1 Vanamakabhi 15 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Andiokusi wechinomwe naTirifo

1Andiokusi mwanakomana wamambo Dhemetiriusi akatumira tsamba ichibva kuchitsuwa chokugungwa achinyorera Simoni mupristi nomutongi wavaJudha nokunyika iyoyi yose

2yaiva neshoko rakamira rakadai raiti,

“Ndini mambo Andiokusi ndinonyorera kuna

VaSimoni mupristi mukuru nomutongi nokunyika

yevaJudha ndichikukwazisai.

3Sezvamunongozivawo kuti kune dzimwe

mharadzi dzavanhu dzakapamba nyika

youmambo hwamadzibaba edu,

zvino ini ndafunga kundoreva umambo ihwohwu kuti

ndihudzosere pahwaimbova kare.

Izvozvi ndakatopinza basa

hondo chaiyo yezvikwata zvavarwi vaye

vanoita zvokurwira mari ndikaitawo kuti

ngarava dzehondo dzive nezvombo zvokurwisa nazvo;

4uye ndafunga kuti ndindosvika nengarava

kunyika iyoyo ndigovarwisa vanhu vacho ivavo

vakaparadza nyika yedu navakaparadza

maguta mazhinji muumambo hwangu.

5“Saka zvino ndinotsigirana nezvakatemwa

namadzimambo akanditangira zvokukubvumirai kuti

murege kutereswa mitero nokuregeswa kubvisiswa

mimwe miripo yose yavakakuregesai.

6Ndinokupai mvumo yokuzvidhindhira mari youtare

yokushandisa munyika menyu,

7Uye ndinopawo rusununguko kuJerusaremu

neNzvimbo Inoera.

Zvombo zvose zvokurwisa zvamakagadzira

nenhare dzokuzvidzivirira nadzo muhondo

dzamunadzo iye zvino dzinoramba

dziri dzenyu.

8Chikwereti chipi nechipi zvacho

chamunacho chokwamambo kana zvimwe

zvikwereti zvakaita saizvozvi zvamuchava nazvo

zvichapfudzwa kubvira zvino nokusingaperi.

9Tikange tahutora humambo hwedu,

tichazokuremekedzai zvikuru kwazvo

neverudzi rwenyu neTemberi kuitira kuti mbiri

yenyu idhumhe pasi pose.”

10Mugore rezana namakumi manomwe nerechina, Andiokusi akaenda akasvikopinda munyika yemadzibaba ake. Zvikwata zvavarwi zvose zvakakotonekera kwaari zvokuti Tirifo akasara aina vashomashoma,

11Andiokusi akamuronda. Iye Tirifo mukutiza kwaaiita akandosvika kuDhoru guta riri pedyo negungwa

12nokuti akazviziva kuti nhamo dzamumomotera uye kuti varwi vake vakanga akamusiya.

13Andiokusi ndokubva andodzika musasa wamatendhe atarisana neDhoru. Izvozvo aiva nezana namakumi maviri ezviuru zvavarwi vetsoka nezviuru zvisere zvavarwi vamabhiza.

14Akakomba guta iroro, ngaravawo ndokuuya nokugungwa. Akaisa guta iroro pakamanimani kwose kugungwa nokunyika. Hapana waaibvumira kubuda kana kupindamo.

Kukudza Simoni kwakaitwa navaRoma

15Numeniusi navamwe vake vakasvika vachibva kuRoma vaine tsamba dzokundopa madzimambo nedzinyika. Mutsamba dzacho makanga makanyorwa kuti,

16“Ndini Rusiusi mutongi wavaRoma

ndiri kukunyorerai imi mambo Toremi ndichikukwazisai.

17Takashanyirwa nenhumwa dzavaJudha seshamwari

navanhu vatinowirirana navo kuzomutsiridza

ushamwari hwakare hwedu nokuwirirana kwedu.

Vakatumwa nomupristi mukuru Simoni

navanhu vechiJudha.

18Vakauyawo nenhoo yendarama inoita mazana

matanhatu amakirogiramu kurema.

19“Saka isu takafunga kuti tinyorere

madzimambo nedzinyika kuti varege kuwana

chavanoita kwavari chingavakuvadze kana

kuita hondo navo kana namaguta avo kunyange

nenyika yavo kana kuita chirwirangwe

navanhu vanenge vachivarwisa.

20Isu takazviona chiri chinhu chakanaka

kugamuchira nhoo yavo.

21“Naizvozvo kana kuine mharadzi dzavanhu

dzakatizira kwamuri dzichibva kunyika

yavo dzidzorerei kuna Simoni mupristi mukuru

kuti adzirange maererano nomutemo wake.”

