2 Vanamakabhi 13 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Hondo yaAndiokusi Yupeta aina Risiyasi nefiro yaMenerausi

1Mugore rezana namakumi mana nechipfumbamwe, kwakasvika shoko kuna Judhasi navarwi vake rokuti Andiokusi Yupeta ari kuuya nehondo huru kuzorwisa Judhia

2akanga aina Risiyasi mureri wake uya akanga akabata hurumende iyoyo mumaoko make. Pauviri hwavo, mumwe nomumwe aiva nehondo yavaGiriki yakanga ina varwi vetsoka zvuru zana rine gumi, navarwi vamabhiza vaiita zviuru zvishanu zvina mazana matatu, nenzou makumi maviri nembiri uye zana rengoro dzehondo dzakanga dzakagadzirwa dzina mazijeko mahombe.

3Menerausi akabatana navo akakurudzira Andiokusi nounyengedzi chaihwo asingaitiri kuti abatsire nyika yake, asi kuti chaaida chaicho kuti nzvimbo yake youkuru yaaiva nayo arambe ainayo.

4Asi Mambo wamadzimambo akaita kuti Andiokusi ashatirirwe matatapure. Risiyasi paakataurira mambo kuti iyeyu ndiye honzeri yamatambudziko ose aya, akavati vamutore vaende naye kuBherea vandomuuraya nomuurayiro wetsika yeko.

5Chiripo ndechokuti, kunzvimbo ikoko kune nharire iriko inoita mamita makumi maviri namashanu kureba yakazara nedota, iine mukombero kuitenderera yose wakanyatsotenukira mukati kurota kwacho.

6Munhu wose anenge aine mhosva yokushonha Mwari kana kuti anenge aine mbiri yedzimwe mhaka dzaakapara, vose ndopavaimusairira ari ipapo kuti pake pamuperere.

7Ndiyo firo yaMenereusi mutatapure uya wokusambovigwawo muvhu.

8Izvi ndizvo chaizvo zvakanga zviri pamwero nokuti akanga apara zvitadzo zvakawanda achitadzira atari yaiva nomoto nedota rinoera. Mudota ndomaakafirawo.

VaJudha vakakumbira rubatsiro rwaMwari vakakurira Andiokusi Yupeta

9Mambo Andiokusi Yupeta akanga achiuya ane mwoyo wokuzvikudza wougandanga kuzoonesa vaJudha ndondo yakanyanyisisa kwazvo inodarika yavakambooneswa munguva yababa vake.

10Asi izvi pazvakasvika munzeve dzaJudhasi akaudza vanhu kuti vacheme kuna Tenzi siku nesikati panguva iyoyi kana kuri kuti pawanikwe chinobatsirazve vanhu vakanga vava mupfumvu yokurambidzwa kuchengeta mutemo uye kuti varasikirwe nomutemo nenyika yavo neTemberi inoera

11uyewo kuti vanhu vakanga vachangotangazve kumutsurudzwa serudzi varege kuwira mumaoko mavanhu vechirudzi vanoshonha Mwari.

12Pavakanga vanhu vose vabatana nechikumbiro chimwechete uye vateterera kuna Mwari wetsitsi nemisodzi padama vachitsanya vachigwadama pasi. Vakaita izvozvi kwamazuva matatu pasina zvokumbozorora, Judhasi achivakurudzira kwazvo kuti vasunge dzisimbe.

13Mushure mokumbobvunza–bvunza mazano muchivande kuvakuru vakuru, akafunga zvokuti arege kunge achamirira kuti hondo yamambo idzamare yapinda zvayo muJudhia ikurire kuguta iri iriite rake asi kutobuda oendako achingoti chauya chauya achizvisiyira kuna Mwari kuti achamubatsira sei.

14Saizvozvo zvaakanga afunga izvi akazviisa mumaoko oMusiki wedenga napasi. Akakurudzira varwi vake kuti varwise savanhu, vafire zvavo mutemo neTemberi neguta nenyika nokuzvitonga kwenyika yavo. Akabva andodzika musasa wematendhe padyo neguta reModheini.

15Akaudza varwi vake mazwi okuvakuza okuti, “Kukurira ndokwaMwari.” Akaenda navarwi vake majaya akasarudzwa aiva nechivindi chakanyanyisa kwazvo, akandorwisa musasa waiye mambo pachake nousiku. Akauraya varwi vainge vakawanda zvokutosvika zviuru zviviri mumusasa wematendhe imomo. Akabaya nzou yaiva nhungamiri yacho pamwechete nomutasvi wayo.

16Pakupedzesera pazvo vakazadza musasa iwoyu nokutya mukava nenyonyonga, vakabvamo vakurira.

17Izvozvo zvakaitika kunze kwava kutoedza nokuti Tenzi akanga achivayamura achivadzivirira.

Kutsidzirana kwaAndiokusi Yupeta navaJudha

18Mambo uyu paakazvionera nameso ake kushinga kwavaJudha kwakadai akaedza kuvarongera mazano okuvarwisa munzvimbo dzavo mavaiva.

19Akaenda kundorwisa Bhetizuru guta ravaJudha retsvingo rakasimba asi akapishinutswa akarwiswazve akakurirwa.

20Judhasi akatumira kuchikwata chavarwi ichocho chose chainge chichidiwako.

21Asi mumwe murume ainzi Rhodhokusi mumwe wavarwi vechiJudha akanyevera muvengi. Akatsvagwa akabatwa akaiswa mujeri.

22Mambo akakurukura rwechipiri navanhu muBhetizuru akatsidza kwavari akagamuchirawo zvitsidzo zvavo akadzokera, akandorwisa Judhasi navarwi vake, mambo ndokukurirwa.

23Mambo akazonzwa shoko rokuti Firipi uya akanga ambosiyiwa akabata hurumende akanga apanduka kuAndioku. Zvakamupazanisa musoro akadaidza vaJudha kuti vauye, akabvuma kukundwa akatsidza nemhiko kuti achachengeta zvose zvaidiwa navaJudha. Akanzwanana navo akapira chibayiro, akaremekedza Nzvimbo Inoera akapawo zvipo zvakawanda kuNzvimbo Inoera.

24Mambo akagamuchira Makabheusi, akasiya aisa Hegemonidhesi kuti ave gavhuna wedunhu rinobvira kuToremaisi kusvikira Gerari

25iye ndokuenda kuToremaisi. Vanhu vokuToremaisi vakagumbuka nechibvumirano ichocho. Zvakatoitika chaizvo ndezvokuti vakashatirwa zvokuti vakanga voda kuti zvakabvumiranwa kuitwa zvacho zviparare.

26Risiyasi akamira pamwe pokuti ataure ari pakakwirira akachipipirira napose paaigona napo. Vanhu vakagutswa nezvaakataura akavanyaradza akaita kuti vave nemwoyo wakanaka kwaari. Akasimuka oenda kuAndioku. Izvi ndizvo zvakazoitika panyaya dzokurwisa kwakaita mambo nokuzodzokera kwake.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help