Ezira 2 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Mazita avanhu vakadzoka vachibva kuutapwa(Neh 7:4–73)

1Zvino ava ndivo vanhu vedunhu iroro vakabva kuutapwa pane vakanga vatamiswa naNebhukadhineza mambo weBhabhironi vaendeswa kuutapwa kuBhabhironi. Vakadzokera kuJerusaremu kwaJudha mumwe nomumwe kuguta rokwake.

2Vakauya navo ndiZerubhabhero naJeshua naNehemiya naSeraya naReeraya naModhekai naBhirishani naMisipari naBhigivhai naReumu naBhaana.

Pavanhu veIsiraeri, uwandi hwavarume vacho hwaiva hwakamira hwakadai izvi:

3vanakomana vakwaParoshi

vaiva zviuru zviviri zvine zana

nemakumi manomwe ane vaviri,

4kwouya vokwaShefatiya

vari mazana matatu namakumi manomwe navaviri,

5kwoti vokwaAra

variwo mazana manomwe

ane makumi manomwe ane vashanu,

6kwotiwo vakwaPahatimoabhu

vari vokwaJeshua naJoabhu vari zviuru zviviri

zvine mazana masere negumi navaviri,

7kwouyawo vokwaEramu

vari chiuru chine mazana maviri ane makumi mashanu avanhu,

8kwoti vokwaZatu

vaiva mazana mapfumbamwe ane makumi mana navashanu,

9kwozouya vokwaZakai

variwo mazana manomwe ane makumi matanhatu,

10kukati vokwaBhani

vari mazana matanhatu ane makumi mana navaviri,

11kukatiwo vokwaBhebhai

mazana matanhatu ane makumi maviri navatatu,

12kuchitiwo vokwaAzigadhi

chiuru chine mazana maviri namakumi maviri ane vaviri,

13kwouya vokwaAdhonikamu

vaiva mazana matanhatu ane makumi matanhatu navatanhatu,

14kwouyawo vokwaBhigivhai

vari zviuru zviviri zvina makumi mashanu navatanhatu,

15kwozoti vokwaAdhini

mazana mana namakumi mashanu navana,

16kwozotiwo vokwaAtero

vari vokwaHezekiya makumi mapfumbamwe ana vasere,

17kwouya vokwaBhezai

mazana matatu nemakumi maviri ana vatatu,

18kwouyawo vokwaJora

vaiva zana negumi navaviri,

19kwoti vokwoHashumu

vari mazana maviri ana makumi maviri navatatu,

20kwotiwo vokwaGibhari

mazana mapfumbamwe ana vashanu.

21Vanakomana vokwaBheterehemu

vaiva zana namakumi maviri ana vatatu,

22kwouya vokwaNetofa

vari makumi mashanu ana vatanhatu,

23navarume vokwaAnatoti

zana namakumi maviri navasere,

24vanakomana vokwaAzimavheti

makumi mana navaviri,

25kwouya nevokuKiriyatijearimu,

Kefira naBheeroti mazana manomwe ana makumi mana navatatu,

26kwouyawo vokuRama nokuGebha

vaiva mazana matanhatu ana makumi maviri nomumwechete,

27uye vokwaMikimashi

vari zana namakumi maviri navaviri,

28uyewo varume vokuBhetieri

nokuAi mazana maviri ana makumi maviri navatatu

29uyezve varume vokwaNebho

makumi mashanu navaviri,

30uye varume vokwaMagibhishi

zana namakumi mashanu ane vatanhatu,

31uyewo vanakomana vokune imwe Eramu

vaiva chiuru namazana maviri

namakumi mashanu ana vana,

32kwouya vokwaHarimu

vari mazana matatu namakumi maviri,

33kwouyawo vokwaRodhi nokwaHadhidhi okwaOno

mazana manomwe ana makumi maviri nevashanu,

34kwoti vokuJeriko

mazana matatu ana makumi mana navashanu,

35kwotiwo vokwaSenaa

zviuru zvitatu zvine mazana matanhatu namakumi matatu.

36Vapristi:

vanakomana vokwaJedhaya

vari vemba yokwaJeshua vaiva mazana mapfumbambwe

ana makumi manomwe nevatatu,

37kwouya vokwaImero

vari chiuru chine makumi mashanu ane vaviri,

38kwouyawo vokwaPashihuru

chiuru china mazana maviri ana makumi mana navanomwe

39kwozouya vokwaHarimu

chiuru chine gumi navanomwe.

