2 Vanamakabhi 3 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

III: NYAYA DZAHERIODHORUSIKuenda Jerusaremu kwaHeriodhorusi

1Panguva yakanga zvino vanhu vagara zvavo norugare muguta rinoera, mitemo ichinyatsochengetwa pamusana paOniasi mupristi mukuru aiva munhu ane mwoyo wokuda zvokunamata uye aivengana noupi,

2zvakaitika kuti madzimambo akaremekedza nzvimbo iyoyo uye akaita kuti mukurumbira weTemberi udhume nezvipo zvakanakisisa kwazvo

3zvokuti kunyangewo naSerukusi, mambo weAsia akatenge oripa mari yake yaiwanikwa mumitero achiripira zvose zvainangana nebasa rezvibayiro.

4Asi mumwe murume ainzi Simoni wedzinza rokwaBhenjamini akanga aitwa mukuru mukuru weTemberi akakakavadzana nomupristi mukuru nezvamafambisirwo apamusika weguta iri.

5Paakatadza kukona Oniasi akabuda akaenda kuna Aporoniusi wokuTasusi akanga ari gavhuna woKowiresiria neFonisia panguva iyoyo.

6Akamuzivisa kuti mumba mokuchengetera upfumi kuJerusaremu makanga makati pamu pamu kuzara nemari dzisingambotauriki dzino uwandi husingamboverengeki uye kuti yakanga isiri yomuhomwe yezvibayiro asi kutoti inogona kuva kuti ive mumaoko amambo.

7Aporoniusi paakasangana namambo akamupirawo nyaya yemari iya yaakanga ataurirwa. Mambo akasarudza Heriodhorusi aiva webasa rokuona nezvake iye akamutuma kundoti mari dzakanga dzarehwa idzodzo dzibviswe imomo.

8Heriodhorusi akabvawo angosimuka akapinda murwendo rwake kuvanhu achiita sokunge ari kundoshanya achimema maguta eKoeresiria neeFonisia asi chinangwa chacho chaicho chaiva chokuenda kundoita zvakanga zvarongwa namambo.

9Kuzoti asvika kuJerusaremu anyatsogamuchirwawo nomwoyo wakanaka nomupristi mukuru weguta, akavataurira nezvenyaya iya yavakanga vaziviswa, akabva adura zvaakanga avinga. Akabvunza kuti azive kana nyaya iyi iri yechokwadi chaizvoizvo.

10Mupristi mukuru akatsanangura kuti kune imwe mari yakanga yakaunganidzirwa chirikadzi nenherera

11neimwewo mari yaHirikanusi mwanakomana waTobhiya murume aizivikanwa kwazvo. Mari yacho chaiyo yesirivha yose pamwechete yaiita matani matatu ana makirogiramu mazana mana uye ndarama yaisvika matani matanhatu ane makirogiramu mazana masere. Kumwe kwose uku, kwava kumwaya chete kwomunhu asina mwoyo wese. Simoni akandoreva zvinhu achisandurira kudaro.

12Vakarondedzerawo kuti chakanga chiri chinhu chisingambofa chakafanira kuitika kuti pawane chakaipa chinoitwa kuvanhu vanovimba nokuera kwenzvimbo iyoyo nokukumikidzwa kwayakaitwa kuna Mwari nokusan'oreseka kweTemberi inodai kuremekedzwa pasi pano pose zvapo.

Kuvhiringidza vanhu kwaHeriodhorusi muJerusaremu

13Asi pamusana pezvakanga zvatemwa namambo, Heriodhorusi akati, zvakadaro zvazvo, vanofanira kutorerwa mari iyoyo iendeswe munochengeterwa upfumi hwokwamambo.

14Nezvo akatema zuva raakandopinda achindotungamirira basa rokuongorora mari idzodzo.

Hakuzi kusuruvara ikoko kwakaitika muguta iroro rose, makasuruvarwa kwazvo.

15Vapristi vakati pasi zvambarara pamberi peatari vakapfeka magemenzi avo oupristi. Vakanamata kuna Wedenga nyakupa murao wezvemipiro iyoyo kuti iye ngaanyatsoichengetedzera vanhu vacho vakanga vapira mipiro iyoyo.

16Chaiva chinhu chinobaya mwoyo kutarisa mupristi mukuru nokuti uso hwake nokusanduka kwakanga kwaita ruvara rwake zvaibva zvaburitsa pachena kutambura kwaaiita mumwoyo.

17Zvakange zvavepo ndezvokuti murume uyu akanga zvino abatwa nokutya nokungwenda kudedera muviri zvichinyatsoratidza wose ainge angomuti je–e kumutarisa kurwadziwa kwaaiva nako mumwoyo.

18Vanhuwo vakamhanyidzana kubuda mudzimba dzavo vari zvikwata nezvikwata kundoteterera vose pamwechete pamusana pokuti Nzvimbo Inoera yakanga yonyadziswa.

19Vakadzi vakanga vapfeka mitikisha yehanzu dzemasaga yakasungirwa munyasi memazamhu avo, vakanga vodzungaira mumigwagwa macho. Dzimwe mhandara dzaimbenge dzichichengetedzwa dziri mudzimba, dzakange dzomhanyidzana kuenda kumisuo mikuru, dzimwe kumasvingo kwacho, dzimwe dzichidongorera nomumahwindo.

20Vakasimudza maoko avo kudenga vakaita munamato vari vose zvavo.

