Jeremiya 51 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

1Zvanzi naTenzi:

“Chinzwa,

ndava kumutsa mweya womuparadzi

wokuzorwisa Bhabhironi,

achirwisa vagari veKaridhea.

2Ndichatumira kuBhabhironi vapepeti

vachazoipepeta zvavo

vachirozva nyika yayo

kusiya isisina chinhu,

pavachaivinga vakaita zvokuikomberana,

pazuva iroro renhamo.

3“Murwi wouta ngaarege kukunga uta

kana kumira ari mademautare.

Majaya avo musaasiye ari mapenyu

paradzai zvokuparadza zviye

hondo yayo yose zvayo.

4“Vachati rakata kufa

munyika yevaKaridhea

vamwe vakuvadzwa mumigwagwa yayo

5nokuti vokwaIsiraeri nevokwaJudha

havana kubva vafuratirwa naMwari wavo,

iye Tenzi wehondo nehondo.

Asi nyika yevaKaridhea

yakati pamu pamu kuzara nemhosva

dzavakatadzira Mutsvene weIsiraeri.

6“Tizai mukati meBhabhironi

regai munhu wose azviponese upenyu.

Regai kutsakatiswawo mukurangwa kwayo

nokuti iyi ndiyo nguva

yokutsividza kwaTenzi

achiiwanisa zvakakodzeranawo nayo.

7“Bhabhironi, mumaoko aTenzi

yaiva mukombe chaiwo wendarama

ichiraradzisa pasi pose zvapo.

Marudzi aidutira waini yayo

ndokusaka marudzi akapengeswa nayo.

8“Bhabhironi yangoyerekana

yati ngondo ngondo yapwanywa, ichemei!

Iigirei mushonga webharumu

wokuitira kurwadzwa kwayo zvimwe ingarapike.

9“Taida kurapa Bhabhironi

asi haina kurapika.

Isiyei tiende mumwe nomumwe kunyika kwake

nokuti kutongwa kwake,

kwasvika kana nokudenga

kunyange nomuchadenga umu.

10“Tenzi aburitsa pachena

kuti hatina mhosva.

Chiuya tizivise vanhu muguta reZioni

basa raTenzi, Mwari wedu.

11“Rodzai miseve!

Zadzai mikutu!

“Tenzi amutsa mweya wamadzimambo wavaMidhi nokuti chinangwa chake neBhabhironi ndechokuiparadza, ikoko ndokutsiva kwaTenzi achitsividzira Temberi yake.

12“Misai mureza patsvingo dzeBhabhironi,

zvokugariridza ngazvisimbaradzwe,

isai varwi vokugaririra;

vokuhwandira ngavagadzirire.

Nokuti Tenzi akaronga

uye akaita zvaakataura

nezvevagari veBhabhironi.

13“Imi vokugara kumvura yakawanda

imi muzere noupfumi penyu pakupererai,

mudzira wakabata

upenyu hwenyu wadimurwa.

14“Tenzi wehondo nehondo

apika naiye pachake kuti,

ndichakuti farara kuzadza

navanhu semhashu vacharidza

mupururu wokukurira.

Rwiyo rwokurumbidza Tenzi

15“Iye nesimba rake

ndiye akaita nyika,

ndiye noungwaru hwake akasika nyika.

Uye nokunzwisisa kwake

akawarira matenga.

16“Paanongoti buritsei muromo mumwechete

mvura inodhiriridza mumatenga.

Anoita kuti mhute isimuke

kubvira kwakaperera nyika

achiita kuti mumvura inonaya muve nemheni

achiuyisa mhepo ichibva maanoichengetera.

17“Munhu wose rangova zungairwa,

vanongova vanhu vasina ruzivo,

mhizha yose yezvendarama ichinyadziswa

nezvifananidzo zvayo zvokunamata

nokuti zvifananidzo zvayo zvokunamata hazvina maturo

uye hazvina mweya unofema mazviri.

18“Hazvina kana namaturo

ibasa risina musoro.

Panguva yazvo yokurangwa zvichaparara.

19“Iye haana kumboita saizvozvi

iye mugove wevokwaJakobho

nokuti ndiye akasika zvinhu zvose

uye verudzi rwechiIsiraeri

ndivo rudzi rwake rwenhaka.

Zita rake rinonzi Tenzi wehondo nehondo.

Nyundo yaTenzi

20“Ndiwe nyundo yangu

nechombo changu chehondo.

Newe ndinopwanyanisa marudzi

newe ndinoparadza umambo hwedzinyika.

21“Newe ndinobvambura-bvambura

bhiza nomutasvi waro;

newe ndichityoranisa

ngoro yehondo nomuchairi wayo.

22“Newe ndinoita kanyama-kanyama

murume kana mukadzi,

newe ndichiita kanyama-kanyama

munhu wechikuru kana wechiduku.

Newe ndinodambura-dambura

jaya kana mhandara.

