Sira 10 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Utongi

1Mutongi akangwara anodzidzisa vanhu

utongi hwomunhu akangwara hwakanyatsorongeka.

2Zvinenge zvakaita mutongi

ndizvowo zvakaita makurukota ake

zvinenge zvakaita sadunhu

ndizvowo zvakaita vanhu vageremo.

3Mambo asina maitiro ane urongwa anoparadzisa vanhu vake

asi guta rinokura pamusana pokunzwisisa kwavatongi varo.

4Utongi hwapasi pose huri mumaoko aMwari,

anogadza munhu akakodzerana

nenguvawo iyoyo.

5Kubudirira kwomunhu kuri mumaoko aMwari,

iye ndiye anopa kuremekedzwa kumutongi waanenge asarudza.

Kuzvikudza kwakaipa

6Usave nechigumbu nomumwe wako,

kana akakutadzira zvakadii zvazvo,

usamuitire utsinye wakagumbuka.

7Kuzvikudza kunovengwa

naMwari uye navanhu

uye kushaya ruenzaniso kunosemesa

kuna Mwari uye kuvanhu.

8Umambo hunobva kune rumwe rudzi

huchienda kune rumwe, pamusana

pokushaya ruenzaniso nokuzvitutumadza noupfumi.

9Iye munhu ari guruva zvaro nedota,

angazvikudze sei chaizvo?

Iye anotogona kutoora zvake achiri mupenyu?

10Urwere hukarebesa,

hunodzungaidza murapi,

munhu angava mambo zvake nhasi

asi mangwana anofa.

11Kana munhu afa, mugove wake,

zvinhu zvinonanaira nezvikara nehonye.

12Kuzvikudza kwomunhu kunotanga pakusiya kwaanoita Mwari,

achiita mwoyo wokufuratira Musiki wake.

13Kutadzira Mwari ndiyo

mviromviro yokuzvikudza,

kuomererana nako kunoita kuti munhu

anoparadzira unyangadzi.

Naizvozvo Mwari akavaunzira

kutambudzika nenhamo isati yamboonekwa,

akavatsakatisa kuti nho.

14Mwari akakutunura machinda

anozvikudza pachigaro choumambo.

15Mwari akadzipura midzi yamarudzi

akagadza vanhuwo zvavo panzvimbo pavo.

Akasima vanozvirereka panzvimbo pavo.

16Mwari akaparadza nyika dzamarudzi

kuvaparadza kusvikira paugaro chaihwo hwenyika.

17Vamwe akavabvisa achivaparadza,

akarovesa zita ravo panyika.

18Mwari haana kusikira vanhu kuzvikudza

kana kuti munhu zvake akaberekwa nomukadzi

aite hasha dzakaipisisa.

Vanhu vanoremekedzwa

19Ndorupiko rudzi rwakakodzera kuremekedzwa?

Rudzi rwavanhu.

Rudzi rupiko rwakakodzera kuremekedzwa?

Vanhu vanotya Mwari.

Rudziiko rwavanhu rusingakodzeri kuremekedzwa?

Rudzi rwavanhu.

Rudziiko rwavanhu vasingakodzeri kuremekedzwa?

Vanhu vanodarika mitemo.

20Mukati mehama, mukuru mukuru wavo ndiye anoremekedzwa

vanhu vanotya Mwari ndivo vanoremekedzwa naMwari.

22Angave mupfumi, kana munhu ano mukurumbira,

kana murombo,

kutya Mwari ngakuve iko kwaanozvikudza nako.

23Hazvina kururama kushora munhu ano ruzivo

pamusana pokuti murombo.

Hachisi chinhu chakanaka

kukudza munhu anotadzira Mwari.

24Ishe nomutongi negurukota

vanhu vanoremekedzwa,

asi hakuna kana nomumwe pakati pavo

anokunda munhu anotya Mwari.

25Vanhu vane rusununguko

vanogona kushandira muranda mungwaru

munhu anonzwisisa haanyunyuti nazvo.

Chokwadi nokuzvidukupisa

26Rega kuita zvokuzvionesa kuti une ungwaru

kana uri mukufambisa mabasa ako;

rega kuzvizuwidza kana uri munhamo.

27Zviri nani kuva munhu anoshanda ane zvinhu zvakawanda

pane munhu anofamba achizvizuwidza asi iye asina chokudya.

28Mwanangu, zvirumbidze nokuzvidukupisa

uchiona nomazvo kukosha kwako zvakuri.

29Ndiani angapembedze,

munhu anozvikoromora iye pachake,

kana kumuti munhu

iye pachake asingazvione somunhu?

30Murombo anoremekedzerwa ruzivo rwake,

mupfumi anoremekedzerwa upfumi hwake.

31Munhu anoremekedzwa ari murombo, ko kuzoti apfuma?

Munhu anoshorekawo ari mupfumi, ko kuzoti ava murombo?

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help