Jeremiya 5 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Chitadzo cheguta reJerusaremu

1Bvongodzai nomumigwagwa yeJerusaremu

mutarise muongorore.

Tsvakurudzai mumisika yaro muone,

kana mukawana mumwechete zvake

anoita zvine ruenzaniso uye ari pachokwadi,

ndiriregerere guta irori.

2Kunyange zvazvo vachiti,

“NaTenzi chaiye mupenyu,”

izvozvo vanenge vachipika zvenhema.

3Nhai Tenzi, handiti meso enyu

anotsvaga chokwadi here?

Kuvarova makavarova zvenyu asi hazvina kuvarwadza.

Makavakuya, imi, asi vakaramba kudzorwa.

Vakatoomesa musoro kutopinda dombo,

vakaramba kutendeuka.

4Ini ndokuti,

“Ava vanhu varombo zvavo chete

havanzwisisi

nokuti nzira yaTenzi havaizivi, iwo mutemo waMwari wavo.

5Ndichaenda kuvakuru vakuru vacho

ndigotaura navo nokuti vanoziva nzira yaTenzi,

iwo mutemo waMwari wavo.

Asi vose zvavo vakaita zvimwechetezvo

vakatyorawo joko racho vakadambura zvitorobho.

6“Naizvozvo shumba

ichabva mudondo ivauraye,

mhumi yokugwenga ichavaparadza;

mbada iri kuhwandira mumaguta avo.

Ani naani anongobudamo achabvamburwa-bvamburwa.

Nokuti kukanganisa kwavo kwawanda;

umhandupandu hwavo hwanyanya.

7“Ndingagokuregererai seiko?

Vana venyu vakandifuratira

vakatopika zvavo navasiri vamwari.

“Pandaivapa chokudya vachiguta

ivo ndopavakaita upombwe

vachiunganidzana kudzimba dzepfambi.

8Vakanga vava mikono yamabhiza

yakakodzwa yava kuda makadzi,

rimwe nerimwe rohwihwidzira

mukadzi werimwe raro.

9Ndingarege here kuvarangira zvinhu izvozvi?

Ndozviri kutaura Tenzi.

Ndingarege here kutsividza

rudzi rwakaita sairworu?

10“Pindai nomumitsara

yemigirepisi yake muchiparadza,

asi musabva maparadza zvachose.

Mukwazhurei mapazi ake

nokuti haasi mapazi aTenzi.

11Ndinodaro nokuti

vemba yokwaIsiraeri nevemba yokwaJudha,

vakanga vari vanhu vasina

kunyatsotendeseka kwandiri.

Ndizvo zviri kutaura Tenzi.”

Tenzi anoramba vokwaIsiraeri

12Vanoreva nhema nezvaTenzi

vachiti, “Hapana chaanoita uyu.

Hapana nhamo ichatiwira.

Hondo yemapakatwa, hatisi kuzomboiona isu,

kana zveshangwa yenzara.”

13Vaporofita vangova mhepo zvayo

mavari hamuna shoko racho.

Saka izvozvo ndozvichaitwa kwavari!

14Naizvozvo zvanzi naTenzi

Mwari wehondo nehondo,

“Chinzwa, pamusana pomuromo

wavanotaura iwoyo,

ndichaita kuti mazwi angu anobva mumuromo mako

ave moto, vanhu ivava vanenge vari ivo huni dzacho;

moto iwoyo uchavaroromesa.”

15Chinzwai, imi vemba yaIsiraeri

ndiri kukuunzirai rudzi rwavanhu,

vanobva kure, kure ndizvo zviri kutaura Tenzi.

Rudzi rwacho rudzi rwapasichigare

rudzi rwaivapo kubvira chingo nechingo,

rudzi runo mutauro wamusingazivi

vamusingagoni kunzwisisa kutaura kwavo.

16Mukutu wavo unenge guva rakashama,

vose zvavo magamba okurwa chaiwo.

17Vachadya goho renyu nechokudya chenyu

Vachaparadza vanakomana venyu navanasikana venyu.

Vachadya matanga emombe dzenyu

neezvimwe zvipfuwo zvenyu.

Vachadya magirepisi enyu uye maonde enyu.

Maguta enyu etsvingo amunovimba nawo

vachaaparadza nehondo yebakatwa.

18Asi zvanzi naTenzi, “Kunyange mumazuva iwayo handisi kuzobva ndakutsakatisai.

19Vanhu vokwako ava kana vokubvunza vachiti, ‘Tenzi, Mwari wedu akaitireiko zvinhu izvi kwatiri?’ Iwe vataurire kuti, ‘Sokundifuratira kwamakaita muchindonamata vaMwari vasiriivo munyika menyu, saizvozvowo muchandonamatawo vamwari vasirivo kunyika isiri yenyu.’ ”

Mwari anoyambira vanhu vake

20“Paridzai izvozvi kune vemba yokwaJakobho;

zivisai izvozvi mune vemba yaJudha.

21Chinzwai izvi mazungairwa avanhu,

vanhu vasina pfungwa,

vana maziso, asi havaoni,

vane nzeve, asi kunzwa vasinganzwi.

22“Tenzi anoti, hamundityi here,

uye hamundidederi here?

Ini ndakaisa jecha samahombekombe egungwa.

Muganhu wokugara wakadaro

warisingagoni kudimura.

Kunyange mafungu akausunda haanga usudurudze

kunyange zvazvo akatinhira haakwanisi kuudarika.

23Asi vanhu ivava

itsvuuramuromo dzavanhu

vane mwoyo woumhandupandu

vakatsauka vakateterekera kure.

24Mumwoyo mavo havambozvitiwo,

ngatityei Tenzi, Mwari wedu,

anonayisa mvura mumwaka wayo;

nemvura yobumharutsva neyomunhuruka,

nokutipa masvondo

akatemerwa nguva yokukohwa.

25Uipi hwenyu ndohurikuzvitandira kure,

zvitadzo zvenyu ndizvo zviri

kukutadzisai kuwana zvakanaka

26nokuti pakati pevanhu vangu

pane vamwe vanhu vakaipa.

Vanohwandira savateyi veshiri vakagaririra.

Vanoteya chokuteyesa vachibata vanhu.

27Setswanda yokuteyesa shiri yazara nadzo,

dzimba dzavo dzakati pamu pamu kuzara

nezvinhu zvoujarijari.

Saizvozvo vava mbombo chaidzo dzakapfuma,

28vakakora, vakaita miviri unoyevedza.

Kuita kwavo kwouipi

hakuna muganho,

havatonge zvine ruenzaniso;

mhaka dzenherera kuti dzibudirire.

Havambomiririra varombo

pazvinhu zvinofanira kuve zvavo.

29“Tenzi ari kuti

ndingarege here kuvarangira zvinhu izvozvi?

Ndingarege here kutsividza

rudzi rwevanhu vakadai urwu?

30Kwaitika chinhu chinodumbirisa

chinhu chakaipisisa kwazvo munyika ino

31chokuti: vaporofita vari kuporofita zvenhema

vapristiwo vachitonga

vachingoita kuti zvivanakire.

Vanhu vangu ndozvavari kutodawo

zvakadaro izvozvo, asi muchaita sei

kana kuguma kwazvosvika?”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help