Zefaniya 1 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Mashoko okusuma

1Shoko rakauya kuna Zefaniya mwanakomana waKushi, mwana waGadharia mwanakomana waAmariya, mwanakomana waHezekiya, mumazuva aJosiya mwanakomana waAmoni mambo wokwaJudha.

ZUVA ROKUTONGA KWATENZIKurangwa kuchaitwa pasi pose

2“Ndichanyatsotsvaira kutopedza

zvose zviri pamusoro payo nyika.

Ndizvo zviri kutaura Tenzi.

3Ndichatsvaira vanhu nemhuka

uye ndichatsvaira shiri dzedenga

nehove dzegungwa

uye zvimhingamupini,

vanhu vakaipa,

ndichatsakatisa vanhu

pamusoro payo nyika.

Ndizvo zviri kutaura Tenzi.

Kurangwa kuchaitwa vanonamata vamwari vasirivo

4“Ndichasumudzira vokwaJudha

shamhu yoruoko rwangu

uye vagari veJerusaremu vose zvavo.

Ndichatsakatisawo munzvimbo ino

vokwaBhaari vakasara

uye nezita revapristi

vanonamata zvifananidzo.

5Ivo vanopfugama kunamata

pamusoro pedzimba

gurusvusvu rezvinhu zvomumatenga,

vanopfugama pasi

vachipika nezita raTenzi

ivo vachipika zvavo

nezita raMirikomu,

6navakafuratira Tenzi

vasisatsvaki Tenzi

kana kunzwa kuti anotii.”

7Chitotii zvenyu mwi-i

pamberi paTenzi Mwari

nokuti zuva raTenzi rosvika

Tenzi akagadzirira chibayiro

akazvitsaurira vaenzi vake.

Kurangwa kuchaitwa makurukota

8“Pazuva raTenzi rechibayiro

ndicharanga vakuru vakuru

navanakomana vamambo

nevose zvavo vanopfeka

hanzu dzechirudzi.

9Nezuva iroro ndicharanga

munhu wose anodarika chikumbaridzo napamusuo

navanozadza dzimba

dzatenzi wavo

noutsinye nounyengedzi.

Kurangwa kuchaitwa vemhindu dzokutengeserana

10“Pazuva iroro

ndizvo zviri kutaura Tenzi

kucharira mhere kuSuo Guru reHove

kuungudza kuchibva kumana rechipiri,

kungondomoka kukuru kuzvikomo.

11Chemai imi vagari vokuMakiteshi

nokuti vemhindu dzokutengeserana

vose hapasisina

ivo vokupima sirivha

vose vakatsakatika.

Kurangwa kuchaitwa vanhu vasina hanya naMwari

12“Panguva iyoyo ndichatsvaka

nerambi muJerusaremu

ndichiranga vanhu ivavo

vane manzvengeredzero avo

vanozviti nechomumwoyo,

‘Tenzi hapana zvaanomboita,

zvakanaka kana zvakaipa.’

13Zvinhu zvavo zvichapambwa

dzimba dzavo dzichaparadzwa

kunyange zvavo vakavaka dzimba

havazombodzigari.

Kunyange zvavo vakasima

minda yemagirepisi,

waini yacho havainwi.”

ZUVA GURU RATENZI

14Zuva guru raTenzi rosvika,

rokasika chaizvo kusvika,

bongozozo rezuva raTenzi

rinorwadza,

gamba chairo richatobongomora

kuiridza mhere ipapo.

15Zuva iroro izuva rehasha

musi wokutambura nokurwadzwa

zuva repfumvu nokuparara

musi werima nezarima

zuva ramakore akati kwirindindi

16zuva rokurira kwehwamanda

nokurira kwemhere yehondo

yokurwisa maguta etsvingo

nezvokuzvidzivirira nazvo

zvakati dzu-u kureba.

17“Ndichaonesa vanhu nhamo

zvokutofamba samapofu zvawo

nokuti vakatadzira Tenzi.

Ropa ravo richanyatsowodzvorwa seguruva

uye nyama yavo sendove.”

18Kunyange sirivha yavo

kana ndarama yavo

haigoni kuvanunura,

pamusi wehasha dzaTenzi.

Nyika yose zvayo icharoromeswa

mumoto wehasha dzake dzeshanje;

achanyatsoyerekana avaparadza;

ndozvaachaita kuvagari vapasi pano

vose zvavo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help