Mupiro 12 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Kuchenurwa kwevanhukadzi vanenge vasununguka

1Tenzi akataurira Mosesi kuti, “Udza vaIsiraeri kuti,

2‘Kana munhukadzi akabata pamuviri, akapona mwana mukomana, achava munhu akan'ora kwamazuva manomwe, sezvaanongoita kana ari panguva yake yokutevera achava akan'ora.’

3Pazuva rorusere, mwana iyeyo ngaadzingiswe.

4Zvinotora makumi matatu emazuva ane mazuva matatu kuti makadzi iyeyo achenurwe pauzvere hwake. Ngaarege kubata chinhu chinoera kana kupinda mutendhe rinoera kusvikira mazuva okuchenurwa kwake apera.

5Kana mudzimai apona mwana womusikana achava munhu akan'ora kwamazuva gumi namana, sezvinoita mukadzi kana ari panguva yake yokutevera. Zvinotora makumi matanhatu emazuva ane mazuva matanhatu kuti mukadzi iyeyo achenurwe pauzvere hwake.

6“Kana mazuva okuchenurwa kwake apera mukadzi akapona mwana mukomana kana musikana, ngaaunze kumupristi kumusuo wetendhe rokusanganira hwayana ine gore rimwechete yomupiro wokupisa, naman'ana ehangaiwa kana njiva yemupiro wokupirira zvichitadzo.

7Mupristi ngaapire kuna Tenzi mupiro wokupfupira zvitadzo zvomukadzi iyeyo, achabva achenurwa pauzvere hwake. Iwoyu ndiwo mutemo wezvemukadzi anenge asununguka mwana mukomana kana musikana.

8Kana asingakwanisi kuwana hwayana, ngaauye nenjiva mbiri, kana man'ana ehangaiwa. Imwe ngaive yemupiro wokupisa, imwe yacho ive yomupiro wokupfupira zvitadzo. Ipapo mupristi ngaapire kuna Mwari mupiro wokupfupira zvitadzo zvomukadzi iyeyo, achabva achenurwa.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help