1Andiokusi mwanakomana wamambo Dhemetiriusi akatumira tsamba ichibva kuchitsuwa chokugungwa achinyorera Simoni mupristi nomutongi wavaJudha nokunyika iyoyi yose
2yaiva neshoko rakamira rakadai raiti,
“Ndini mambo Andiokusi ndinonyorera kuna
VaSimoni mupristi mukuru nomutongi nokunyika
yevaJudha ndichikukwazisai.
3Sezvamunongozivawo kuti kune dzimwe
mharadzi dzavanhu dzakapamba nyika
youmambo hwamadzibaba edu,
zvino ini ndafunga kundoreva umambo ihwohwu kuti
ndihudzosere pahwaimbova kare.
Izvozvi ndakatopinza basa
hondo chaiyo yezvikwata zvavarwi vaye
vanoita zvokurwira mari ndikaitawo kuti
ngarava dzehondo dzive nezvombo zvokurwisa nazvo;
4uye ndafunga kuti ndindosvika nengarava
kunyika iyoyo ndigovarwisa vanhu vacho ivavo
vakaparadza nyika yedu navakaparadza
maguta mazhinji muumambo hwangu.
5“Saka zvino ndinotsigirana nezvakatemwa
namadzimambo akanditangira zvokukubvumirai kuti
murege kutereswa mitero nokuregeswa kubvisiswa
mimwe miripo yose yavakakuregesai.
6Ndinokupai mvumo yokuzvidhindhira mari youtare
yokushandisa munyika menyu,
7Uye ndinopawo rusununguko kuJerusaremu
neNzvimbo Inoera.
Zvombo zvose zvokurwisa zvamakagadzira
nenhare dzokuzvidzivirira nadzo muhondo
dzamunadzo iye zvino dzinoramba
dziri dzenyu.
8Chikwereti chipi nechipi zvacho
chamunacho chokwamambo kana zvimwe
zvikwereti zvakaita saizvozvi zvamuchava nazvo
zvichapfudzwa kubvira zvino nokusingaperi.
9Tikange tahutora humambo hwedu,
tichazokuremekedzai zvikuru kwazvo
neverudzi rwenyu neTemberi kuitira kuti mbiri
yenyu idhumhe pasi pose.”
10Mugore rezana namakumi manomwe nerechina, Andiokusi akaenda akasvikopinda munyika yemadzibaba ake. Zvikwata zvavarwi zvose zvakakotonekera kwaari zvokuti Tirifo akasara aina vashomashoma,
11Andiokusi akamuronda. Iye Tirifo mukutiza kwaaiita akandosvika kuDhoru guta riri pedyo negungwa
12nokuti akazviziva kuti nhamo dzamumomotera uye kuti varwi vake vakanga akamusiya.
13Andiokusi ndokubva andodzika musasa wamatendhe atarisana neDhoru. Izvozvo aiva nezana namakumi maviri ezviuru zvavarwi vetsoka nezviuru zvisere zvavarwi vamabhiza.
14Akakomba guta iroro, ngaravawo ndokuuya nokugungwa. Akaisa guta iroro pakamanimani kwose kugungwa nokunyika. Hapana waaibvumira kubuda kana kupindamo.
Kukudza Simoni kwakaitwa navaRoma15Numeniusi navamwe vake vakasvika vachibva kuRoma vaine tsamba dzokundopa madzimambo nedzinyika. Mutsamba dzacho makanga makanyorwa kuti,
16“Ndini Rusiusi mutongi wavaRoma
ndiri kukunyorerai imi mambo Toremi ndichikukwazisai.
17Takashanyirwa nenhumwa dzavaJudha seshamwari
navanhu vatinowirirana navo kuzomutsiridza
ushamwari hwakare hwedu nokuwirirana kwedu.
Vakatumwa nomupristi mukuru Simoni
navanhu vechiJudha.
18Vakauyawo nenhoo yendarama inoita mazana
matanhatu amakirogiramu kurema.
19“Saka isu takafunga kuti tinyorere
madzimambo nedzinyika kuti varege kuwana
chavanoita kwavari chingavakuvadze kana
kuita hondo navo kana namaguta avo kunyange
nenyika yavo kana kuita chirwirangwe
navanhu vanenge vachivarwisa.
20Isu takazviona chiri chinhu chakanaka
kugamuchira nhoo yavo.
21“Naizvozvo kana kuine mharadzi dzavanhu
dzakatizira kwamuri dzichibva kunyika
yavo dzidzorerei kuna Simoni mupristi mukuru
kuti adzirange maererano nomutemo wake.”
