Bharuku 6 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

TSAMBA YAJEREMIYA

1Iyi ndiyo tsamba yakatumirwa

naJeremiya kuvanhu vakanga vaendwa

navo namambo weBhabhironi

kuBhabhironi senhapwa.

Tsamba iyoyi yaiva

yokuvapa shoko raakanga atumwa naro naMwari.

2Pamusana pezvitadzo zvamakapara pamberi paMwari, muchatorwa naNebhukadhineza mambo weBhabhironi moendwa nemi kuBhabhironi senhapwa.

3Saizvozvo kana masvika kuBhabhironi muchagarako kwamakore mazhinji. Muchagarako kwenguva refu, inosvika kuzvizvarwa zvinomwe. Mushure macho ndichakubvisai ikoko norugare murunyararo.

4Zvino muBhabhironi muchandoona vamwari vakaitwa nesirivha nendarama nemiti, vanoitwa zvokutakurwa navanhu pamafudzi uye vanoita kuti vahedheni vabatwe nokutya.

5Naizvozvo musambove zvenyu sevechirudzi ivavo kana kuzvipinza mukutya vamwari ivavo kana moona gurusvusvu ravanhu mberi kwavo neshure kwavo vachivanamata.

6Itii nechomumwoyo, “Imi Tenzi, ndimi vatinofanira kunamata.”

7Chiripo ndechokuti, mutumwa wangu anemi. Anenge achichengetedza upenyu hwenyu.

8Vamwari vacho rurimi rwavo rwakakwenenzverwa nemhizha. Uye vanenge vanamirirwa nendarama nesirivha. Asi ndevenhema uye havakwanisi kutaura.

9Vanhu vanotora ndarama voitira vamwari vavo zviremba zvemisoro sezvavangaitire musikana anoda zvishongo.

10Dzimwe nguva vapristi vacho vanototorera vamwari vavo ndarama nesirivha muchivande vachiishandisa mune zvavanoda ivo pachavo.

11Vanotopawo zvavo imwe yacho kupfambi dzomutemberi. Vanopfekedza zvakanakisisa vamwari vavo nehanzu sokunge vanhu. Ivava vamwari vesirivha nendarama nemiti,

12vasingakwanisi kuzvidzivirira ngura nokuora kunyange vakazvipfekedza namagemenzi eruvara rwehute kudaro.

13Uso hwavo hunotopukutwa pamusana pehuruva inobva mutemberi inenge yatoita murwi pavari.

14Vamwari vacho vanobatiswa tsvimbo sezvinongoita mumwe wavatongi vomo asi ivo vasingakwanisi kuparadza munhu anenge achivatadzira.

15Mwari wacho anenge ane banga muruoko rwerudyi uye aine demo asi asingagoni kuzvidzivirira kuhondo kana kumakororo.

16Naizvozvo zviri pachena kuti hazvisiri Mwari. Nezvo regai kuzvitya.

17Sezvakangoita ndiro kana yaputsika inenge isisina basa ndizvozvowo navamwari vavo kana vamiswa mutemberi. Maziso avo akazara huruva inombumurwa navanopindamo.

18Sezvinongoitwawo kuti misuo mikuru inozarirwa kumativi ose achizarira munhu anenge atadzira mambo sokunge munhu atongerwa rufu ndizvo zvinoita vapristi vacho temberi dzavo vachinyatsozarira namakonhi nekiyi nezvihuri kuitira kuti dzirege kupambwa namakororo.

19Vanotungidza mwenje yakawanda kupinda yavanozvitungidzira ivo pachavo kunyange vamwari vavo vasingagoni kuona kana mwenje mumwechete zvawo.

20Zvakangoita sebango redenga retemberi rinonzi rakamunywa nomuchenje mukati maro sokutaura kwavo nomuchenje unenge wabuda pasi wovadya pamwechete nehanzu dzavo asi ivo havambozvinzwi.

21Ihwo uso hwazvo hwakasvibiswa noutsi hwomutemberi.

22Miremwaremwa notunyenganyenga neshiri dzinomhara pamuviri yazvo napamusoro yazvo ndozvinoitawo katsi.

23Naizvozvi munobva maziva kuti hazvisiri Mwari. Nezvo regai kuzvitya.

24Kunyange ndarama yavakapfeka yokuvashongedza nayo haigone kupenya kusara kokuti pawana munhu anopukuta ngura yacho. Kunyange pazvaiumbwa hazvaimbozvinzwa kuti tiri kuumbwa.

