1Zvinosiyana nomunhu anozvipira
kudzidza mutemo woWokumusorosoro
anoshingaira kutsvaka kuziva ungwaru hwavakare,
mwoyo wake uri mune zvechiporofita.
2Anochengetedza nhauro dzavanhu vano mukurumbira;
mumadimikira ndomake chaimo.
3Anotsvaga zvakavandika zvinorehwa netsumo,
anopenengudza tsumo dzoungwaru.
4Achaita basa mukati mavakuru vakuru,
achizoonekwawo pamberi pavatongi.
Anofamba nzendo dzokuenda kunyika dziri kure,
zvinobva zvamupa kuziva kuipa nokunaka kwavanhu.
5Mwoyo wake uri pakumuka mambakwedza,
achitsvaka Mwari musiki wake,
anonamata panaWokumusorosoro;
anozarura muromo wake achinamata,
achiteterera kuregererwa zvitadzo zvake.
6Kana Mwari mukurukuru oda zvake,
anozadzwa nomweya wokunzwisisa,
achadurura mazwi oungwaru,
achizotenda Mwari mukunamata kwake.
7Achapiwa mazano noruzivo,
achinyatsorangarira zvisinganzwisisiki zvaMwari.
8Mukudzidzisa kwake acharatidza zvaakadzidza,
achifarira mukurumbira woMutemo wechitenderano chaMwari.
9Kunzwisisa kwakwe kucharumbidzwa navazhinji,
hakuzokanganwiki narini wose.
Kumurangarira hakumboperi,
zita rake richaramba riripo kwezvizvarwa nezvizvarwa.
10Marudzi achaparidza nezvoungwaru hwake,
acharumbidzwawo panenge pakaunganwa navanhu.
11Kana ari ararama kwamakore mazhinji, zita rake
richakurumbira kupfuura chiuru chavamwe vanhu,
asi kana ari akurumidza kufa,
zvinokwanirana naye izvozvo.
Kurumbidzwa kwaMwari12Ndine dzimwezve pfungwa dzokunyatsokutaurirai
dzakazara mandiri somwedzi wejenaguru.
13Tererai munzwe imi vanakomana vangu
vanamati vaMwari muzaruke seruva
rakasimwa munyasi merwizi.
14Nhuhwirirai serusenzi,
tumbukai seruva ramahapa,
muimbe kwose nokunhuhwirira kwenyu,
imbai rwiyo rwokurumbidza Tenzi Mwari
pamusana pamabasa ake ose.
15Paridzai ukuru hwezita rake,
mutendei muchimurumbidza,
nenziyo dzinobva pamiromo yenyu
muchiimba nziyo muchiridzawo madimbwa.
Imbai rwiyo urwu rwokumurumbidza, muchiti:
16“Hakusi kunaka kwakaita mabasa ose aMwari;
chiri chose, chaanoti ngachiitwe,
chinobva chaitwa nenguva iyoyo.”
17Usati: “Chiiko ichi? Sei izvo zvakadaro?”
Nokuti zvinhu zvose zvichazowana matsanangurirwo azvo
nenguva yazvo.
Nezwi rake roga, mvura yakaganhuka kuerera youngana.
Akangotaura chete, ndokubva paita madziva emvura.
18Zvaanoda zvinoitwa nezwi rake chete,
uye, hakuna angadzivise simba rake rokuponesa.
19Mabasa ose avanhu ari pamberi pake.
Hakuna angagone kuvanda maziso ake.
20Aizviona kubvira nakare kose kusvikira nokusingaperi,
nezvo hapana chinoshamisa kwaari.
21Usati: “Chiiko ichi? Sei izvo zvakadaro?”
Nokuti chisikwa chose chine zvachakasikirwa.
22Anokomborera nyika yose,
sokukomborera kunoita rwizi nyika yakaoma
achiinyorovesa samapopopo emvura.
23Saizvozvo achavirukira vechirudzi nehasha,
sokupindura kwaakaita mvura ichiva munyu.
24Kuvashumiri vaMwari nzira dzake dzakati tasa,
asi kuvanhu vasina mutemo dzine zvipingamupini.
25Kubvira pakutanga,
zvakanaka zvakasikirwa vanhu vakanaka,
saizvozvowo, zvakaipa zvakasikirwawo vatadzi.
26Zvinhu zvikuru zvinodikanwa paupenyu hwomunhu
ndezvizvi zvinoti
mvura nomoto, nesimbi nomunyu,
kwouya upfu hwekoroni, uye mukaka nouchi,
muto wamagirepisi namafuta, nezvokupfeka.
27Izvozvi zvose zvakanaka kuvanamati
asi zvinopinduka kuva zvakaipa kuvatadzi.
28Kune dzimwe mhepo dzakasikirwa kutsividzisa nadzo;
Mwari akadziita shamhu dzehasha dzake.
Kana nguva yokutsividza yasvika,
dzinovhuvhuta nesimba,
dzichipedza shungu dzoMusiki wadzo.
29Moto nechimvuramahwe nenzara norufu,
zvose izvi zvakasikirwa kuranga.
30Mazino ezvikara, namarize nezviva, uye
bakatwa rokutsividza rinoparadza vasiri vanamati.
31Zvose izvozvi zvinofarira
kuita zvazvinonzi naMwari zviite.
Zvakagadzirira nguva yokutumwa kwazvo;
kuita basa razvo panyika pano
kana nguva yacho yasvika hazvirambi kuteerera.
32Pamusana paizvozvi kubvira
pakutanga ndakanyatsogutsikana,
ndakanyatsozvifungisisa, ndokubva ndazvinyora ndichiti:
33“Mabasa ose aMwari akanaka
anopa zvinodikanwa nenguva yazvo.”
34Kusawane naanoti: “Ichi chakaipa kupinda ichi,”
nokuti chinhu chose chakanaka panguva yacho.
35Nezvo chiimbai nemwoyo yenyu yose namazwi enyu ose,
muchirumbidza zita raMwari.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.