22Mutongi uya akanyorerawo zvimwechetezvo kuna mambo Dhemetiriusi naAtarusi naAriaratesi naArisakesi
23nokunyika dzose zvadzo
nokuna Samupisamesi nokuSipata
nokuDherosi nokuMindosi nokuSikioni nokuKaria
nokuSamosi nePamufiria nokuRisia
nokuHarikarinasusi nokuRhodhesi nokuFaserisi
nokuKosi nokuSidhe nokuAradhusi nokuGoritina
nokuNidhusi neSaipurasi nokuSairini.
24Vakatumirawo tsamba yakadaro kuna Simoni mupristi mukuru.
Kuchekana ukama kwaAndiokusi wechinomwe naSimoni25Mambo Andiokusi akakombazve guta reDhoru. Airamba achingoritumira zvikwata zvavarwi vake achigadzira muchina yehondo akadziviramo Tirifo akamutadzisa kubuda kana kupinda.
26Simoni akatumira Andiokusi zviuru zviviri zvavarume vakanyatsosarudzwa kundomurwira pamwechete nesirivha nendarama nezvombo zvakawanda zvokurwisa muhondo.
27Asi akaramba kugamuchira zvitsidzirano zvose zvaakambenge aita naSimoni akazviti zvapera, akabva achekana ukama navo.
28Akavatumira Atenobhiusi mumwe weshamwari dzake kundotaura naye achiti, “Wakaisa mumaoko ako Jopa neGaza nenhare yokuzvidzivirira nayo muhondo muJerusaremu, maguta enyika yangu.
29Wakaondonga nharaunda yawo, ukaparadza zvinhu zvizhinji munyika, uye wakatora nzvimbo dzakawanda munyika mangu uchidziita dzako.
30Saka zvino, dzosa maguta awakatora nemari yemitero yenzvimbo dzawakakurira dziri kunze kwemiganhu yeJudhia;
31kana waramba kuita izvozvo wochindipa matani esirivha gumi namanomwe, okutsiva izvozvo nokuparadza kwawakaita uye nemari yemitero yamaguta iwayo, wondipa mamwe matani esirivha gumi namanomwe. Ukarega kuita saizvozvo, tinouya kuzokurwisa.”
32Saizvozvo Atenobhiusi shamwari yamambo yakasvika kuJerusaremu. Paakaona mukurumbira waSimoni nemaichengeterwa midziyo yomumba muine ndiro dzendarama nedzesirivha nokudhuma kwembiri youkuru hwake, zvakamushayisa romuromo. Akazovarondedzerawo zvake zvakarehwa namambo,
33asi Simoni akamupindura achiti,
“Hatina nyika yomunhu yatakapamba isu
kana kupamba zvinhu zvavamwe, asi kutoti
takatora nhaka yamadzibaba edu
yakambenge yatorwa navavengi vedu
zvisiri pamurao.
34Zvino isu zvatava nomukana
wacho takatobatisisa kwazvo
nhaka yamadzibaba edu.
35Kana zviri zveguta reJopa nereGaza
amunoti mudzoserwe,
akanga achikonzera umharadzi
hwakanyanya kwazvo pakati
pavanhu nomunyika medu,
tichaabvisira matani matatu ane
makirogiramu mazana
mana emari yesirivha.”
Atenobhiusi haana kana kumbomupindura chinhu,
36asi akadzokera kuna mambo akapaka kutsamwa akasvikomupira nyaya idzodzi idzi uye nomukurumbira waSimoni nezvose zvaakanga aona. Izvi zvakashatirisa mambo zvikuru kwazvo.
Kudenha vaJudha kwaKendebheusi37Zvino Tirifo akapinda mungarava akapunyuka akatizira kuOritosia.
38Mambo ndopaakaita kuti Kendebheusi ave mutungamiriri wehondo mukuru wenyika yokumahombekombe kwegungwa akamupa hondo yavarwi vetsoka navarwi vamabhiza.
39Akamuti andodzika musasa wamatendhe arwise Judhia akamuudza kuti andovaka guta reKedhironi avakirire misuo mikuru yaro nokundoita hondo navanhu ivavo, asi mambo akaronda Tirifo.
40Saizvozvowo Kendebheusi akaenda kuJaminia akatangisa kudenha vanhu, akapinda muJudhia achisunga vanhu achivauraya.
41Akavaka guta reKedhironi akaisamo varwi vemabhiza nezvikwata zvavarwi kuitira kuti vapote vachibuda kundopamba mumigwagwa mikuru yeJudhia sokureva kwazvakanga zvaitwa namambo.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.