Nziyo 99 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Mwari Mambo wapasi pose

1TENZI ndimambo

vanhu vanodedera

anogara pachigaro chake choushe,

pakati pamakerubhi.

Nyika inodengendeka.

2TENZI mukuru muguta reZioni

mukuru mukuru pavanhu vose.

3Ngavarumbidze zita renyu

guru rinotyisa.

Iye anoera.

4Mambo wesimba

munoda ruenzaniso.

Imi makamisa nduramo.

Ndimi makaita kuti

muna Jakobho muve

noruenzaniso noururami.

5Rumbidzai TENZI Mwari wedu,

mugwadamirei pachitambarariko chake.

Iye anoera.

6Mosesi naAroni

vaiva vamwe vavapristi vake

uye Samueri aiva mumwe

wevaidana zita rake,

vaidana kuna TENZI

iye achivapindura.

7Aitaura navo ari mugore,

ivo vakachengeta mirao yake

nemitemo yaakavapa.

8Imi TENZI Mwari wedu

maivapindura,

maiva kwavari Mwari anoregerera

asi muchiranga zvavainge vatadza.

9Rumbidzai TENZI Mwari wedu

mumunamate pagomo rake rinoera

nokuti TENZI Mwari wedu anoera.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help