1Benzi rinoti nechomumwoyo,
“Hakuna Mwari.”
Vane tsika dzakaora
vanoita zvakaipa zvinosemesa;
hapana anoita zvakanaka.
2Mwari ari kudenga
akatarisa pasi kuvanhu
kuti aone kana pana vanoita zvine ungwaru.
Vanotsvaka Mwari,
3vose vakatsauka,
vose vakangofanana, vane tsika dzakaora.
Hapana anoita zvakanaka
kana mumwechete zvake.
4Ko havanzwisisi here,
ivo vaiti vezvakaipa vanodya
vanhu vangu savanodya chingwa
vasingachemi kuna Mwari?
5Ikoko vachabatwa nokutya kukuru,
kutya kusati kwamboitika.
Nokuti Mwari achamwararisa mapfupa ouyo anokukombai.
Iwe uchatonyarawo nazvo,
nokuti Mwari akavarasa.
6Dai ruponeso rweIsiraeri
rwangobva kugomo reZioni,
Mwari ava kudzosa vaIsiraeri kuutapwa;
vokwaJakobho vachapembera kufara;
vokwaIsiraeri vachafara.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.