1Ungwaru ndihwo bhuku
romutemo yaMwari
nomurao unogara nokusingaperi;
vanoramba vakabatirira pahuri vachararama,
vanoukanda pasi vachafa.
2Pindukai, vokwaJakobho muhutore
muende kuchiedza chokupenya kwahwo,
3musape mbiri yenyu kune mumwe
kana kupa zvinokubatsirai imi kunomutorwa.
4Inga zvedu nhaimi, isu vaIsiraeri
nokuti tinoziva zvinoda Mwari.
5Tsungai mwoyo vanhu vangu
imi vacho munoita kuti Isiraeri
igare ichirangariwa.
6Chamakatengeserwa kumarudzi
kwakanga kusiri kuti muparadzwe,
makaiswa imi mumaoko avavengi venyu
pamusana pokuti makanga mashatirisa Mwari.
7Makadenha musiki wenyu
nokupira kwamakita kumweya
yakaipa muchirega kupira kuna Mwari.
8Makakanganwa Chidzachepo
akakurerai, mukatsamwisa Jerusaremu rakakukudzai.
9Rakaona hasha dzaMwari
dzakakuwirai dzichibva kuna Mwari
rikati, ‘Teererai imi vavakidzani neZioni,
Mwari andiunzira zvinondirwadza mwoyo.
10Chikonzero chacho ndechokuti
ndakaona ini kutapwa kwavana vangu
vakomana navasikana kwakauiswa pavari naChidzachepo.
11Ndakavarera ini nomufaro; asi
ndakasuruvara kukuonai muchienda
ndiine misodzi padama.
12Ngaparege kuva zvapo naanopembera
nokundifarirawo zvangu
ini chirikadzi ndakafirwa navakawanda.
Ndakasiiwa ndisina chandinacho
pamusana pezvitadzo zvavana vangu
chikonzero chacho chiri chokuti
vakafuratira mutemo waMwari.
13Havana kuita hanya nokuziva mirao yake
havana kufamba namakwara
emitemo yaMwari
kana kutevedza nzira dzokuzvibata
dzinodzidziswa noururami hwake.
14Dai imi vavakidzani veZioni
mangouyawo zvenyu waro
murangarire kutapwa
kwavana vangu vakomana navasikana
kwakauiswa pavari naChidzachepo.
15Nokuti akavaunzira rumwe rudzi rwaibva kure,
rudzi rwavanhu vasinganyari
vane mutauro usingazivikanwi
vakanga vasingaremekedzi munhu wakura
uye vasina tsitsi navacheche.
16Vakatinha vanakomana vapamwoyo vechirikadzi
vachiuraira mukadzi anongova oga vanasikana vake.
17Ko ini chiiwo zvangu chandingakubatsirei nacho.
18Nokuti iye akauisa matambudziko pamuri,
ndiye achakununurai mumaoko avavengi venyu.
19Endai zvenyu vanangu, endai
nokuti ndasara ndisisina chandinacho.
20Ndakabvisa zvinopfekwa nguva yorugare
ndikapfeka masaga okuratidza kuteterera kwangu,
ndichashevedzera kuna Chidzachepo
upenyu hwangu hwose.
21Tsungai mwoyo vanangu
mucheme kuna Mwari,
ndiye achakununurai mukudzvinyirira kwenyu,
nomumaoko avavengi venyu.
22Chiripo ndechokuti
ndakaisa chitarisiro changu
chokununurwa kwenyu kunaChidzachepo
nokuti ndiye achakununurai.
Ndakawana rufaro runobva kunaMutsvenemutsvene
pamusana petsitsi dzamuchaitirwa
noMununuri wenyu wokugara nokugara.
23Ndakasuruvara kukuonai muchienda
ndiine misodzi padama
asi Mwari achakudzorerai kwandiri
norufaro nokusingaperi.
24Sokuona kwakaita vavakidzani veZioni
kubatwa kwenyu,
vachaonawo kununurwa
kwamuchaitwa naMwari.
Kuchauya kwamuri nembiri huru
uye nokupenya kwaChidzachepo.
25Vanangu shirirai zvenyu nemwoyo murefu,
chirango chakauya pamuri chichibva kuna Mwari
vavengi venyu vakubatai zvavo
asi muchaona zvino uno kuparadzwa kwavo
muchatotsika pamitsipa yavo.
26Vana vangu vakanga vakagarika zvavo
asi nzira dzavakazoenda nadzo dzakaomarara,
vakaendwa navo sedanga rezvipfuwo
rakapambwa nomuvengi.
27Tsungai mwoyo vanangu
mucheme kuna Mwari,
iye akakuunzirai izvi pamuri,
achakurangarirai.
28Kutsauka kwamakaita panaMwari
saizvozvowo pindukai mutsauke
neshungu dzakapetwa kagumi
29nokuti iye akaunza matambudziko
iwaya pamuri,
achakuunzirai rufaro rusina mugumo
pamwechete noruponeso rwenyu.’
30Tsunga mwoyo iwe Jerusaremu
nokuti akakutumidza zita
achakunyaradza.
31Vachapinda pfumvu
vakakuonesa nhamo
vachifarira kuputsika kwako.
32Achapinda nhamo, maguta
emakaitira vana vako uranda.
Guta rakagamuchira vana vako
richapinda nhamo
guta rakagamuchira vanakomana vako.
33Sokupemberera kuputsika kwako
nokufarira kuparara kwako
richarwadziwa nokuparara kwaro.
34Ndichabvisa chavanozvikudza nacho ichocho
chakuwanda kwavanhu,
kuzvitutumadza kwaro kuchasanduka
kukava kusuruvara.
35Richanzi ririri nomoto unobva
kunaChidzachepo kwamazuva mazhinji
uye maari muchagara mweya yakaipa
kwenguva huru.
36Tarisa kumabvazuva, iwe Jerusaremu
uone rufaro ruri kuuya kwauri
ruchibva kuna Mwari.
37Tarisa uone vavakudzoka vana vako vawakaendesa,
vavakudzoka vachikokorodzwa
kubva kumabvazuva nokumadokero.
Pamusana peshoko raiye Mutsvenemutsvene,
vanouya vachipembera nokufara
nomukurumbira waMwari.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.