Jobhu 3 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

II: HURUKURO DZAJOBHU NESHAMWARI DZAKEA: HURUKURO DZOKUTANGAKutsutsumwa kwaJobhu

1Mushure maizvozvo Jobhu akademba kuti dai zuva rake rokuberekwa risina kumbovepo.

2Jobhu akati:

3“Dai zuva randakaberekwa ratsakatika zvaro

pamwe nousiku hwakanzi kwabatwa pamuviri mwana mukomana.

4Dai zuva iroro rangove zvaro zarima

Mwari ari kumusoro

dai arega zvake kuritsvaka

uye dai chiedza charega kurivhenekera.

5Dai rangokwidibirwa nezarima

uye nerima rakati kwirindindi sorufu.

Dai rangonzi gude-gude negore

rive rinotyisa nokusvipa kwaro.

6Usiku ihwohwo ngahunzi pute nezarima.

Pamazuva egore ngarirege kuva zuva rorufaro;

ngarirege kuva rimwe ramazuva egore,

rirege kumbopinda zvaro mukuverengwa kwemwedzi.

7Ngahuve usiku husina mbereko

hurege kumbonzwika mupururu wokufara.

8Vanorengerera rushambwa

dai vangorirengerera,

vanokwanisa kumutsa zigaranyanya.

9Nyenyedzi dzamambakwedza aro ngadzisvibe.

Ngaritarisire chiedza asi risambochiwana

rirege kumboona

kana romoromo zvaro ramambakwedza

10nokuti harina kupfiga misuo

yemimba yaamai vangu

kana kuti meso angu asatarise nhamo.

11Ndakaregereiko kungofa zvangu pakuberekwa,

ndichingoti budei mudumbu ndichibva ndangofa zvangu.

12Zvakamboitikireiko kuti ndive pamakumbo

uye kuti avepo mazamu okuti ini ndiyamwe?

13Nokuti iye zvino

ndingadai ndakarara zvangu muguva,

ndinyerere ndiine zororo

14pamwechete namadzimambo namakurukota enyika

vakazvivakira matongo,

15kana kuti namachinda ane ndarama,

akanga akazadza dzimba nesirivha.

16Ko ndakaregereiko chaizvo

kungovawo zvangu gavamwedzi

risingazivikanwi zvaro

sesvava dzisina kumboona chiedza?

17Ikoko vaipi zvokutambudza zviya zvinopera;

ikoko vanenge vaneta nebasa

vanowana zororo.

18Ikoko vasungwa vanozorora pamwechete;

zvokukararirwa nomushandisi webasa

vanenge vasisazvinzwi.

19Vanhuwozvavo

navakuru vakuru variko

uye varanda vano rusununguko kuna vatenzi vavo.

20Ko chiedza chinopirweiko

vari munhamo zvavo

uye upenyu hunopirwei

vari kushushikana mumwoyo?

21Vanosuwira rufu asi rufu rwusingauye,

vanoruchera kupinda pfuma yakavandika,

22vanotopembera zvikuru nokufara

kana vawana zvavo guva?

23Chiedza chinopirwei munhu apiwa chidzimira

akaiswa naMwari parumananzombe.

24Mafemo angu ndiwo atokunda chokudya changu.

Kugomera kwangu kunoteurirwa pasi semvura.

25Nokuti chandinotya chacho,

ndicho chinondiwana;

chandinozeza ndicho chinondiwira.

26Handina kugadzikana mwoyo

uye handina runyararo mumwoyo mangu,

ndisati ndambozorora

nhamho yauya.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help