1Vanhu vose vakanga vasingazivi Mwari
vaiva noupenzi huri muropa.
Nezvinhu zvakanaka zvinoonekwa havana
kukwanisa kuziva iye aripo.
Vaiongorora mabasa akaitwa
asi havana kugona kuziva akaaita.
2Asi vaifunga kuti zvimwe moto,
kana kuti mhepo,
kana dutu remhepo,
kana kuti nyenyedzi dzina makwara adzo,
kana kuti nyanza ine simba guru rokuparadza,
kana kuti zvivheneko zvomudenga,
ndivo vamwari navatongi vapasi pose.
3Kana dai kuri kuti rufaro
runobva mukuyemura zvinhu izvi
ruri irwo rwakavapa kuti
vazviti vamwari, ngavazive
kuti Tenzi wazvo akanaka kuzvipfuura,
nokuti muridzi worunako ndiye akazvisika.
4Kana dai kuri kuti masimba
ezvinhu izvi namafambiro
azvo ari iwo akavakatyamadza,
ngavaone kwazviri kuti iye
akazviumba ane simba rakadii,
5nokuti paukuru norunako rwezvinhu zvakasikwa
unoona musiki wazvo wazvakatodzana naye.
6Kukanganisa kwavanhu ava hakusi kukuru,
zvichida vakarasika vachitsvaka Mwari,
vachida kuti vamuwane.
7Chikonzero chacho ndechokuti
kugara kwavanoita mukati mezvisikwa zvaMwari,
vanoramba vachitsvagurudza,
asi vakatorwa mwoyo nezvavanoona,
nokuti zvinhu zvinooneka zvakanaka.
8Uyezve kana ivava mhosva vanayo
9kana vakakwanisa kuziva zvakawanda kudai
zvokuti vaikwanisa kutsvagurudza vachiwana
ruzivo rwakadzama rwezvapasi pano,
ko, seiko vasina kukurumidza kuwana Tenzi wezvinhu izvi?
Kunamata zvifananidzo10Vane nhamo vanovimba nezvinhu
zvisina upenyu vanotumidza kuti vamwari,
zvinhu zvakaitwa namaoko avanhu
zvinoti ndarama nesirivha, zvakanyatsoumbwa
kuita zvifananidzo zvemhuka,
kana nedombowo zvaro rakavezwa nevechinyakare.
11Ngatitii zvedu muvezi aona muti wakafanira, outema
onyatsoukwaturakwatura makwati, ouveza zvakanaka,
mudziyo une basa paupenyu hwamazuva ose.
12Asi marara okuveza kwaanga achiita anoabikisa
zvokudya zvinomugutisa.
13Zvino kune chidimbu chinenge chasara
mukati mawo chisina nebasa rose
chakamonyoroka chine zvifo zvakawanda.
Anochitora onyatsochiveza,
achivaraidza zvake nguva yake.
Anonyatsoveza noumhizha hwokunge achivarairwa zvake
achiita mufananidzo womunhu
14kana kuchitodzanisa nemhukawo zvayo isina maturo,
ndokuzochipenda nependi tsvuku,
sare zvino chati piriviri,
achivanza nependi pose panenge pakaipa.
15Zvino anochiitirawo kanenge kamba kachinokwana,
okaturika kumadziro achikasimbisa nechipikiri.
16Nokudaro ndiye anotoona kuti hachidonhere pasi,
sezvaanoziva kuti hapana chachinogona kuzviitira,
nokuti chinongova chifananidzo bedzi,
chinotoda kubatsirwa.
17Asi kana onamata nezvepfuma yake,
kana nezvemuchato wake, kana nezvevana vake,
haambonyari kutaurira chinhu chisina upenyu;
anokumbira simba kune chisina simba.
18Kana achida utano anokumbira kuchinhu chisina simba,
kana achida upenyu anonamata kuchinhu chakafa;
kana achida rubatsiro anorutsvaka
kuchinhu chisina kana ruzivo zvarwo,
kana oda rwendo runobudirira anokumbira kuchinhu
chisingakwanisi kana kusimudza tsoka.
19Kuti aite mari, kana basa, kana kubudirira
mubasa ramaoko ake anokumbira simba
kuchinhu chinamaoko asina simba.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.