Nziyo 39 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Muimbisi, Rumbo urwu rwunoimbwa namaimbiro eJedhutumu. Rwiyo rwaDhavhidhi.Kureurura kwemunhu ari kurwadziwa

1Ndakati regai ndingwarire zvandinoita

kuti ndirege kutadza norurimi rwangu.

Ndichabata muromo wangu

kana vakaipa varipo chete.

2Ndakazviita chimumu zvangu chisingatauri

ndakanyarara zvangu

asi zvakanga zvisina chazvinobatsira.

Kurwadziwa mwoyo kwangu kwatonyanya.

3Ndakatsva mwoyo mukati mangu

pandairangarira ndakatsva neshungu.

Ndipo pandakazotaura norurimi rwangu.

4TENZI ndiziviseiwo magumo angu

uye kuwanda kwamazuva angu

itaiwo kuti ndizive kusatana kupera

kwamazuva angu.

5Tarisai muone kuti makaita kuti

mazuva angu aite sezvanza zvamaoko kureba,

nguva youpenyu hwangu hapana zvairi kwamuri.

Chokwadi munhu wose

akangoita sefemo zvaro.

Dzepfunde

6Zvirokwazvo munhu anofamba somumvuri,

chokwadi vanotambudzika nhando;

munhu anounganidza asi haazivi anozozvitora.

7Zvino chandinomirira ipapa chii nhai TENZI?

Ndinovimba nemi.

8Ndinunureiwo kuzvitadzo zvangu.

Musandirege ndichishorwa namapenzi.

9Ndakazviita chimumu chisingazarure muromo

nokuti ndimi makazviita.

10Ndibvisireiwo shamhu yenyu pandiri.

Ndasakara nokurohwa neruoko rwenyu.

11Kana mava kuranga munhu neshamhu

muchimutsiura zvitadzo zvake,

munoparadza zvaanodisisisa sechitemamachira;

chokwadi munhu upi noupi ifemo zvaro.

Dzepfunde.

12Inzwaiwo munamato wangu TENZI

munzwe chichemo changu.

Musanyararire misodzi yangu

nokuti ndiri muenzi wenyu anopfuura

mupfuuri zvake akafanana namadzitateguru angu.

13Musandidzvokore kuti ndifarewo

ndisati ndapfuura ndichiva chinhu pasina.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help