Ezekieri 14 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Mwari haadi kuti vanhu vanamate zvifananidzo

1Kwakazouya vamwe vavakuru vakuru veIsiraeri kwandiri vakasvikogara mberi kwangu.

2Shoko raTenzi rikabva rauya kwandiri rikati,

3“Iwe mwanakomana womunhu varume ava vakatorwa mwoyo nezvifananidzo zvavo zvokunamata vakazviisira chibingamupinyi chouipi hwavo mberi kwavo. Ndipo pandingazorega here vachidai kuuya kuneni kuzonzwa kuti ndinoti kudii?

4Naizvozvo chivataurira uchivaudza kuti zvanzi naTenzi Mwari, ani zvake wemba yaIsiraeri anotorwa mwoyo nezvifananidzo zvokunamata zvake achizviisira chibingamupinyi chouipi hwake mberi kwake pedzezvo ouya kumuporofita, ini Tenzi ndini ndichamupa mhinduro iyeni zvichienderanawo nokuwanda kwezvifananidzo zvake zvokunamata.

5Chandichadariro ndechokuti ndibate mwoyo yevemba yaIsiraeri vose vakasiyana neni pamusana pezvifananidzo zvavo zvokunamata.

6“Naizvozvo chiti kumba yaIsiraeri, zvanzi naTenzi Mwari pindukai mufuratire zvifananidzo zvenyu zvokunamata mufuratire zvinhu zvenyu zvose zvinosemesa izvi.

7Chiripo ndechokuti ani naani zvake wemba yaIsiraeri kana mumwe wevauyi vapfuuri zvavo muIsiraeri, anenge azvitsaura kwandiri achitorwa mwoyo nezvifananidzo zvake zvokunamata achizviisira chibingamupinyi chouipi hwake mberi kwake pedzezvo ouya kumuporofita kuzonzwa iye kuti ini ndinoti kudii, ini Tenzi ndini iyeni pachangu ndichamupa mhinduro.

8Ndichanyatsoonana naye ndimuite muenzaniso uye setsumo ndimutsakatise pakati pevanhu vangu mugozoziva kuti ini ndini Tenzi.

9“Kana muporofita akanyengedzeka akataura shoko ini Tenzi ndini ndinenge ndarasisa muporofita iyeyo. Ipapo ndichazomutambanudzira ruoko rwangu ndigomuparadza pakati pavanhu vangu veIsiraeri.

10Izvozvo shamhu yavo yokuvaranga ichava pavari ivo, vacharangwa zvimwechetezvo, muporofita iyeyo nanyakutsvaka chiporofita wacho

11kuitira kuti imba yaIsiraeri irege kuzosiyanazve neni kana kuzozvin'oresazve nezvikanganiso zvavo zvose, asi kuti vavewo vanhu vangu iniwo ndichiva Mwari wavo. Ndizvo zviri kutarura Tenzi Mwari.”

12Izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti,

13“Iwe mwanakomana womunhu, kana nyika ikanditadzira nokuita kwayo kusina kutendeka ini ndikaisumudzira roruoko rwangu ndikaishayisa zvokudya ndaitumira shangwa yenzara ndichitsakatisa munhu nemhuka mairi,

14kunyange zvazvo varume vatatu ava vanoti Nowa naDhanieri naJobhu vaivamo, chavaikwanisa chete kungozvinunura upenyu noururami hwavo ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari.

15“Kanawo ndikaita kuti zvikara zvipinde nomunyika zvikaiparadza ikasara yangoitwa nyika zvayo isina chinhu zvokutoshaya kana nomumwe unodimura nomo zvichikonzerwa nezvikara izvozvo,

16kunyange zvazvo ivava varume vatatu vaivamo, hezvino ndakadai, ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari havaikwanisa kununura vana vavo vakomana kana vasikana. Ivo bedzi ndivo vaitonunurwa asi nyika ichisara yangova nyikawo zvayo isina chinhu.

17“Kana kuti ini ndikaunzira nyika iyoyo nhamo yebakatwa, ndigoti bakatwa ngaripinde nomunyika iyoyo ndikaparadza mairi munhu nemhuka,

18kunyange zvazvo varume vatatu ava vaivamo, hezvino ndakadai, ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari havaimbogona kununura vana vavo vakomana kana vasikana, asi ivo voga ndovaitonunurwa.

19“Kunyangewo ndikatumira denda munyika imomo ndopedzera pairi hasha dzangu neropa ndichiparadza mairi munhu nemhuka,

20kunyangova dai Nowa naDhanieri naJobhu vaiva mairi hezvino ndakadai, ndizvo zviri kutarura Tenzi Mwari vangadai vasingagone kununura mwana wavo mukomana kana musikana. Asi kuti chavaikwanisa chete kungozvinunura upenyu hwavo ivo nokururama kwavo.”

21Chiripo ndechokuti zvanzi naTenzi Mwari, “Ko kutozoti pandichatumira Jerusaremu shamhu dzangu ina dzinorwadza dzinoti bakatwa neshangwa yenzara nezvikara zvinorura nedenda kuti nditsakatise mairi munhu nemhuka,

22kunyange zvazvo kukange kwasara mairi vanyakupunyuka rufu vokutungamirira vanakomana navanasikana pavanosvika kwauri uchiona nzira dzavo nokuita kwavo zvichakunyaradza mwoyo panhamo yose yandakaunzira Jerusaremu pamusana pezvose zvandakaiuyisira?

23Vachakunyaradza mwoyo pauchaona nzira dzavo nokuita kwavo ndipo pauchaziva kuti hapana chandakanga ndaita pasina chikonzero pazvinhu zvose zvandakaita mariri” ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help