25Zvinotengwa nomutengo upi noupi zvawo. Asi hazvina mweya unofema.

26Pamusana pokuti hazvina makumbo zvinotoita zvokutakurwa pamafudzi navanhu. Izvozvo zvichiratidza kuvanhu kusava namaturo kwazvo.

27Kunyange vanozvinamata vanonyara nazvo kana mumwe mwari wavo akudubukira pasi. Anotofanira kumutswa. Kana munhu akamisa chimwe chazvo kuti twi hachigoni kufamba choga. Kana chikarereka hachigone kuzozvitwasudza. Kupa zvipo kwazviri kwakafanana nokupa kuna vakafa.

28Vapristi vanotengesa zvibayiro zvinopirwa kuna vamwari ivavo vachishandisa mari yacho saizvozvo, vadzimai vavo vanoomesa zvimwe zvibayiro zvacho nomunyu asi vasingambopa kuvarombo kana vanhu vasina chavanogona kuita chokuzvibatsira nacho.

29Zvibayiro zvinopirwa kwazviri zvinobatwa zvazvo navakadzi vari kutevera kana navazvere. Sezvo muchiziva pamusana paizvozvi zvose kuti hazvisi vamwari regai kuzvitya.

30Chazvinotumidzirwa kunzi vamwari chii ipapa kana vamwari vacho vesirivha nendarama nemiti uye kana vachitopirwa mipiro navanhukadzi.

31Mutemberi dzavo vapristi vavo vanogara pasi nehanzu dzakabvarurwa, nemisoro nendebvu zvakaveurwa, misoro iri pachena.

32Vanobova vachizhamba mberi kwavamwari vavo savari parufu rwomunhu akafa.

33Vapristi vanotora dzimwe hanzu dzavamwari vavo vachipfekedza madzimai avo navana vavo.

34Kunyange munhu akazviitira zvakaipa kana zvakanaka izvo hazvikwanisi kudzorerawo nezvakanaka kana nezvakaipa. Hazvigoni kugadza munhu umambo kana kumubvisa paumambo.

35Ndozvimwechetezvowo kuti hazvikwanisi kupa mari kana upfumi. Munhu akapika mhiko kwazviri akarega kuzoichengeta hazvigoni kumuripisa.

36Hazvikwanisi kuponesa munhu kurufu kana kununura munhu kune ane simba.

37Hazvigoni kuti bofu rionezve uye hazvigoni kununura munhu ari munhamo.

38Hazvikwanisi kunzwira ngoni chirikadzi kana kuitira nherera zvakanaka.

39Zvinhu izvi zvakaitwa zvazvo nomuti zvikazonamirirwa nendarama nesirivha zvakaita semabwe anobva mugomo, vanozvishandira vachanyadziswa nazvo.

40Zvino munhu angafungirei chaizvo kuti ndavanamwari ivava kana kuvati vamwari. Kunyange ivo vaKaridhea vanozvishora,

41nokuti vanoti vakaona munhu asingagoni kutaura vanouya naye vozonamata kuna Bhero kuti munhu iyeyo ataure sokunge Bhero anokwanisa kuzvinzwa.

42Vanhu ivava havazvioni, dai vaizviona vaisiyana nezvifananidzo izvozvo. Kusazviona kwavo ndokushaya njere ikoko.

43Vakadziwo vanogara mutunzira vakashonga mikonde vachipisa magufu sorusenzi. Zvino kana mumwe wavo akatorwa nomumwe mupfuuri nenzira kundoita ufeve naye anozodzokako otsvinyira mumwe mukadzi wepedyo naye achiti, “Iwe hauna kunge uchitora varume mwoyo seni nokuti mukonde wako hauna kudamburwa.”

44Vamwari ivavo zvavanoitirwa zvose ndezvenhema. Zvino munhu angafungirei kuti izvozvi izvi ndavaMwari kana kuvati vamwari?

45Zvinogadzirwa navavezi uye navapfuri vesimbi. Hapana vamwari ivavo chavangave kusiya zvinenge zvichidiwa nemhizha idzodzo kuti zvive;

46vanhu vacho pachavo vakazvigadzira ivavo havambofa vakagara kwenguva refu. Zvino zvinhu zvinenge zvakagadzirwa navanhu ivava zvingave vamwari sei?

47Vanosiira vanovatevera nhema nechinyadziso.

48Chatinodariro ndechokuti hondo kana nyatwa ikauya vapristi vacho vanorangana kuti vachandovanda kupi ivo navamwari vavo.

