1Nhai iwe gamba unozvikudzireiko
nezvakaipa uchiti
Mwari akanaka misi yose.
2Saka zuva rose
uchitoronga zvako zvokuparadza.
Rurimi rwako rwakaita sechisvo chinopinza,
iwe murongi wounyengedzi.
3Unoda zvakaipa kupinda zvakanaka,
unoda nhema
kupinda kutaura zvakarurama.
Dzepfunde
4Unoda mazwi anokuvadza
iwe munyengedzi.
5Asi Mwari achakukoromora nokusingaperi
achakubata agokubvuta mutendhe rako.
Achakutipura kubva munyika yavapenyu.
Dzepfunde
6Vakarurama vachizviona vachakatyamara
vakamuseka vachiti,
7“Tarisai muone munhu
asina kuda kupotera muna Mwari;
asi akavimba nokuwanda kwoupfumi hwake
akapotera muupfumi hwake.”
8Asi ini ndakaita somuorivhi munyoro
mumba maMwari.
Ndinovimba nemwoyochena waMwari
narini narini.
9Ndichakutendai nokusingaperi
nokuti makazviita.
Ndicharumbidza zita renyu
pana vakarurama nokuti rakanaka.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.