Hosea 11 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Rudo rwaMwari kuvanhu vake vakapanduka

1“Isiraeri paakanga achiri

mwana mudiki, ndaimuda.

Ndakadaidza mwana wangu iyeyu

kubva kuIjipiti.

2Pandaimudaidza

ndopaainyanya kutsaukana neni.

Vakaramba vachipira zvibayiro zvavo

kuna Bhaari

uye vachipisirawo rusenzi kuzvifananidzo zvokunamata.

3Asi iyeni ndini ndakadzidzisa

vokwaEfuremu kufamba.

Ndaivatakura mumaoko

asi zvokuziva kuti ndini ndaivarapa,

havana kuziva.

4Ndaivatungamirira netambo yengoni

pamwe neyamabhande orudo.

Ndakavasimudza somwana muduku

pachipfuva changu

ndikakotama ndichivapa chokudya.

5“KuIjipiti havachadzokera

asi Asiria ndiyo ichavatongao

nokuti vakaramba kudzokera kwandiri.

6Hondo ichatsviriridza mumaguta avo

ichityoranisa zvihuri zvemisuo mikuru yavo,

ichivaparadza mutsvingo dzavo

dzokuzvidzivirira nadzo muhondo.

7Vanhu vangu vaomarara

nenyaya yokutsaukana neni.

Saka joko nderavo

hapana anovakumura.

8“Ndingagokurasai seiko nhai vokwaEfuremu?

Ndingagokutii kuche mumaoko avo seiko

nhaimi vokwaIsiraeri?

Ndingagokubatai somubatiro

wandakaita guta reAdhima here,

kana zvandakaita kuguta reZebhoimu?

Mwoyo wangu unoramba mukati mangu.

Mwoyo wangu wetsitsi

uri kutoramba uchiwedzera kukudai.

9Handicharatidza hasha dzangu dzinotyisa,

vokwaEfuremu, handichavaparadza zvakare

nokuti ini ndiri Mwari

handisi munhu,

iye Anoera, ndiri pakati penyu

uye handisi kuuya kuzoparadza.

10Vachatevera Tenzi

iye achidzvova seshumba,

achidzvova kudaro

vana vake vachauya vachidedera

vachibva kumadokero.

11Vachauya vachibhabhama seshiri

vachibva kuIjipiti,

senjiva, vachibva kunyika yeAsiria

ndichivadzosera kumisha yavo,

ndozviri kutaura Tenzi.”

Mhosva ine vokwaIsiraeri nevokwaJudha

12VokwaEfuremu vandikomberedza namanyepo,

vembawo yokwaIsiraeri

vachindikomberedza nounyengedzi.

Asi vokwaJudha

vanofamba naTenzi

uye vakatendeseka

kuna iye Anoera.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help