49Zvino munhu angatadze kuona sei kuti izvi hazvisi vamwari nokuti hazvikwanisi kuzvinunura kuhondo kana kunyatwa.

50Pamusana pokuti zvakagadzirwa nomuti zvikazonamatidzwa ndarama nesirivha zvichazivikanwa mushure kuti zvinhu zvenhema.

51Zvichazobuda pachena kumarudzi ose namadzimambo ose kuti hazvisi vamwari asi kuti zvinhu zvakaitwa namaoko avanhu uye kuti hazvina kumboitwa naMwari.

52Ndiani zvino, angakundike kuziva kuti hazvisi vamwari?

53Chiripo ndechokuti hazvikwanisi kugadza mambo wenyika kana kunaisira vanhu mvura.

54Hazvigoni kuzvifambisira zvinhu zvazvo kana kununura anenge atadzirwa nokuti hazvina simba, zvakafanana namakunguwo ari pakati pedenga nenyika.

55Kana moto wakabaka mutemberi yavamwari vemiti vakanamirirwa ndarama nesirivha; vapristi vazvo vanotiza nokupunyuka asi vamwari vacho vanororoma kutsva samapango.

56Chimwezve ndechokuti hazvigoni kurwisa mumwe mambo kana mhandu. Pakadaro munhu angabvumirei kana kufunga kuti izvozvi ndavanamwari ivava?

57Vamwari ivava vemiti yakavezwa uye yakanamirwa nesirivha nendarama havagoni kuzviponesa kumbavha namakororo.

58Varume vakasimba vanogona zvavo kukwatura ndarama nesirivha uye kuzopfekenura hanzu dzavo dzavanopfeka vachidzipamba vachitoenda zvavo nadzo, asi vamwari vavo pasina chavanogona kuzviitirawo.

59Naizvozvo zviri nani kuva mambo anoratidza chivindi kana kuva mudziyo womumba unoshandira muridzi wawo pana vamwari venhando ava. Zvinotova nani kuve gonhi remba rinochengetedza zviri mumba pane vamwari ivavo venhando. Uyewo zviri nani kuve musimboti womuti womumuzinda pane vamwari ivavo venhando.

60Zuva nemwedzi nenyenyedzi zvinopenya, zvinotumwa kuti zviite basa razvo, uye zvinoteerera.

61Ndizvo zvimwechete nemheni inoonekwa painovaima, inoonekwa nokure kure uyewo mhepo inovhuvhuta munyika dzose.

62Kana Mwari paanotuma makore kuenda pasi pose makore anoita zvaanenge atumwa izvozvo.

63Kana moto watumwa kubva kumusoro kundoririmisa kupisa makomo nemasango unoita zvaunenge watumwa. Asi vamwari ivavo havangamboenzaniswa naizvozvi mukutarisika kwazvo kana musimba racho.

64Naizvozvo munhu ngaarege kufunga kuti zvinhu izvozvo ndavamwari kana kuvati vamwari nokuti havakwanisi kutonga nyaya kana kuitira vanhu chinhu chakanaka.

65Zvamunoziva kudai kuti havasiri vamwari musavatye.

66Chikonzero chacho ndechokuti vaMwari vacho havagoni kurengerera rushambwa kana kukomborera madzimambo.

67Havagoni kuita zviratidzo mudenga'mu kana pakati pamarudzi kana kupenyawo sezuva kana kupawo chiedza somwedzi.

68Mhuka dzesango dzinotova nani pana ivo nokuti mhuka dzinogona kutiza dzichindovanda kuzvichengetedza.

69Saizvozvo hapana kana chimwechete zvacho chinoratidza kuti zvinhu izvi ndavanamwari. Naizvozvo musazvitye.

70Sezvakangoita zvidhori zvokutyisidzira nazvo makunguwo mubindu ramagaka zvisina chazvinogaririra, ndozvakangoitawo vamwari vavo vemiti yakavezwa ikanamirirwa nendarama nesirivha.

71Ndozvimwechetezvo navamwari vavo vemuti vakanamirirwa ndarama nesirivha vakaita segwenzi reminzwa mubindu panongomharwawo zvapo neshiri yose yose kana kuti sechitunha chakarasirwa kunze murima.

72Unongoonawo kuti havasi vamwari ava nehanzu dzoruvara rwohute nerineni zvinosakarira pazviri. Uye vamwari vacho pachavo pokupedzisira vanoorawo zvobva zvava chinhu chinonyadzisa munyika.

73Naizvozvo munhu mururami ari nani zvake asina vamwari vasirivo. Hapana chaanozonyara nacho.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help