Nehemiya 3 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

II: KUVAKWAZVE KWAKAITWA RUSVINGO RWEJERUSAREMU

1Eriyashibhi mupristi mukuru akasimuka nehama dzake dzechipristi vakandovakazve suo guru reHwai. Vakariteketerera kuna Mwari vakariisa magoni. Chimbimbi chavakateketerera ichi chaibvira pariri chichisvika kunharirire yeZana chichindosvikawo kuNharirire yeHananero.

2Vakagamhwa navarume vokuJeriko kuvaka kumberi kwacho ndokugamhwawo kuvaka kumberi naZakuri mwanakomana wokwaImuri.

3Vanakomana vokwaHasenaa vakavaka suo guru reHove. Vakaisa magwatidziro aro vakaisawo magonhi aro nezvihuri zvaro namazariro aro.

4Kubva ipapo, Meremoti mwanakomana wokwaUriya mwana waHakozi ndiye akagadzira zvichienda mberi. Mberi kwaiyeyu kukavakwa naMeshuramu mwanakamana waBherekiya mwana wokwaMeshezabheri. Pamberi pacho pakagadzirwa naZadhoki mwanakomana waBhaana.

5VokuTekoa ndovakavakawo chidimu chaitevera uyu asi vakuru vakuru veko havana kutakura basa ravakapiwa namadzishe avo.

6Joyadha mwanakomana waPaseya naMeshuramu mwanakomana waBhesodheya ndivo vakagadziridza suo guru reChinyakare. Vakaisa magwatidziro aro vakaisa magonhi aro nezvihuri zvaro namazariro aro.

7Mberi kwaivava kwakagadzirwa naMeratiya wokuGibheoni naJadhoni wechiMeroni navarumewo vokuGibheoni nevokuMizipa vakanga vachitongwa nagavhuna wenyika yokuMhiri kwerwizi rwaYufuratesi.

8Uzieri mwanakomana waHarihaya mhizha yendarama ndiye akagadzirawo mberi kwake.

Akagamhwawo kuvaka mberi kwake naHananiya mumwe wavagadziri vemafuta anonhuwirira. Vakagadziridza Jerusaremu kusvikira kuRusvingo rwaKapamhama.

9Mberi kwaivava kwakaitwawo naRefaya mwanakomana waHuru mutongi wechimwe chikamu cheJerusaremu.

10Jedhaya mwanakomana waHarumafu ndiye akagadzira mberi kwavo pakanangana nepamba pake. Ndokuteverwawo naHatushi mwanakomana waHashabhuneya.

11Marikiya mwanakomana waHarimu naHashubhu mwanakomana waPahatimoabhu vakavakazve chimwe chimbimbi chacho neNharirire yeZvoto.

12Akateverwa naSharumu mwanakomana waHaroheshi mutongi wechimwe chikamu cheJerusaremu kugadzira kwacho iye navakunda vake.

13Hanuni navagari vokuZanoa vakagadziridza suo guru rokuBani. Vakarivakazve vakariisa magonhi aro nezvihuri zvaro nomazariro aro. Vakagadzira chimbimbi chorusvingo chinoita mazana mana emamita ane mamita makumi mana kusvikira pasuo guru roKumarara.

14Marikiya mwanakomana wokwaRekabhu mutongi wedunhu reBhetihakeremu akagadziridza suo guru rokuMarara. Akarivakazve akariisa magonhi aro nezvihuri zvaro namazariro aro.

15Sharumu mwanakomana wokwaKoruhoze mutongi wedunhu reMizipa akagadziridza suo guru reChisipiti. Akarivakazve akariturika denga akaisawo magonhi aro nezvihuri zvaro namazariro aro. Akavakawo rusvingo rwokudziva reShera romubindu ramambo kusvikira kumadanho anodzika kuburuka muguta raDhavhidhi.

16Akagamhwawo kuvaka naNehemiya mwanakomana waAzibhuku mutongi wechimwe chikamu chedunhu reBhetitsuru akagadzirawo kusvika pakatarisana namakuva okwaDhavhidhi kudzamara kundosvika kuDziva riya rakaitwa navanhu kusvikawo kumba yemagamba.