23“Newe ndinoita kanyama-kanyama

mufudzi nedanga rake rezvipfuwo.

Newe ndinoita kanyama-kanyama

murimi nevechikwata chake.

Newe ndinoita kanyama-kanyama

vatongi namadzishe.

Shamhu yokuranga Bhabhironi

24“Ndichatsividza Bhabhironi navagari vose vokuKaridhea iwe uchiona nameso ako pari pamusana pouipi hwose hwavakaita muguta reZioni, ndizvo zviri kutaura Tenzi.

25“Chinzwa,

ndanangana newe zvino

iyewe gomo roumharadzi,

ndizvo zviri kutaura Tenzi;

iwe unoparadza pasi pose.

Ndichasumudza ruoko rwangu ndakanangana newe,

ndigokukungurutsira pasi pamawere

ndichikuita gomo rakatsva.

26“Mauri hamusi kuzombotorwa

ibwe rokuvakisa pakona,

kana ibwe zvaro rokuvakisa ugaro,

asi kuti uchava dongo rechigariro,

ndizvo zviri kutaura Tenzi.

27“Misai mureza pasi

ridzai bhosvo mukati memarudzi, gadzirirai marudzi

kuti aite hondo nayo.

Kokerai umambo hwedzinyika dzimurwise

imi munoti vokuArarati

nevokuMini nevokuAshikenazi

sarudzai mutungamiriri wehondo vokundoyirwisa

unzai mabhiza semhashu dzinoparadza.

28“Gadzirirai marudzi azoita hondo nayo

iwo madzimambo okuMidhi

namasadunhu awo navatevedzeri vavo

nenyika yose zvayo iri pasi payo.

29“Pasi padedera pamononoka namarwadzo

nokuti zvakarongerwa

Bhabhironi naTenzi zvinotoitika,

zvokuita kuti nyika yeBhabhironi

ive dongo zvaro risina ageremo.

30“Varwi veBhabhironi varega kurwa

vangova munhare dzavo dzokuzvidzivirira nadzo hondo

simba ravo rapera,

vava vakadzi chaivo,

misha yavo iri kuririma nomoto

zvihuri zvayo zvatyoka.

31“Vokumhanya vari kuita zvokutosangana

nhume ichisanganawo nenhume

kundosvitsa shoko kuna mambo weBhabhironi

rokuti guta rake ratorwa mativi ose zvawo.

32“Mazambuko ava mumaoko mavavengi,

nhare dzokuzvidzivirira muhondo dzaroromeswa nomoto,

varwi vehondo vatenderera nazvo musoro

33nokuti zvanzi naTenzi wehondo nehondo,

Mwari weIsiraeri,

iye mwanasikana uyu, Bhabhironi

ava kunge buriro panguva yokupura.

Kwangosara kanguva kadikidiki

nguva yokukohwa yotosvika.”

34Nebhukadhireza mambo weBhabhironi

akandizhanya akanditsonda.

Akaita kuti ndive

mudziyo zvawo usina chinhu,

andimedza segaranyanya.

Azadza dumbu rake noudobo hwangu

andidzumburudza.

35Utsinye hwandakaitirwa ini

pamwechete nehama dzangu,

ngahuitirwewo kuBhabhironi.

Vagari veguta reZioni ngavati:

“Ropa rangu ngaripfukire

vagari vekuKaridhea,”

regai Jerusaremu idaro.

Tenzi achayamura Isiraeri

36Naizvozvo zvanzi naTenzi,

“Chinzwa, ini ndichakumiririra ndigokutsividzira.

Gungwa rake ndichariomesa,

kasipiti kake ndikaomese kuti gwa.

37Bhabhironi ichava murwi wamatongo

dambiro zvaro ramakava

nechinhu chinokatyamadza,

chinhu chinoridzirwa muridzo wokusiririswa,

isina ageremo.

38“Vachadzvovedzana pamwechete seshumba

vachihon'erana sevana veshumba.

39Pavanenge vane manyawi kudaro

ndichavagadzirira mabiko

ndivararadzise kusvikira vafarisa

uye kuti vakotsire hope dzomutorododo dzavasingazopepukizve,

ndizvo zviri kutaura Tenzi.

40Ndichavadzikisa kundobayiwa sehwayana

nehondohwe nezvikotora.

Mugumo weBhabhironi

41“Bhabhironi chaiyo, kutorwa uku nhai!

Kubatwa here chokwadi

iyo chidadiso chapasi pose!

Chaiyo Bhabhironi here kuva chinhu

chinokatyamadza mukati memarudzi!

42“Gungwa rachiti fushe fushe

kukwidibira Bhabhironi;

Bhabhironi rakwidibirwa

namasaisai aro anovhavhamuka,

43maguta aro ava renje zvaro

nyika yakaoma, gwenga zvaro

nyika isingagare munhu

isina kana munhu anopfuura nomo.

