1Anoda mwana wake mukomana
anogaromubatira shamhu,
kuitira kuti mangwana azofadzwa naye.
2Anodzidzisa mwana wake mukomana
achawana mubairo wake
achizvikudza naye pana vamwe vake.
3Anodzidzisa mwana wake mukomana
anosakisa muvengi wake kuti
amuitire shanje
uye achadada naye pakati peshamwari dzake.
4Kana baba vakafa vanoita savasina kufa,
nokuti vanosiya akafanana navo.
5Vachiri vapenyu vaifara nokumuona,
vafa hapana chavanogunun'una nacho mumwoyo.
6Vakasiya munhu anovatsividzira vavengi
nowokudzorera kandiro kwakabva kamwe
kushamwari dzavo.
7Baba vanoregerera mwanakomana wavo
vachazova nebasa rokumusunga maronda,
vakangonzwa kunochemwa chete, mwoyo wavo unomira mudenga.
8Bhiza risina kunyatsopingudzwa hariteereri,
ndizvowo zvine mwana mukomana asina kudzikamiswa,
anoita musikanzwa.
9Jaidza mwana, iye achakukatyamadza
ita zvokutamba naye, iye achakuchemedza.
10Rega kuita zvokuseka naye, newewo hauzochema naye
wopedzisira nokuzvidya mwoyo.
11Usamurege achiita zvaanoda pauduku hwake
kana kuita sousingaoni zvako kukanganisa kwake.
12Mupingudze achiri muduku,
mutwasanudze mativi asati akura,
angadaro akazokura ari tsvuuramuromo, asingateereri
akazokuitira zvinokuodza mwoyo.
13Yarutsa mwana wako mukomana uchimuvaka,
kuti arege kuzokushungurudza nomugariro wake wakaipa.
Utano14Zviri nani kuva murombo iwe uine utano, nomuviri
wakagwinya, pano kuva mupfumi ano muviri unorwadza.
15Utano nomuviri wakasimba zvinokunda ndarama iri yose,
uye muviri wakasimba unopfuura upfumi hwose.
16Hakuna upfumi hunokunda muviri wakasimba,
hakunawo rufaro runokunda rufaro rwomwoyo.
17Zviri nani kufa pano kugara upenyu hwokutambura
zororo risingaperi riri nani pano
kuramba uchingorwara–rwara.
18Machikichori anodiraniswa pamuromo wakazarirwa,
akafanana nemikonde yesadza inoiswa paguva.
19Zvinobatsirei kupira michero
kuchifananidzo chisingakwanisi kudya kana kunhuhwidza?
Ndozvakangoita munhu apiwa undonda naMwari.
20Anongotarisa chokudya nameso, otura femo,
sezvinoitawo muyuniki anogumbatira musikana
ongotura femo.
Mafaro21Usabva wazvinetsa nepfungwa dzinobaya mwoyo,
kana kutozvisvibisa zvako mwoyo nokuzvidya mwoyo.
22Kufaranuka mwoyo ndihwo upenyu kumunhu,
kufara kunoita kuti uve noupenyu urefu.
23Zvifaranutse, unyevenutse mwoyo wako,
dzingira kure pfungwa dzinoodza mwoyo,
nokuti kuzvidya mwoyo kwakaparadza vazhinji
uye, hazvinawo wazvinobatsira.
24Shanje nehasha zvinodimurira upenyu hwomunhu,
uye, kuzvitambudza mumwoyo kunochembedza
munhu achiri muduku.
25Munhu ano mwoyo wakafaranuka anodavirana nezvaanodya.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.