Rwiyo 5 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

CHIKOMBA

1Ndauya ini kubindu rangu

iwe mwana wamai,

mwenga wangu.

Ndavakunongerera mura yangu

uye tunonhuwirira twangu.

Ndavakutodya zinga rouchi

uyewo uchi hwangu

ndava kutonwa ini waini nemukaka wangu.

SHAMWARI

Idyai shamwari munwe;

nwiririrai, imi vadiwa.

RWUMBO RWECHINAMWENGA

2Ndakavata zvangu

asi kukotsira mukati umu handina.

Ndiye inzwei mudiwa achigogodza, achiti,

“Ndizarurire mwana wamai, iwe chido chemwoyo wangu,

njiva yangu

iwe wakaperera nokunaka.

Nokuti musoro wangu munyoro nedova,

vhudzi rangu ratota

namadonhwe ousiku.”

3Ndanga ndatopfekenura hanzu.

Ndidzipfeke zvakare here?

Ndanga ndashamba tsoka dzangu

ndodzisvibisazve nevhu here?

4Mudiwa wangu akapinza ruoko rwake

ndokubata chihuri

mwoyo wangu wakanzwa manyawi.

Ndakanzwa manyawi mumwoyo mangu.

5Pandakazoti regai ndimuke

ndizarurire mudiwa wangu,

maoko angu achidonha mura

minwe ichiyerera mura

ichitoyerera pane chokuzarurisa gonhi.

6Ndakazarurira mudiwa wangu

asi mudiwa wangu akanga atendeuka aenda,

zvakandipedza simba

paakadzokera.

Ndakamutsvaka ndikamushaya

ndakamudaidza asi haana kupindura.

7Vachengetedzi veguta vakandiona

pavaingunofamba-famba neguta,

vakandirova vakandikuvadza

vakanditorera gemenzi rangu

ivo vachengetedzi vaparusvingo.

8Ndinokukumbirisai chaizvo vanasikana veJerusaremu

kuti kana mawana mudiwa wangu

mumutaurire kuti

ndapera ini norudo.

SHAMWARI

9Nhaiwe mukadzi akanakisisa kudai

iye mudiwa wako chii chaizvo chaanopfuura

vamwe nacho?

Iye mudiwa wako chaanopfuura

vamwe nacho chii chaizvo

zvokutotikumbirisa ukadaro?

MWENGA

10Mudiwa wangu akapenyerera, akatsvukirira,

anonyatsoonekwa mukati

mezviuru gumi zvavanhu.

11Musoro wake indarama

chaiyo yakanakisisa.

Vhudzi rake, rinoyerera

rakasviba kuti ndo-o segunguwo.

12Maziso ake anenge njiva

dziri pedyo namadziva emvura,

akanyikwa mumukaka,

akanyatsoiswa panzvimbo pawo zvakanaka.

13Matamawo ake akaita

semihomba yetwokubikisa tunonhuwirira

tunoburitsa kunhuwirira;

iyo miromo yake iyi, maruva zvawo amariri,

inodonha mura inoyerera.

14Maoko ake, heyo mibhadha zvayo yendarama

yakashongedzwa zvishongo

muviri wake ndiro zvayo yemunyanga wenzou

yakaiswa tutombo twesafaya.

15Iwo makumbo ake aya,

hedzo mbiru zvadzo dzakamiswa

muzvigadzikiro zvendarama

uyewo chimiro chake ungati iRebhanoni

kunaka kwazvo semiti yemisidhari.

16Zvaanotaura izvi zvinotapira samare,

iye wose, sezvaari anodiwa.

Ndiye mudiwa wangu iyeyo

ndiye shamwari yangu,

imi vanasikana veJerusaremu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help