44Uye ndicharangawo

Bheru Mwari wavo, muBhabhironi.

Ndichamurutsisa zvose zvaakamedza.

Marudzi haasi kuzodiranazve kwaari

rusvingo rweBhabhironi rwapazika.

45“Vanhu vangu!

Budai mukati mayo!

Munhu wose ngaazviponese upenyu

kuhasha dzaTenzi dzinotyisa.

46Regai kurasa mwoyo

kana kutya namarehwarehwa anonzwika munyika.

Kana pakauya marehwarehwa gore iri

kana kuzouya mamwe marehwarehwa

mune rimwe gore,

kunyange utsinye hwava munyika

mutongi worwisana nomutongi.

47“Naizvozvo, chinzwa,

mazuva ari kuuya andicharanga nawo

zvifananidzo zvokunamata zveBhabhironi.

Nyika yayo yose ichanyadziswa

Vose vanenge vaurayiwa

vachati rakata mukati mayo.

48“Izvozvo matenga napasi

nazvose zviri mazviri,

zvichaimba nomufaro pamusoro peBhabhironi

nokuti mharadzi dzichauya kuzoirwisa dzichibva kuchamhembe

ndizvo zviri kutaura Tenzi.

49“Bhabhironi inofanira kuti iparadzwewo

pamusana pavaIsiraeri vakaurayiwa,

sokuti Bhabhironi yakaparadzawo

vanhu vakaurayiwa vepasi pose.

50“Imi vanyakupunyuka bakatwa,

chitoendai musambomira henyu.

Muri kure kudaro yeukai Tenzi

murangarire Jerusaremu kuti:

51“Takanyadziswa isu, kutsiudzwa takakunzwa

takadonha uso nokunyara

nokuti vechirudzi vakapinda

munzvimbo dzinoera dzetemberi yaTenzi.

52“Naizvozvo, mazuva ari kuuya.

Ndizvo zviri kutaura Tenzi

pandicharanga zvifananidzo zvayo.

Munyika yayo yose,

vanenge vakuvara vachagomera.

53“Kunyange Bhabhironi ikareba kukwira mudenga.

Uye kunyange kukwira kwayo mudenga kukasimbaradzwa,

ndichangoiunzira mharadzi.

Ndizvo zviri kutaura Tenzi.

Kunyatsoparadzwa kweBhabhironi

54“Heyo mhere yokuchema muBhabhironi,

ruzha rwokuparadza kukuru,

ruri kubva munyika yevaKaridhea

55nokuti Tenzi ari kuparadza Bhabhironi

achiita kuti ruzha rwayo rukuru runyarare.

Masaisai avo anoriridza semvura zhinji,

mheremhere yamazwi avo yakwira mutanda

56nokuti mharadzi yaivinga

yasvikira iyo Bhabhironi.

Varwi vayo vehondo vatapwa,

uta hwavo hwatyorwa-tyorwa

nokuti Tenzi, ndiMwari anotsiva achanyatsotsividza.

57“Ndichararadzisa machinda ayo

navangwaru vayo namasadunhu ayo

pamwechete navatungamiriri vehondo vayo

navarwi vayo vehondo.

Vachakotsira hope dzomutorododo dzavasingazopepukizve

ndizvo zviri kutaura Mambo

iye anonzi Tenzi wehondo nehondo.

58“Zvanzi naTenzi wehondo nehondo

rusvingo rwakapamhama rweBhabhironi

ruchanyatsonzi pasi mwarara,

nemisuo mikuru yaro yakareba kudaro

icharirimiswa nomoto.

Marudzi achashandira nhando,

ndudzi dzavanhu dzichitambudzikira

zvinhu zvinopiswa nomoto.”

59Izvi ndizvo zvakarongwa nomuporofita Jeremiya kuti zviitwe naSeraya mwanakomana waNeriya vokwaMahiseya pavakaenda kuBhabhironi naZedhekiya mambo wokwaJudha mugore rake rokutonga rechina. Seraya akanga ari jinda racho.

60Jeremiya akanyora mubhuku nyatwa dzose dzaizofanira kuwira Bhabhironi namazwi ose iwaya akanyorwa anoera nezveBhabhironi.

61Jeremiya akati kuna Seraya, “Ukange wazosvika kuBhabhironi, uone kuti mashoko ose iwaya waaverenga uti,

62‘Imi Tenzi makataura nezvenzvimbo ino kuti muchanyatsoiparadza zvokuti hapana chichazombogaramozve kunyange munhu kana mhuka. Asi kutoti ichava dongo narini wose.’

63Paunenge wapedza kuverenga bhuku irori risungirire dombo urikande murwizi rwaYufuratesi

64utaure uchiti, ‘Ndiko kunyura kuchaitawo Bhabhironi ikoku risingazodzumbunukizve zvichikonzerwa nenyatwa dzandichaiunzira.’ ”

Apa ndipo paperera mazwi aJeremiya.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help