1Mucharamba muchingondikanganwa
kusvikira riniko, nhai TENZI?
Muchandivanza chiso chenyu kusvikira riniko?
2Ko ndichatenderedzwa musoro kusvikira riniko
ndichirwadziwa mwoyo zuva rose kudai?
Vavengi vangu vachandikurira kusvikira riniko?
3Nditarisei TENZI Mwari wangu
mundipindure.
Ndibengenutsei ndirege kukotsira hope dzorufu.
4Muvengi wangu angadaro akazoti ndakamukurira,
mhandu dzangu dzikazofarira kuti ndakazunzika.
5Asi ini ndinovimba nemwoyochena wenyu;
mwoyo wangu unofarira ruponeso rwenyu.
6Ndichaimbira TENZI nokuti
akandiitira zvakanaka.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.