21Chaiva chimwe chinhu chinopisa tsitsi kuona ruzhinji rwose rwavanhu urwu rwakati pasi zvambarara kudaro uye nokushungurudzwa mwoyo kwaiita mupristi mukuru mukurwadzwa mwoyo kukuru kwazvo kwavaiita.

22Pavakanga vachidaidza kudaro kuna Tenzi Samasimbaose kuti anyatsochengetedza zvakanga zvakachengeteswa zvacho kuti zvirege kuwana chinozviwana kuitira vakanga vabvisa mipiro yacho,

23Heriodhorusi ndopaaitoenda mberi nezvakanga zvatemwa.

Kurohwa kwaHeriodhorusi

24Asi paakati vhu kusvika maichengeterwa upfumi aina varwi vokumuchengetedza, pakarepo Mambo wemweya yose, namambo woukuru hupi noupi zvahwo akabva aita kuti pave nechiratidzo chikuru kwazvo zvokuti vakambenge vaita chivindi chokuperekedzana naye vose vakakatyamadzwa nesimba raMwari vakafizuka nokutya.

25Chakanga chaitika ndechokuti, vakaona rimwe bhiza rine mbiri risina rimwe rokumboenzanisa naro rakangonyuka rakanga riine munhu akaritasva aiva munhu anotyisa. Bhiza iri rakamhanya zvinotyisa rakananga Heriodhorusi rikasvikomurova namatsiko amakumbo emberi. Mutasvi waro akaonekwa aine chidemautare chokuzvidzivirira nacho muhondo nezvombo zvokurwisa nazvo zvendarama.

26Pakaonekwawo majaya maviri naiye vari zvigwindiri chaizvo, vakarurama zvino mukurumbira, izvozvo vakanga vakapfeka hanzu dzakanaka kwazvo. Vakamira vakati mumwe uku mumwe uku iye ari pakati, vakaramba vachimuzvambura vachimurova netsiva zvakanyanya.

27Pakarepo paakangoti pasi rikiti anzi kwidiba nezarima guru, vanhu vake vakamusimudza vakamuisa pabanda

28vakamutakura vakaenda naye, murume uya anga apinda maichengeterwa upfumi, mazvakarehwa aine gurusvusvu ramachinda navarwi vake vokumuchetengetedza vose zvavo, asi akanga zvino asisina chaanokwanisa kuzviitira. Ivo vakabvawo vanyatsozvionera ukuru hwesimba raMwari.

29Paakanga akati pasi rabada kudaro asisina neromuromo pamusana pokupindira kwaMwari mazviri asisina chitarisiro chokupora,

30vakarumbidza Tenzi akanga aita zvinoshamisa achiitira nzvimbo yake. MuTemberiwo muya makambenge mambozara nokutya maita bongozozo chairo, makange zvino mopemberwa kufara sezvo Tenzi Samasimbaose akanga azviratidza.

31Vamwe veshamwari dzaHeriodhorusi vakakurumidza kukumbira Oniasi mupristi mukuru kuti ateterere kune Wokumusorosoro kuti araramise mumwe uya akanga arere achiti ziro kunyarara ava kutotura femo rake rokupedzesera.

32Zvino mupristi mukuru, vachitya kuti zvimwe mambo angazofungira kuti pane kushinha chete kwakaitwa navaJudha panyaya yezvaHeriodhorusi, akapira chibayiro chokuitira kuti murume iyeyu apore.

33Mupristi mukuru vachingunopira mupiro wokupfupira iwoyo, majaya iwo aya akare akazviratidzazve kuna Heriodhorusi akapfeka hanzu dzimwechetedzo akamira akati, “Utotenda zvako mupristi mukuru Oniasi nokuti Tenzi atozokuraramisa pamusana pavo.

34Wochitoona kuti iyewe wambonzai kuzvamburwa naNyadenga, worondedzera kuvanhu vose zvesimba raMwari rino mukurumbira wakadai.” Pavakangotaura izvi vakabva vanyangarika.

Kupindukira kuna Mwari kwakaita Heriodhorusi

35Heriodhorusi akazopira chibayiro kuna Tenzi akatotsidzawo nemhiko huru kwazvo kuMuponisi wake woupenyu. Paakaonekana naOniasi akasimuka nehondo yake yavarwi odzokera kuna mambo.

36Akange achipupura kuvanhu vose mabasa anoitwa naMwari Wokumusorosoro aakanga azvionera iye pachake nameso ake.

37Mambo paakabvunza Heriodhorusi kuti nhume ingazotumirwa kuJerusaremu nechimwe chirevo chamambo angafanire kuva munhu akaita sei chaizvo, iye akapindura achiti,

38“Kana muine muvengi kana mumwe munhu ari kuronga kupandukira umambo hwenyu, mutumei henyu ikoko nokuti munozomuwana odzoka anyatsowororwa nokuzvamburwa, asi ndokunge apunyukawo. Ndinodaro nokuti chokwadi panzvimbo ipapo pane simba raMwari rimwewo,

39pamusana pokuti iye ane musha uri kudenga, iye pachake ndiye anotarira nzvimbo iyoyo achiiwanisa rubatsiro. Anozvambura achiparadza vanosvikapo vachida kuionesa nhamo.”

40Izvi ndozvakaitika panyaya yaHeriodhorusi nokudzivirirwa kwakaitwa maichengeterwa upfumi macho.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help