenzi.

10“Nokuti zvanzi naTenzi,

kana Bhabhironi yapedza makore

makumi manomwe, ndichazokushanyirai

ndigokuitirai zvandavimbisa

ndigokudzoserai kunzvimbo ino,

11nokuti ini ndinoziva zvandakakurongerai,

ndizvo zviri kutaura Tenzi.

Zvirongwa zvacho ndezvokuti

zvinhu zvikunakirei kwete kuti

zvikuipirei, kuri kukupai upenyu

muneramangwana hune chitarisiro.

12Ipapo muchazochema kwandiri muchiuya

kuzondinamata, ini ndichakunzwai.

13Muchanditsvaka mugondiwana

kana manditsvaka nemwoyo wose.

14Muchandiwana

ndizvo zviri kutaura Tenzi

ndigokudzoserai makomborero enyu

ndigokukokorodzai kumarudzi ose

nokunzvimbo dzose kwandakudzingirai

ndichikudzoserai kwandakambokubvisai

pandakakuendesai kuutapwa,

ndizvo zviri kutaura Tenzi.

15“Pamusana pokuti imi mava kuti Tenzi

azotimutsira vaporofita muBhabhironi,

16hezvinoi zviri kutaura Tenzi nezvamambo

agere pachigaro choumambo hwokwaDhavhidhi

uye nezvevanhu vose

vagere muguta rino ivo hama dzenyu

dzisina kuenda nemi kuutapwa.

17Tenzi wehondo nehondo anoti,

‘Regai muone, ndava kuvatumira bakatwa

neshangwa yenzara nedenda.

Uye ndivaite samaonde akaora kwazvo

aipa zvokuti haadyiki.’

18Ndichavaronda nebakatwa neshangwa yenzara

nedenda ndichiita kuti vave chinhu

chinotyisa kunyika dzose dzapasi pano

charengererwa rushambwa chinodederwa, chinoridzirwa

tsamwa nechiseko zvacho mukati

memarudzi kwandakavadzingira

19nokuti vakaramba kuteerera mashoko angu

ndizvo zviri kutaura Tenzi;

andakaramba ndichitumira

kwamuri navaranda vangu vaporofita.

Asi imi zvokuteerera, makaramba

ndizvo zvinotaura Tenzi.

20Ipapo inzwai shoko raTenzi, imi mose nhapwa dzandakabvisa

kuJerusaremu ndichidziendesa kuBhabhironi inzwai

shoko raTenzi.

21Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri

nezvaAhabhu mwanakomana waKoraya

uye nezvaZedhekiya mwanakomana

waMaaseya vari kuporofita

kwamuri muzita rangu, chinzwai,

ndichavaisa mumaoko maNebhukadhireza

mambo weBhabhironi achavauraya makatarisa.

22Ivava ava vachakonzera

kuti nhapwa dzose dzokwaJudha dziri

muBhabhironi dzizogarotaura tsumo

yorushambwa yokuti: ‘Tenzi ngaakuite

hwaZedhekiya naAhabhu vakakangwa

mumoto namambo weBhabhironi’

23nokuti vanoita zvinhu zvoupenzi muIsiraeri,

vakaita upombwe namadzimai evamwe vavo

vakataura muzita rangu zvinhu

zvokunyepa zvandisina kumbovatuma.

Ini iyeni ndinozviziva uye ndini chapupu chacho.

Ndizvo zvinotaura Tenzi.”

Tsamba yakanyorwa naShemiya

24Kuna Shemaya wokuNeheramu iti:

25“Zvanzi naTenzi wehondo nehondo

Mwari weIsiraeri: ‘Wakatumiraka iwe

matsamba muzita rako kuvanhu vose

vari muJerusaremu nokunaZefaniya

mwanakomana wokwaMaaseya mupristi,

nokuvapristi vose’ uchiti,

26‘Tenzi akuita mupristi panzvimbo pomupristi

Jehoyadha kuti uve mukuru wokuona

nezvomumba maTenzi uye benzi rose rinenge

richiporofita riri pasi pako kuti uriise

muchitokisi nesimbi muhuro.’

27Zvino wakarega nei kutsiura Jeremiya wokuAnatoti

ari kukuporofita?

28Hezvi akatitumira shoko kuBhabhironi

rokuti, ‘Kuchaita nguva ndefu chaiyo muri kuutapwa.

Chivakai dzimba mugaremo henyu musime

mapindu mudye michero yawo.’ ”

29Mupristi Zefaniya vakaverenga tsamba iyoyi muporofita Jeremiya achizvinzwira.

30Izwi raTenzi rakabva rauya kuna muporofita Jeremiya rikati,

31“Endesa shoko kunhapwa dzose rokuti hezvinoi zviri kutaurwa naTenzi zvakanangana naShemaya wokuNeheramu. Pamusana pokuti Shemaya akaporofita kwamuri ini ndisina kumutuma akakuitai kuti muvimbe nenhema,

32naizvozvo Tenzi anoti ndicharanga Shemaya wokuNeheramu nezvizvarwa zvake. Hapana kana nomumwe wokwake achava mupenyu kuti azoonawo zvakanaka zvandichaitira vanhu vangu, ndizvo zviri kurehwa naTenzi nokuti akataura mazwi okupandukira Tenzi.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help