Kuungudza 4 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

KUUNGUDZA KWECHINAMushure mokukurirwa kweJerusaremu

1Kubhuruvara here ikoko

kwaita ndarama yedu!

Ungati kusanduka here ikoko

kwaita ndarama yakanakisisa.

Matombo enzvimbo inoera achiti zvawo katakata

pamakona emigwagwa yose.

2Tarisai muone vanakomana veJerusaremu

vaimbova nouremo hwavo sendarama

yakanakisisa,

zvino kuita sehari dzevhu zvadzo

dzakaumbwa namaoko omuumbi!

3Kunyange makava chaiwo anopa

achiyamwisa vana vawo

asi madzimai emuvanhu vangu

vave noutsinye,

vaita seshiri yemhou murenje.

4Rurimi rwamanyana rwavakutonamatira kumusoro

mukanwa pamusana penyota,

twana twunokumbira chokudya

asi hapana anotwupa.

5Vaye vaidyiririra twunonaka

vari kupararira mumigwagwa.

Vaya vakarerwa muupfumi

vava kutorara pamaturunhuru zvapo.

6Chirango cheguta revanhu vangu

chikuru kupinda chirango cheSodhomu

rakaparadzwa nekanguva kadikidiki

pasina maoko akashandiswa pariri.

7Machinda aro akanga akachena

kupinda mazaya echando;

akachena kupinda mukaka.

Miviri yavo yakanga yatsvukira kupinda mabwe ekorari;

runako rwechimiro chavo

rwakanga rwakaita sesafaya.

8Asi zvino zviso zvavo

zvakasviba kupinda tsito.

Hapana aigona kuvaziva mumugwagwa,

ganda ravo rakaunyana rikaomorerana namapfupa avo

rikaoma somuti.

9Vakauraiwa namapakatwa vaiva nani

pane vokufa nenzara

vakaondoroka nokushaya michero yeminda.

10Maoko amadzimai etsitsi

akabika vana vavo pachavo

vakave chokudya chavo

pakaparadzwa guta revanhu vangu.

11Tenzi akanyatsoviruka chaizvo nehasha dzake

akanyatsoratidza hasha dzake dzinotyisa

akabakisa moto muZioni

ukapisa ugaro hwaro.

12Madzimambo apasi pano havana kutenda,

kunyange vagari vepasi pose havana kutenda

kuti mhandu kana kuti muvengi

angapinde mumisuo mikuru yeJerusaremu.

13Izvi zvakaitika pamusana pezvitadzo

zvavaporofita varo nouipi hwavapristi varo

vaideura ropa ravakarurama mukati maro.

14Vakadzengerera neguta

samapofu mumigwagwa

vakanga vakazorwa-zorwa ropa

zvokuti hapana aida kuvabata hanzu.

15Vanhu vaidaidzira vachiti,

“Ibvai makan'ora

ibvai ibvai musavabate.”

Naizvozvo vakave vatizi navadzungairi.

Ndizvo zvaitaurwa nevechirudzi.

Zvokuti vagare nesu hapachisina.

16Tenzi pachake akavamwararisa

akarega kuita hanya navo;

akarega kuremekedza vapristi;

kana kupa rukudzo kuvakuru-vakuru.

17Takanga tichitsvokorera maziso

tichitarisira rubatsiro,

takatarisa tatarisazve

kunyika isingakwanise kununura.

18Vanhu vakatiteeredza kwataienda

zvokuti hataikwanisa kufamba mumigwagwa yedu.

Kuguma kwedu kwakanga kwaswedera.

Mazuva edu akanga apera,

mugumo wedu wakanga wasvika.

19Vaitironda vaimhanya

kupinda magora omudenga umu.

Vakadzingirirana nesu mumakomo

vakatigaririra murenje.

20Iye upenyu hwedu, muzodzwa waTenzi

akatorwa mumakomba avo imomo

iye wataiti isu,

mumumvuri make ndimo matichagara

tiri mukati mevechirudzi.

21Pembera ufare zvako iwe guta reEdhomu

iwe mugari wenyika yokwaUzi.

Nyange kwauri iyewe

mukombe wenhamo uchakuvingawo,

uchararadza ugopfekenura

kusara wave musvo.

22Chirango chako iwe guta reZioni chakwana,

haachazokuendesazve kuutapwa

asi uipi hwako iwe guta reEdhomu

uchahurangirwa,

zvitadzo zvako achazviburitsa pachena.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help