Ungwaru 4 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

1Zviri nani kushaya mwana iwe uri mururami,

nokuti ururami hwako

hucharangarirwa nokusingaperi,

uyewo nokuti vose Mwari navanhu vanozviziva.

2Kana huripo, vanhu vanoutevedzera,

kuzoti hwaenda, vanousuwa;

kuupenyu husingaperi

hunogadzwa chiremba chinoshoreka

choupenyu husingaperi,

huchipembererwa kubudirira

kwaakaita mumakundano

ane mibayiro yakanakisisa.

3Vana vavasiri vanamati

vangawande zvavo zvakanyaya,

asi havana maturo;

dzinde romwana asina mutupo

haridziki midzi kana kuwana

paringabate zvakasimba,

4nokuti kunyange rikamboita mapazi kwechinguva,

pamusana pokuti harina kubata zvakasimba,

richazunzwa nemhepo rigodzurwa

nokuvhuvhuta kwemhepo.

5Tumapazi twaro tuchatyorwa–tyorwa,

tusati twambosimba,

michero yatwo inoshaya basa

maganga asina kuibva

zvokuti angadyiwe

asina nebasa rose

6chikonzero chacho ndechokuti vana vomudondo

ndivo zvapupu zvouipi kuvabereki vavo,

kana Mwari ava kuvatonga.

Kufa kwomururami achiri mudiki

7Munhu akarurama achawana zororo,

kana dai akafa

zvake asati asvitsa zero.

8Kureba kwoupenyu nokuwanda kwamakore

hakusiko kunoita kuti

munhu akura aremekedzwe

upenyu hahuerwi nokuwanda kwamakore.

9Kunzwisisa ndiko kuchena

musoro chaiko ikoko

kuva noupenyu husina chinoshoreka

ndiko kukwegura kwezvirokwazvo ikoko.

10Kwaiva nomumwe akafadza Mwari,

iye akadiwawo naMwari

pamusana pokuti aigara mukati mavatadzi

akabva atututswa kuenda mudenga.

11Akabvisirwa kuti zvimwe

unyangadzi hungadaro hukaipisa, njere dzake,

kana unyengedzi hukafurira mweya wake,

12nokuti kutorwa mwoyo nezvakaipa

kunotindivadza zvinhu zvakanaka

uye mwoyo usingagare pasi woruchiva

unotsautsa munhu akanaka.

13Akava mururami azere nenguva pfupi,

riri basa rinoda nguva refu.

14Mweya wake zvawakafadza Mwari,

Mwari akakurumidza kumubvisa mukati mouipi.

Vanhu vakazviona asi havana kuzvinzwisisa;

havana kana kumbozvifungawo zvavo

15kuti Mwari ane nyasha

netsitsi kuna vasarudzwi vake,

uye, kuti anongengetedza vakarurama.

16Mururami anenge afa

anopa mhosva kuna vasiri vanamati

vanosara kunze.

Mururami anofa achiri muduku,

anopawo mhosva kuna vasiri

vanamati vanoita upenyu urefu.

17Nokuti vanhu vanoona mungwaru achifa,

asi havanzwisisi kuti Mwari anoda kuitei naye,

kana kuti Tenzi akamudzivirirei kudaro.

18Vanomutarisa vachimushora

asi Mwari anovasekawo zvake.

19Pasina nguva yati yapfuura vachava zvitunha

zvisingaremekedzwi,

vosveeredzwa mukati mavakafa nokusingaperi.

Tenzi achavatsigidura paugaro hwavo,

achavapwatitsira pasi chinyararire,

vacharamba vaoma vasisina chavanacho

kwava kutsakatika vari mukutambudzika.

Mazita avo acharova.

Varurami navasiri varurami vanogadzwa dare

20Vachauya, vachidedera nokutya

panenge pava kuverengwa

zvitadzo zvavo.

Mabasa avo asina mutemo achatarisana navo

achivapa mhosva.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help