1Zviri nani kushaya mwana iwe uri mururami,
nokuti ururami hwako
hucharangarirwa nokusingaperi,
uyewo nokuti vose Mwari navanhu vanozviziva.
2Kana huripo, vanhu vanoutevedzera,
kuzoti hwaenda, vanousuwa;
kuupenyu husingaperi
hunogadzwa chiremba chinoshoreka
choupenyu husingaperi,
huchipembererwa kubudirira
kwaakaita mumakundano
ane mibayiro yakanakisisa.
3Vana vavasiri vanamati
vangawande zvavo zvakanyaya,
asi havana maturo;
dzinde romwana asina mutupo
haridziki midzi kana kuwana
paringabate zvakasimba,
4nokuti kunyange rikamboita mapazi kwechinguva,
pamusana pokuti harina kubata zvakasimba,
richazunzwa nemhepo rigodzurwa
nokuvhuvhuta kwemhepo.
5Tumapazi twaro tuchatyorwa–tyorwa,
tusati twambosimba,
michero yatwo inoshaya basa
maganga asina kuibva
zvokuti angadyiwe
asina nebasa rose
6chikonzero chacho ndechokuti vana vomudondo
ndivo zvapupu zvouipi kuvabereki vavo,
kana Mwari ava kuvatonga.
Kufa kwomururami achiri mudiki7Munhu akarurama achawana zororo,
kana dai akafa
zvake asati asvitsa zero.
8Kureba kwoupenyu nokuwanda kwamakore
hakusiko kunoita kuti
munhu akura aremekedzwe
upenyu hahuerwi nokuwanda kwamakore.
9Kunzwisisa ndiko kuchena
musoro chaiko ikoko
kuva noupenyu husina chinoshoreka
ndiko kukwegura kwezvirokwazvo ikoko.
10Kwaiva nomumwe akafadza Mwari,
iye akadiwawo naMwari
pamusana pokuti aigara mukati mavatadzi
akabva atututswa kuenda mudenga.
11Akabvisirwa kuti zvimwe
unyangadzi hungadaro hukaipisa, njere dzake,
kana unyengedzi hukafurira mweya wake,
12nokuti kutorwa mwoyo nezvakaipa
kunotindivadza zvinhu zvakanaka
uye mwoyo usingagare pasi woruchiva
unotsautsa munhu akanaka.
13Akava mururami azere nenguva pfupi,
riri basa rinoda nguva refu.
14Mweya wake zvawakafadza Mwari,
Mwari akakurumidza kumubvisa mukati mouipi.
Vanhu vakazviona asi havana kuzvinzwisisa;
havana kana kumbozvifungawo zvavo
15kuti Mwari ane nyasha
netsitsi kuna vasarudzwi vake,
uye, kuti anongengetedza vakarurama.
16Mururami anenge afa
anopa mhosva kuna vasiri vanamati
vanosara kunze.
Mururami anofa achiri muduku,
anopawo mhosva kuna vasiri
vanamati vanoita upenyu urefu.
17Nokuti vanhu vanoona mungwaru achifa,
asi havanzwisisi kuti Mwari anoda kuitei naye,
kana kuti Tenzi akamudzivirirei kudaro.
18Vanomutarisa vachimushora
asi Mwari anovasekawo zvake.
19Pasina nguva yati yapfuura vachava zvitunha
zvisingaremekedzwi,
vosveeredzwa mukati mavakafa nokusingaperi.
Tenzi achavatsigidura paugaro hwavo,
achavapwatitsira pasi chinyararire,
vacharamba vaoma vasisina chavanacho
kwava kutsakatika vari mukutambudzika.
Mazita avo acharova.
Varurami navasiri varurami vanogadzwa dare20Vachauya, vachidedera nokutya
panenge pava kuverengwa
zvitadzo zvavo.
Mabasa avo asina mutemo achatarisana navo
achivapa mhosva.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.