Jobhu 2 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Nhanho yechipiri.Dare rechipiri ravana vaMwari

1Pakaitazve rimwe zuva rokuti vana vaMwari vakauya kuzozviratidza pana Tenzi. Satani akauyawo ari mukati mavo kuzozviratidza kunaTenzi.

2Tenzi akati kuna Satani, “Uri kubvepiko?” Satani akapindura Tenzi achiti, “Ndanga ndichidzengerera nenyika ndichifamba-famba zvangu mairi.”

3Tenzi akati kuna Satani, “Wakazombofungisisa here nezvomuranda wangu Jobhu kuti hakuna akafanana naye panyika. Munhu akarurama, ari pachokwadi anotya Mwari uye anonzvenga uipi?” Munhu anoramba akasimba paururami kunyange wakandiitisa kuti ndimuparadze pasina chikonzero.

4Satani akapindura Tenzi achiti,

“Ganda ngariitwe

mutengano webveni neganda.

Pane zvoupenyu, munhu

anoripa nazvose zvaanazvo.

5Ingotambanudzai zvenyu ruoko rwenyu

mubate bvupa rake kana nyama yake,

anokutukai imi, muripo kudai.”

6Tenzi akati kuna Satani,

“Hoyoka ari mumaoko mako

asi upenyu hwake huchengetedze.”

Nhamo yechipiri yaJobhu, Kurwara

7Naizvozvo Satani akabva abva pana Tenzi akandorarisa Jobhu namaronda akaipa kubvira mutsoka kusvika mumusoro make.

8Jobhu akatora chaenga chaaizvikwenya nacho achigara zvake kumadota.

9Mudzimai wake akamuti, “Mucharamba makangoomererana noururami hwenyu here? Dai matoshonha zvenyu Mwari mufe.”

10Asi Jobhu akati kwaari, “Inga unotaura serimwe benzi ravakadzi. Saka tinofanira kungogamuchira zvakanaka chete kuna Mwari asi zvakaipa torega nhai?” Muna zvose izvozvi Jobhu hapana chaakataura nomuromo wake chaakatadzira nacho Mwari.

Shamwari dzaJobhu.

11Zvino kuzoti shamwari nhatu dzaJobhu padzakanzwa nhamo dzose dzakanga dzawira Jobhu, dzakauya kwaari, imwe neimwe ichibva kunzvimbo yayo. Kwaiti Erifazi muTemani naBhiridhadhi muShuhi naZofa muNaamati. Vakanga vatenderana kuuya pamwechete kuzobata maoko Jobhu vachimunyaradza.

12Pavakaona Jobhu nokure havana kukwanisa kumuziva. Vakahwihwidza kuchema vachisvimha misodzi. Vakabva vabvarura magemenzi avo vakazvidira ivhu mumusoro vachiritiburirira kudenga.

13Vakagara pasi naye siku nesikati kwamazuva manomwe pasina aimbotaura naye izwi rimwechete zvaro nokuti vakaona kuti kurwadziwa kwake kwakanga kwakanyanya kwazvo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help