VaRevhi vakavakawo rusvingo

17VaRevhi vakagadzira chimbimbi chaitevera uyu ndeava vanoti: Rehumu mwanakomana waBhani tevere Hashabhiya mutongi wedunhu reKeira akavaka akamiririra dunhu rake.

18Ndopanouyawo hama dzavo idzi dzaiti

Bhavhai mwanakomana waHenadhadhi mutongi

wechimwe chikamu chedunhu reKeira

19kwouya Ezero mwanakomana waJeshua

mutongi weMizipa.

Ndiye akagadziridza chimwe

chimbimbi chepakatarisana

nokunochengeterwa zvombo zvehondo pamukwidza kana kuti kona.

20Achiteverwa kuvaka chimwewo chacho naBharuki

mwanakomana waZabhai akagadziridza

kubvira paKona ipapo kusvikira

kumusuo wemba yaEriyashibhi

mupristi mukuru.

21Akateverwawo naMerimoti mwanakomana wokwaUriya

mwanakomana waHakozi akagadziridza

chimwe chidimu kutangira kumusuo

wemba yaEriyashibhi kusvikirawo

panoperera imba yacho yaEriyashibhu.

Vapristi vakavaka rusvingo

22Aiteverwawo pakugadziridza uku navapristi vakanga vakamira vakadai izvi:

paiti varume vomunharaunda iyoyo

23kwouya Bhenjamini naHashubhu,

ava vakagadziridza pakanga pakatarisana

nepane dzimba dzavo

tevere Azariya mwanakomana waMaaseya

mwanakomana waAnaniya akagadzirawo

parutivi pemba yake

24achiteverwawo naBhinai mwanakomana waBhenadhadhi

akagadzirawo chimwewo chidimu

chacho kubvira pamba paAzariya

kudzamara paKona paye

kusvikirawo paye panotenderera.

25Pararu mwanakomana waUzai akagadzirawo

pakatarisana napaKona pacho

nepanharirire iya inooneka pamusoro

pemba yamambo yapamusoro iya

munhandare yavachengetedzi.

Aiteverwa naPedhaya mwanakomana waParoshi

26nevashandi vepatemberi vainge

vachigara kuOferu, vakagadziridzawo

kubva ipapo kusvikira pakatarisana nesuo guru

rokumvura kumabvazuva nenharire iya inoonekwa nepamusoro.

Vamwewo vakavaka rusvingo

27Ndopanozouyawo vanhu vokuTekoa, vakagadziridza chimwewo chimbimbi kubvira pakatarisana nezinharirire guru riye raionekwa nepamusoro kusvika kuRusvingo rwaOferu.

28Kumusoro kwesuo guru reMabhiza kwakagadziridzwa navapristi mumwe nomumwe pakatarisana nepamba pake.

29Vaiteverwa naZadhiki mwanakomana waImeru vakagadziridza pakanga pakatarisana nepamba pake.

Vaiteverwawo naShemaya mwanakomana waShekaniya muchengetedzi wepasuo guru rokuMabvazuva akagadziridzawo.

30Akagamhwawo naHaniya mwanakomana waSheremiya naHanu mwanakomana wechitanhatu waZarafu kugadziridza chimwewo chikamu.

Aiteverwa naMeshuramu mwanakomana waBherekiya akagadziridzawo pakatarisana nepaaigara.

31Aimutevera ndiMarikiya mumwe wemhizha dzezvendarama akagadziridzawo kubvirapo kusvikira kudzimba dzavashandi vepatemberi nedzevanhu vemhindu dzokutengesa zvinhu pakatarisana nesuo guru rokuOngororera vanhu nokukamba kepamusoro kekukona.

32Mhizha dzezvendarama nevemhindu dzokutengesa zvinhu vaye vakagadzirawo chimbimbi chokubva pakamba kepamusoro kekukona kuya kusvikira kusuo guru reHwai.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help