40VaRevhi,

vanakomana vokwaJeshua nevokwaKadhimieri

vechizvarwa chokwaHodhavhiya

vaiva makumi manomwe ane vana.

41Vaimbi vana vokwaAsafu

vaivawo zana namakumi maviri navasere.

42Vachengetedzi vepamisuo mikuru

vaiva vanakomana vevava vanoti:

Sharumu naAtero naTarimoni

naAkubhu naHatita naShobhari.

Pamwechete vaiva zana namakumi matatu navapfumbamwe.

43Vashandi vomuTemberi:

vaiva vanakomana vavavawo vanoti:

Ziha naHashupa naTabhahodhi

44naSairosi naSiaha naPadhoni

45naRebhana naHagabha naAkubhu

46naHagabhu naSharimai naHanani

47naGidhero naGahari naReaya

48naRezini naNekodha naGazamu

49naUza naPaseya naBhesai

50naAsina naMeunimu naNefisimu

51naBhakibhu naHakufa naHarihuru

52naBhazirati naMehidha naHarisha

53naBharikosi naSisera naTema

54naNezia naHatifa.

55Vanakomana vavaranda vaSoromoni:

vakanga vakamira vakadai,

paiti: vanakomana

vokwaSotai naHasofereti naPerudha

56naJaara naDharikoni naGidhero

57naShefatiya naHitiri

naPokeretihazibhaimu naAmi.

58Ivava vepaTemberi pamwechete navaranda vaSoromoni vose vaiva mazana matatu ana makumi mapfumbamwe navaviri.

59Kune vamwe vaibva kuTerimera nokuTeriharisha nokuKerubhu nokuAdhani nokuImero, asi havana kukwanisa kurondedzera dzimba dzamadzibaba avo kuti ivo pachavo ndevechiIsiraeri here kana kuti kwete.

60Vakanga vari vanakomana vaava vanoti:

Dheraya naTobhiya naNekodha.

Ivava ava vaiva vari mazana matanhatu ane makumi mashanu navaviri.

61Pakati pavapristiwo:

paivawo navanakomana veava vanoti:

Habhaya naHakozi naBhazirai

(Bhazirai uya wokuroora

mwana waBhazirai

wokuGireadhi akazenge ava

kudaidzwa nezita ravo)

62Ivava ava vakatsvaka

mazita avo pamazita akanga

akanyorwa chizvarwa

nechizvarwa asi haana kuwanikwapo.

Ipapo paupristi vakanzi vakan'ora.

63Sadunhu akavati varege kudya zvokudya

zvinoeresesa kusvikira

patova nomupristi wokunzwa

Mwari kuti anoti kudii achishandisa

Urimu neTumimu.

64Gungano racho rose pamwechete rakanga riina vanhu zviuru makumi mana ane zviviri namazana matatu ane makumi matanhatu avanhu

65tisingaverengere varanda vavo vechirume nevechikadzi vakangawo vari zviuru zvinomwe zvavanhu zvina vanhu mazana matatu ana makumi matatu navanomwe. Vakangawo vaine vaimbi varume navakadzi vaiita mazana maviri.

66Vaive namabhiza mazana manomwe ane makumi matatu ana matanhatu nemanyurusi mazana maviri ana makumi mana namashanu,

67kwozouya ngamera mazana mana ana makumi matatu ane shanu namadhongi zviuru zvitanhatu zvine mazana manomwe namakumi maviri.

68Vamwe vatungamiriri vedzimhuri pavakasvika kumba yaTenzi yakanga iri kuJerusaremu vakabvisira imba yaMwari mipiro yokupa nechido yokuivakisa panzvimbo payo.

69Vakabvisa sokugonawo kwavo vachipa kune vokuchengeta maigara upfumi hwakanangana nebasa iroro ndarama yaiita mazana mashanu amakirogiramu nesirivha yainge yoda kuita matani maviri ana makirogiramu mazana masere nezana rehanzu dzavapristi.

70Vapristi navaRevhi navanhu vamwe navaimbi navachengetedzi vemisuo mikuru navashandi vepatemberi vakagara mumaguta ekwavo. VaIsiraeri vosewo vakagara mumaguta ekwavo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help