Mateu 6 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Kupa muchivande

1“Ngwarirai kuti murege kuita

zvokushamisira pamberi pavanhu kuti vakuonei

mukuita kwenyu kwakarurama.

Nokuti mukadaro hamuzowana mubayiro

unobva kuna Baba venyu vari kudenga.

2“Nezvo kana mopa zvipo musaridze hwamanda

sezvinoita vanyengedzi mumasinagogu;

nomumigwagwa kuti varumbidzwe navanhu.

Zvechokwadi chaizvo, ndinoti kwamuri,

vakatowana mubayiro wavo kare.

3Asi kana mopa zvipo,

ruoko rwenyu rworuboshe

ngarurege kuziva zviri kuitwa norudyi

kuti kupa kwenyu zvipo

kuve kwomuchivande,

4kuti Baba venyu vanoona

muchivande vagokupai mubayiro.

Kunamata muchivande(Ruka 11:2–4)

5“Kana mava kunamata

regai kuita savanyengedzi.

Vanoda kumira vachinamata mumasinagogu

napamharadzano dzenzira

vachiitira kuti vaonekwe navanhu.

Chokwadi–chokwadi ndinoti kwamuri

vakatowana mubayiro wavo kare.

6Asi kana iwe wava kunamata,

pinda mumba mako

uzarire gonhi rako

unamate kuna Baba vako vari muchivande.

Ivo Baba vako vanoona zviri muchivande,

vachakupa mubayiro.

7“Asi imi kana mava kunamata

regai kuzavaza sezvinoita vechirudzi

nokuti vanofunga kuti vanonzwika nokuda

kokuwanda kwamazwi avo.

8Musafanane navo,

nokuti Baba venyu vanoziva zvamunoda

musati mavakumbira.

9Nezvo namatai sezvizvi muchiti:

‘Baba vedu muri kudenga

zita renyu ngariereswe.

10Umambo hwenyu ngahuuye.

Kuda kwenyu ngakuitwe

pasi sokudenga.

11Tipeiwo nhasi kudya kwedu

kwezuva nezuva.

12Tiregerereiwo zvitadzo zvedu,

sokuregerera kwatinoita vanotitadzira

13Musatirege tichipinda muchiedzo.

Asi tinunureiwo kune zvakaipa.’

Nokuti umambo ndowenyu,

nesimba nembiri, narini narini. Ameni.

14“Kana mukaregerera vanhu zvikanganiso zvavo, Baba venyu vokudenga vanokuregereraiwo zvikanganiso zvenyu.

15Kana musingaregereri vanhu zvikanganiso zvavo, Baba venyuwo havakuregererei zvikanganiso zvenyu.

Kutsanya

16“Kana motsanya musasuruvarise uso sezvinoita vanyengedzi nokuti vanounyanisa kumeso kuti vaonekwe navanhu kuti vari kutsanya. Chokwadi chaizvo ndinoti kwamuri vatogamuchira mubayiro wavo.

17“Asi kana imi motsanya,

zorai musoro mafuta,

mushambe uso hwenyu;

18kuti kutsanya kwenyu

kurege kuonekwa navanhu;

asi kuti kuonekwe naBaba venyu vari muchivande.

Ivo Baba venyu vanoona muchivande

vachakupai mubayiro.

Upfumi hwokudenga(Ruka 12:33–34)

19“Regai kuzviunganidzira upfumi panyika.

Pahunodyiwa nezvipfukuto nengura nehonye,

panozopazwa nembavha dzichiba.

20Asi zviunganidzirei upfumi kudenga,

kusina chipfukuto kana ngura inohudya,

kusingapazwi nembavha dzichiba,

21nokuti pano upfumi hwako ndipo pano mwoyo wakowo.

Mwenje womuviri(Ruka 11:34–36)

22“Ziso ndiro mwenje womuviri.

Nezvo kana ziso rako rakanaka

muviri wako wose uchazara nechiedza.

23Asi kana ziso rako risina kunaka

muviri wako wose uchazara nerima.

Zvino kana chiedza chiri mamuri chava rima,

rima racho richava rakakura sei!

Haugoni kuva muranda waMwari nomuranda wemari(Ruka 12:22–31; 16:13)

24“Hapana munhu angashandire vatenzi vaviri, nokuti anogona kuvenga mumwe achida mumwe, kana kuti anoti kwati kwati nomumwe achizvidza mumwe. Haugoni kuva muranda waMwari nomuranda wemari.

“Vimba naMwari kuti anokupa zvinokuraramisa.

25Nezvo ndinoti kwamuri musazvidye mwoyo nezvoupenyu hwenyu kuti muchadyei kana kuti muchanwei kana nezvomuviri wenyu kuti muchapfekei. Ihwo upenyu hausi hwakakosha here kupinda chokudya, uye muviri haupfuuri chokupfeka here?

26“Tarisai muone shiri dzedenga

hadzidyari kana kukohwa

kana kuunganidza mumatura

asi Baba venyu vokudenga vanodzipa chokudya.

Hamuna kukosha here kupinda idzo?

27Ndiani wenyu angarebese upenyu hwake nechidimbu pamusana pokuzvidya mwoyo?

28Ko munozvinetsereiko muchifunga nezvokupfeka? Tarisai muone maruva esango kuti anokura sei. Haabati basa kana kuruka.

29Asi ndinoti kwamuri kunyange Soromoni pachake nembiri yake yose iya, akanga asina kushongedzwa serimwe raiwaya.

30Kana Mwari achishongedza uswa homusango huripo nhasi uno, mangwana hwokandwa muchoto, haasi anokupfekedzai zvakatonyanya here imi vanhu vochitendero chiduku.

31Saka musazvidye mwoyo muchiti tichadyei kana kuti tichanwei kana kuti tichapfekei.

32Nokuti vechirudzi vanotsvaka zvose izvi asi Baba venyu vokudenga vanoziva kuti zvose izvi munozvida.

33Imi, kutangira zvose tsvakai umambo hwake; noururami hwake, zvinhu zvose izvi zvichavawo zvenyu.

34“Nezvo musazvidye mwoyo nezvamangwana nokuti mangwana achazvionera oga, zuva roga roga rine nhamo dzaro dzakarikwanira.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help