22Mutongi uya akanyorerawo zvimwechetezvo kuna mambo Dhemetiriusi naAtarusi naAriaratesi naArisakesi

23nokunyika dzose zvadzo

nokuna Samupisamesi nokuSipata

nokuDherosi nokuMindosi nokuSikioni nokuKaria

nokuSamosi nePamufiria nokuRisia

nokuHarikarinasusi nokuRhodhesi nokuFaserisi

nokuKosi nokuSidhe nokuAradhusi nokuGoritina

nokuNidhusi neSaipurasi nokuSairini.

24Vakatumirawo tsamba yakadaro kuna Simoni mupristi mukuru.

Kuchekana ukama kwaAndiokusi wechinomwe naSimoni

25Mambo Andiokusi akakombazve guta reDhoru. Airamba achingoritumira zvikwata zvavarwi vake achigadzira muchina yehondo akadziviramo Tirifo akamutadzisa kubuda kana kupinda.

26Simoni akatumira Andiokusi zviuru zviviri zvavarume vakanyatsosarudzwa kundomurwira pamwechete nesirivha nendarama nezvombo zvakawanda zvokurwisa muhondo.

27Asi akaramba kugamuchira zvitsidzirano zvose zvaakambenge aita naSimoni akazviti zvapera, akabva achekana ukama navo.

28Akavatumira Atenobhiusi mumwe weshamwari dzake kundotaura naye achiti, “Wakaisa mumaoko ako Jopa neGaza nenhare yokuzvidzivirira nayo muhondo muJerusaremu, maguta enyika yangu.

29Wakaondonga nharaunda yawo, ukaparadza zvinhu zvizhinji munyika, uye wakatora nzvimbo dzakawanda munyika mangu uchidziita dzako.

30Saka zvino, dzosa maguta awakatora nemari yemitero yenzvimbo dzawakakurira dziri kunze kwemiganhu yeJudhia;

31kana waramba kuita izvozvo wochindipa matani esirivha gumi namanomwe, okutsiva izvozvo nokuparadza kwawakaita uye nemari yemitero yamaguta iwayo, wondipa mamwe matani esirivha gumi namanomwe. Ukarega kuita saizvozvo, tinouya kuzokurwisa.”

32Saizvozvo Atenobhiusi shamwari yamambo yakasvika kuJerusaremu. Paakaona mukurumbira waSimoni nemaichengeterwa midziyo yomumba muine ndiro dzendarama nedzesirivha nokudhuma kwembiri youkuru hwake, zvakamushayisa romuromo. Akazovarondedzerawo zvake zvakarehwa namambo,

33asi Simoni akamupindura achiti,

“Hatina nyika yomunhu yatakapamba isu

kana kupamba zvinhu zvavamwe, asi kutoti

takatora nhaka yamadzibaba edu

yakambenge yatorwa navavengi vedu

zvisiri pamurao.

34Zvino isu zvatava nomukana

wacho takatobatisisa kwazvo

nhaka yamadzibaba edu.

35Kana zviri zveguta reJopa nereGaza

amunoti mudzoserwe,

akanga achikonzera umharadzi

hwakanyanya kwazvo pakati

pavanhu nomunyika medu,

tichaabvisira matani matatu ane

makirogiramu mazana

mana emari yesirivha.”

Atenobhiusi haana kana kumbomupindura chinhu,

36asi akadzokera kuna mambo akapaka kutsamwa akasvikomupira nyaya idzodzi idzi uye nomukurumbira waSimoni nezvose zvaakanga aona. Izvi zvakashatirisa mambo zvikuru kwazvo.

Kudenha vaJudha kwaKendebheusi

37Zvino Tirifo akapinda mungarava akapunyuka akatizira kuOritosia.

38Mambo ndopaakaita kuti Kendebheusi ave mutungamiriri wehondo mukuru wenyika yokumahombekombe kwegungwa akamupa hondo yavarwi vetsoka navarwi vamabhiza.

39Akamuti andodzika musasa wamatendhe arwise Judhia akamuudza kuti andovaka guta reKedhironi avakirire misuo mikuru yaro nokundoita hondo navanhu ivavo, asi mambo akaronda Tirifo.

40Saizvozvowo Kendebheusi akaenda kuJaminia akatangisa kudenha vanhu, akapinda muJudhia achisunga vanhu achivauraya.

41Akavaka guta reKedhironi akaisamo varwi vemabhiza nezvikwata zvavarwi kuitira kuti vapote vachibuda kundopamba mumigwagwa mikuru yeJudhia sokureva kwazvakanga zvaitwa namambo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help