Johani Zviri mubhuku rino - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Zviri mubhuku rino Shoko Rakanaka raJohani rakanyorwa rine chinangwa chikuru chokuratidza kuti Jesu ndiye Izwi raMwari, Mesia, Mwanakomana waMwari akauya pasi pano akava munhu sesu kuti awanise vanhu vose upenyu husingaperi.Bhuku iri rakanyorerwa kuti vanhu vadavire kuti Jesu ndiye Mesia Mwanakomana waMwari. Johani anoshandisa mazwi anoratidza seasina maturo zvawo asi anenge ano udzamu hwakanyanya, aine madanho akasiyana–siyana ohudzamu ihwohwo. Anoshandisa mazwi saaya okuti, chingwa kana kuti mvura kana kuti chiedza kana kuti mufudzi kana kuti musuo kana kuti magirepisi. Mazwi aya nezvishamiso nezviratidzo zvaJesu zvainongedzera kune zvimwe zvakatodzama kupinda izvo.Johani akanyora bhuku iri senyaya iri padare rokutonga. Vamwe anovati ndevechiedza, vamwe ndeverima; vamwe ndevenhema vamwe ndevechokwadi. Vamwe ndevaMwari vamwe vari vaSatani. Padare iroro pane zvapupu zvinopupurira Jesu nezviito zvake. Zvapupu zvacho ndezvizvi izvi zvinoti chitenderano chakare, naJohani Muombeki naVanhu, navapositori naMwari Baba naMweya Mutsvene. Vanenge varamba kugamuchira Jesu namazwi ake nouchapupu hwose hunopiwa uhu, vane mhosva yokuti chiedza chakauya pasi pano asi ivo vakada rima. Zvinoitwa nezvinotaurwa naJesu zvizhinji zvacho zvinoitwa zvakanangana namazuva makuru avaJudha uye zvinoburitsa pachena zvimwe zvinodiwa pakunamata sepaPasika, Mazuva Makuru Amatumba neTemberi, noruombeko, neChirariro chaTenzi, nokuregererwa kwezvitadzo nokugamuchira kwatinofanira kuita Mweya Mutsvene.Aya ndiwo mamiriro akaita bhuku raJohaniA: Mazwi okusuma (1:1—1:18)B: Basa rakaitwa naJesu (1:19—21:25)I: Basa rakaitwa naJesu rokuparidza (1:19—4:54)(a) Svondo rokutanga (1:19—2:12)(b) Pasika (2:13—4:54)II: Jesu anoenda kumazuva makuru kechipiri: Kupikisana naJesu kokutanga (5:1–47)III: Jesu chingwa chinopa upenyu (6:1–71)IV: Mazuva makuru amatumba (7:1—10:21)V: Zuva guru rokuchenurwa kweTemberi (10:22–42)VI: Jesu anonanga kurufu rwake (11:1—12:50)C: Kukumbira kwaJesu: Pasika yeHwayana yaMwari (13:1—20:31)I: Chirariro chaJesu chokupedzisira (13:1—17:26)II: Dambudziko norufu rwaJesu (18:1—19:42)III: Zuva rakamuka Jesu (20:1–31)D: Mazwi okuzarira (21:1–25)I: Jesu akazviratidza kuvadzidzi vake pagungwa reTibheriasi (21:1–24)II: Mazwi okuzarira kechipiri (21:25)
Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help