1Kana wagara pakudya nomutongi
ziva kuti ndiani ari pamberi pako
2uzvibate kana uri munhu anokara kudya.
3Usaite makaro namachikichori ake
nokuti ndookuti akuone zvauri.
74Usazviuraye nebasa kuti uwane upfumi
iva noungwaru wombozororawo
5nokuti unongohuti onei ndizvozvo
ihwo waru waru hutu hwaenda
huchibhururuka kudenga segondo.
86Usadye chokudya chomunhu anonyima,
usadokwairire machikichori ake
7nokuti iye mumwoyo rinenge riri bishi kufunga
uku achiti idya idya zvako
asi iye asingambozvirevi nomwoyo wose.
8Ucharutsa misuva yaunenge wadya
kumukudza kwako kunobva kwashaya maturo.
99Usapedze nguva uchitaura nebenzi
nokuti richashora basa rezvaunotaura.
1010Usabvise chitata chomuganhu chakare
kana kupinda muminda yenherera
11nokuti mununuri wavo ane simba
achavarwira achikurwisa.
1112Isa mwoyo wako mukudzidza
urerekere nzeve yako kumazwi oungwaru.
1213Usarege kuranga mwana,
ukamurova neshamhu haambofa.
14Ukamurova neshamhu
unomununura kuenda kunzvimbo yavakafa.
1315Mwanangu kana wakangwara
mukati mako'mu
mwoyo wanguwo unofara.
16Ini ndinobva ndafara mumwoyo
kana muromo wako uchitaura zvakarurama.
1417Usave neshanje navatadzi mumwoyo mako
asi itya Tenzi zuva rose.
18Pakadaro une ramangwana,
chitarisiro chako hachizoganurwa.
1519Teerera mwanangu,
iva munhu akangwara
ururamise mwoyo wako mugwara.
20Usaite ushamwari nezviradza zvewaini
kana kuva navanokara nyama
21nokuti chidhakwa neanokara kudya
vachava varombo,
vanotsomwaira nehope
vachapfeka mamvemve.
1622Teerera baba vako vakakubereka
uye usashore amai vako kana vakwegura.
23Tenga chokwadi
asi usachitengese
tenga ungwaru nedzidziso nokunzwisisa.
24Baba womururami achafara
zvisina akamboona.
Anobereka mwana mungwaru
achafadzwa naye.
25Rega baba vako naamai vako vafare.
Rega wakakubereka afare.
1726Mwanangu isa mwoyo wako kwandiri
maziso ako aongorore zvandinoita.
27Pfambi igomba rakadzika,
mukadzi asina kwake, itsime rakamanikana.
28Anogarira segororo
achirasisa varume vakawanda.
1829Ndiani chaizvo ane jambwa?
Ndiani munhu wenhamo?
Ndiani wokushupika?
Ndiani anopopota?
Ndiani ane mavanga
aasingazivi kwaakabva nako?
Ndiani anotsvukisa maziso?
30Ndavana mubvadzasukwa
vane kamwoyo kokuda kuravira
waini yakaitwa mvenge.
31Usatorwe mwoyo nokutsvuka kwewaini
painenge yobwaira mukomichi
ichinyatsoti yerere mugurokuro.
32Pakupedzisira inoruma senyoka
igoti ndure kuruma sechiva.
33Maziso ako achaona zvinhu
zvisingazivikanwi.
Mumwoyo mako muchabuda zvisakarurama.
34Uchaita somunhu akarara pakati pegungwa
kana kurara pamusoro pembambo.
35Uchati, “Vakandirova asi handina kukuvara
vakandirakasha kurova asi handina kuzvinzwa
ndichamuka rinhi
ndinoda kutonwazve.”
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.