Sira 8 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Chenjera paunotsika mukufambidzana kwako navanhu

1Rega kuita gakava nomukuru mukuru,

ungadaro ukazova mumaoko ake.

2Usaite nharo nomupfumi,

ungadaro ukakoneswa naye,

nokuti ndarama yakaparadzisa vazhinji

ikaipisa mwoyo yamadzimambo.

3Usaitirane nharo nomunhu anotaurisa,

kutokutidzira huni dzakawanda ikoko

mumoto wake.

4Rega kutamba nomunhu asina tsika,

angadaro akazoshora madzitateguru ako.

5Usatsoropodze munhu apinduka kuzvitadzo,

yeuka kuti tose tinokodzera kurangwa.

6Usashore munhu anenge akwegura

inga wani vamwe vedu vari kutochembera izvozvi.

7Usafarire kufa kwomunhu,

yeuka kuti nesuwo tose tichapera kufa.

Magamuchidzanwa

8Usashayire hanya zvinotaurwa navangwaru

asi nyatsofungisisa tsumo dzavo,

nokuti mazviri ndimo maunodzidza ungwaru,

kuti ugodzidza kushandira vakuru vakuru.

9Usashore hurukuro dzavanhu vakura,

nokuti naivowo vakadzidzidza kumadzibaba avo,

nokutiwo unowana ruzivo kwavari

ugodzidza kupa mhinduro nenguva yainodikanwa.

Uchenjeri

10Usafutidze mazimbe omoto omutadzi,

ungadaro ukapiswa nerimi romoto wake.

11Usapindurane namatatapure womunhu

angadaro akakuteya namazwi ako.

12Usakweretese munhu ane simba kupinda iwe

kana ukamukweretesa chinhu, wochitochiona secharasika.

13Rega kutsigira chikwereti chinopfuura mari yaunayo

asi ukatsigira kudaro,

unofanira kutozviona kuti ndiwe unofanira kuchibhadhara.

14Rega kukwirirana dare nomutongi wemhosva,

iye ndiye wavachati haana mhosva

pamusana pechinhanho chake muvanhu.

15Rega kufamba rwendo naanoti chauya chauya,

angadaro akakuremedza nezviito zvake,

nokuti iye anongoti chaada woita,

zvokuti iwe naiye muchaparadziswa noupenzi hwake.

16Usatangane nomunhu wehasha,

kana kufamba naye musango muri moga,

nokuti kudeura ropa hachisi chinhu kwaari;

uye nokuti kana pasina ari padyo, anokupedzisa.

17Usawane nechaunorangana nomunhu asina musoro,

nokuti chakavanda haagoni kuchengeta mumwoyo.

18Rega kuita chinhu chechivande

pane munhu wausingazivi,

nokuti hauzivi zvaanozovhundunyura.

19Usataurire munhu wose wose zviri mumwoyo mako,

ungadaro ukarasikirwa

nerombo rako rakanaka.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help