Jobhu 42 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Kupinduka kwaJobhu

1Jobhu akapindura Tenzi achiti,

2“Ndinoziva kuti munokwanisa kuita zvinhu zvose

uye kuti pazvinhu zvose hapana chingakudzivisei

kuita zvamunenge muchida kuita.

3Munobvunza kuti ndianiwo zvake iyeyu anovandisa

urongwa nokutaura kwake kusina ruzivo?

Ichokwadi kuti ndakataura ndisina runzwisiso,

zvinhu zvakadzamisisa kwazvo kwandiri zvandanga ndisizingazivi

4chiteererai ndichitaura

ndichakubvunzai imi munditaurire.

5Ndakanga ndichingokunzwai nenzeve

asi zvino ndinokuonai namaziso.

6Naizvozvo zvose zvandakataura

ndiri kutonyara nazvo uye ndinopinduka

ndiri muhuruva namadota.”

Mazwi okupedzisa

7Kuzoti Tenzi apedza kutaura mazwi aya kuna Jobhu akati kuna Erifasi Mutemani, “Ndinokuvirukirai nehasha iwe neshamwari dzako mbiri nokuti hamuna kutaura zvakarurama nezvangu sezvakaitwa nomuranda wangu Jobhu.

8Chitotorai zvenyu handira nomwe nohondohwe nomwe muende nadzo kumuranda wangu Jobhu muzvipirire mupiro wokupisa. Muranda wangu Jobhu achakunamatirai nokuti munamato wake ndichaugamuchira kuti ndirege kukuitirai zvinowirirana noupenzi hwenyu nokuti imi hamuna kutaura zvakarurama nezvangu somuranda wangu Jobhu.”

9Naizvozvo Erifasi Mutemani, naBhiridhadhi muShuhi, naZofa muNaamati vakaenda vakandoita zvavakaudzwa naTenzi. Tenzi akagamuchira munamato waJobhu.

Jobhu akadzorerwa zvinhu zvake zvose

10Tenzi akadzorera Jobhu upfumi hwake paakanamatira shamwari dzake. Tenzi akapa Jobhu zvakapetwa kaviri pane zvaakanga anazvo.

11Vakomanavanun'una vake nehanzvadzi dzake navamwe vose vaimuziva vakauya kwaari kuzodya naye. Vakamunzwira urombo vakamunyaradza pane zvakaipa zvose zvakanga zvaunzwa naTenzi pavari. Mumwe nomumwe wavo akavapa mari neringi rendarama.

12Tenzi akakomborera mazuva aJobhu omushure kutokunda okutanga. Akazova nehwai zvihuru gumi nezvina, nengamera zvihuru zvitanhatu, nezvipani zvenzombe churu, namadhongi makadzi churu.

13Akaita vana vakomana vanomwe navasikana vatatu.

14Akatumidza wokutanga zita rokuti Jemima, wechipiri akamuti Keziya, wechitatu akamupa zita rokuti Kerenihapuku.

15Pasi pakanga pasina vakadzi vakanaka uso kudarika vanasikana vaJobhu. Baba vakavapa mugove pamwechete nehanzvadzi dzavo.

16Mushure maizvozvi Jobhu akagara zana namakumi mana amakore. Akaona vana vake, navana vavana vake kusvika kuchizvarwa chechina.

17Jobhu akazofa achembera anyatsokwegura.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help