Rwiyo 8 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

1Dai iwe kwandiri

uri sehanzvadzi

uri wakayamwa pazamu ramai vangu.

Dai kuri kuti ndinokuona kunze

ndaikutsvoda.

Uye hapana aimbondishora.

2Ndaienda newe

kumba kwaamai vangu,

mumba maiye akandibereka.

Ndaikupa waini ino tunonhuwirira

kuti umwe,

muto wamapomegiraniti angu.

3Dai ruoko rwake rweruboshwe

ruri pasi pamusoro wangu

rudyi rwake rwakandigumbatira zvarwo.

4Ndinokukomeresai imi vanasikana veJerusaremu

kuti musatirimutse kana kumutsa

havi dzorudo nguva yacho isati yasvika.

RWIYO RWECHITANHATUSHAMWARI

5Ndiani uyo ari kuuya achibva kurenje

akazendamira pana chido chemwoyo wake.

MWENGA

Pasi pomuti wemuapuru ndakakumutsa,

ipapo amai vako vaiva

panguva yokusununguka

ivo vakakubereka vaiva pahata.

6Ndiite sechidhindo pamwoyo wako

sechidhindo paruoko rwako

nokuti rudo rwakasimba sorufu,

shanje ino utsiye seguva

kuvaima kwayo kuvaima kwemoto,

moto chaiwo unoririma.

7Mvura zhinji zvayo haikwanisi

kudzimura rudo.

Kunyange mapopopo emvura

haagoni kunyudza rudo.

Kunyange munhu

akati regai nditsinhanise rudo

nokupa upfumi hwose hwomusha wake

zvinonyatsoshorwa.

SHAMWARI

8Tine kahanzvadzi kedu kaduku

asi hakana mazamu.

Tichaitei nehanzvadzi yakadai

pazuva raanopfimbwa.

9Dai kuri kuti madziro, taivaka

chokuzvidzivira nacho muhondo chesirivha

kana dai kuri kuti igonhi, taimuvakirira

namapuranga esidha.

MWENGA

10Ini ndiri chidziro,

mazamu angu akaita seshongwe

kwaari, ndiri chigadzanisa mwoyo.

11Soromoni aiva nomunda wamagirepisi

kuBharihamoni.

Akaisako vanhu vokuuchengeta,

mumwe nomumwe aifanira

kuunza muchero unoita

churu chemari yesirivha.

12Asi munda wangu wemagirepisi ndowangu ini pachangu.

Iwe Soromoni ungava zvako

nechuru chemari yesirivha iyoyo

vachengeti vayo vachiwana zvavo

mazana maviri.

CHIKOMBA

13Iwe unogara mumapindu,

shamwari dzangu

dziri kuteerera izwi rako.

Rega ndirinzwewo zvangu.

MWENGA

14Mhanya mudiwa wangu

uite semhara kana setsvana yemhene

pamakomo etwokubikisa tunonhuwirira.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help